Nokuti neŋguʋa imŋe fuma huru yakaɗai yaparadzwa. Ɀino ʋafambisi ʋose ʋeɀikepe, naʋose ʋanofamba neɀikepe papi napapi, naʋafambi naʋaɓati paguŋgwa, ʋakamira kure, ʋakaɗanidzira ʋaciʋona ʋutsi bgokutȿa kwaro, ʋaciti: Guta rakafanana neguta iri guru nderipiko? Ipapo ʋakakandira guruʋa pamisoro yaʋo, ʋakaɗanidzira ʋacirira nokucema, ʋaciti: Nhamo, nhamo, guta guru, kwaifumiswa neɀinokosha ɀaro ʋose ʋaiʋa neɀikepe ɀaʋo paguŋgwa; nokuti rakaparadzwa neŋguʋa imŋe. Farai pamsoro paro iwe ɗeŋga, nemi ʋatȿene naʋaapostora, naʋaprofita, nokuti Mŋari wakaritoŋgera kutoŋga kwenyu.
Ɀino mumŋe mutumŋa unesimba akasimudza ibge rakaita seguyo guru, akarikandira muguŋgwa, aciti: Saiɀoɀo guta guru, Babironi, ricaputsirwa pasi nesimba, rikasatoŋgowanikwa ɀe. Nenzwi raʋanoridza ʋuɗimbga, neraʋanoimba, neraʋanoridza nyere, neraʋanoridza hwamanda, haricatoŋgonzwiki mauri, nemhizha yeɓasa ripi neripi haicatoŋgowanikwi mauri, nenzwi reguyo haricatoŋgonzwiki mauri; ciedza comŋenje hacicatoŋgovenekeri mauri, nenzwi recikomba kana romŋeŋga haricatoŋgonzwiki mauri; nokuti ʋateŋgesi ʋako ʋaiʋa ʋakuru ʋenyika; nokuti noʋuroyi bgako marudzi ose akanyeŋgerwa. Mukati maro mukawanikwa ropa raʋaprofita neraʋatȿene, neraʋose ʋakaʋurawa panyika.