ƲaRoma 15
15
Gamucirai ʋamŋe sezamakagamucirwa naKristu.
1Ɀino isu, tinesimba, tinofanira kutakura ʋutera bgaʋasinesimba, tisiŋgaɀifadzi. 2Mumŋe nomumŋe weɗu ŋgaafadze wokwake paneɀakanaka ɀinosimbisa. 3Nokuti Kristu ʋo haana‐kuɀifadza; asi seɀaɀakanyorwa, ɀicinzi: Kuɀidza kwaʋakakuɀidza nako kwakawira pamsoro paŋgu. 4Nokuti ɀose ɀakanyorwa kare, ɀakanyorwa kuti isu tidzidze kuti tiʋe netariro inobva pakutsuŋgirira napakunyaradza kwaMagwaro. 5Ɀino Mŋari wokutsuŋgirira nowokunyaradza ŋgaakupei mŋoyo mumŋe pakati penyu, seɀinoɗa Kristu Jesu; 6kuti mukudze Mŋari, Ƃaɓa ʋaShe weɗu Jesu Kristu, nomŋoyo mumŋe ʋuye nomuromo mumŋe. 7Saka gamuciranai, Kristu seɀaakatigamucira, kuti Mŋari akudzwe. 8Nokuti ndinoti: Kristu wakaitwa mushumiri wokudziŋgiswa kuratidza ɀokwaɗi yaMŋari, kuti asimbise ɀakapikirwa madziɓaɓa. 9Ʋuye, kuti ʋahedeni ʋakudze Mŋari nokuɗa kweŋgoni dzake; seɀaɀakanyorwa, ɀicinzi:
Naiɀoɀo ndicakurumbidzai pakati paʋahedeni,
Nokukuimbirai zita renyu.
10Ʋuye ɀe unoti:
Farai imi ʋahedeni, naʋanhu ʋake.
11Ʋuye ɀe:
Rumbidzai Ishe, imi ʋahedeni ʋose;
Marudzi ose ŋgaamukudze.
12Ʋuye ɀe, Isaya unoti:
Mudzi waJese ucaʋa’po,
Naiye unomuka, kuti aɓate ʋahedeni;
Ʋahedeni ʋacamutarira iye.
13Ɀino Mŋari wetariro ŋgaakuzadzei nomufaro wose norugare pakutenda kwenyu, kuti muʋe netariro yakawandisa, nesimba roMŋeya Mutȿene.
Ʋuapostora bgaPauro.
14Ɀino, hama dzaŋgu, ini ndimene ndinoziʋa kwaɀo pamsoro penyu, kuti imi mumene muzere nokunaka, makazadzwa nokuziʋa kwose, munogona ʋo kurairana. 15Asi ndinokunyorerai ɀimŋe ndicinyanya kutsuŋga, ndiciita sendinokuyeʋudzai nenyasha dzandakapiwa naMŋari, 16kuti ndiʋe muranda waKristu Jesu kuʋahedeni, ndiciita ɓasa roʋuprista paEvaŋgeri yaMŋari, kuti ciɓayiro caʋahedeni cifadze Mŋari, cakaitwa citȿene noMŋeya Mutȿene. 17Naiɀoɀo ndiŋgaɀirumbidza munaKristu Jesu paɀinhu ɀaMŋari. 18Nokuti ndiŋgatya kutaura ɀimŋe ɀinhu, asi iɀo Kristu ɀaakaita neni, kuti ʋahedeni ʋaterereswe neshoko namaɓasa, 19nesimba reɀiratidzo neɀinoshamisa, nesimba roMŋeya Mutȿene; nokuɗaro kubva Jerusarema nenyika yakapoteredza, kuȿikira Iririko, ndakaparidza kwaɀo Evaŋgeri yaKristu; 20ndicishiŋgairira cinhu ici kuti ndiparidze Evaŋgeri, apo pasina‐kumborebga zita raKristu, kuti ndirege kuʋaka pamsoro penheyo dzomumŋe munhu; 21asi, seɀaɀakanyorwa, ɀicinzi:
Aʋo, ʋasina‐kuʋudzwa ɀake, ʋacaʋona;
Naiʋo ʋasina‐kunzwa ʋacanzwisisa.
22Naiɀoɀo ndakadziʋiswa ʋo kazhinji kuʋuya kwamuri; 23ɀino ɀandisinapokuɓata panyika idzi, ʋuye ɀaaʋa makore mazhinji ndiciɗa ɀikuru kuʋuya kwamuri, 24kana ndicienda Spania, ndicaʋuya kwamuri; (nokuti ndinotarira kukuʋonai parwendo rwaŋgu, ndiperekedzwe nemi ikoko, kana ndamboguta ɀishoma kuʋonana nemi). 25Asi ɀino ndomboenda Jerusarema kundoshumira ʋatȿene. 26Nokuti ʋeMakedonia naʋeAkaya ʋakati ɀakanaka kuti ʋagoʋane naʋarombo paʋatȿene ʋari paJerusarema. 27Nokuti ʋakati ɀakanaka; ʋaneŋgaʋa naʋo. Nokuti kana ʋahedeni ʋakaitwa ʋagoʋani naʋo paɀinhu ɀoMŋeya, ʋaneŋgaʋa ʋo rokuʋashumira paɀinhu ɀenyama. 28Naiɀoɀo kana ndapedza cinhu ici, ndikaʋaʋigira ciɓereko ici, ndicaenda Spania nokwenyu. 29Ndinoziʋa kuti kana ndiciʋuya kwenyu, ndicaʋuya nokuropafadza kwakazara kwaKristu.
30Ɀino ndinokumbira ɀikuru, hama dzaŋgu, naShe weɗu, Jesu Kristu, ʋuye noruɗo rwoMŋeya, kuti murwe pamŋe cete neni pakunyeŋgetera kwenyu kunaMŋari pamsoro paŋgu; 31kuti ndisunuŋgurwe kunaʋasiŋgatereri muJudea, ʋuye kuti kushumira kwaŋgu kunaʋeJerusarema kufadze ʋatȿene; 32kuti ndiʋuye kwamuri nomufaro nokuɗa kwaMŋari, ndiwane zororo pamŋe cete nemi. 33Ɀino Mŋari worugare ŋgaaʋe nemi mose. Ameni.
Zvasarudzwa nguva ino
ƲaRoma 15: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018