Zvakazarurwa 18:17-24
Zvakazarurwa 18:17-24 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Muawa imwe chete upfumi hwakakura kudai hwaparara!’ “Vafambisi vose vezvikepe mugungwa, navose vanofamba nezvikepe, vashandi vomuzvikepe navose vanorarama nezvinobva mugungwa, vachamira kure. Pavachaona utsi hwokutsva kwaro, vachati, ‘Pakambova neguta rakaita seguta guru iri here?’ Vachakanda guruva pamisoro yavo, uye nokuchema nokuungudza vachadanidzira vachiti: “ ‘Nhamo! Nhamo, iro guta guru, vose vaiva nezvikepe pagungwa vakapfuma noupfumi hwaro! Muawa imwe chete, raparara! Farai pamusoro paro, imi denga! Farai, vatsvene navapostori navaprofita! Mwari aritonga nokuda kwamabatiro arakakuitai.’ ” Ipapo mutumwa ane simba akasimudza dombo rakaenzana neguyo guru akarikanda mugungwa, akati: “Nechisimba chakadai guta guru reBhabhironi richakandwa pasi, risingazombowanikwazve. Kuimba kwavaridzi vorudimbwa navaimbi, navaridzi venyere navaridzi vehwamanda, hakuchazonzwikwazve mauri. Hakuna munhu webasa ripi zvaro achazowanikwazve mauri. Inzwi reguyo harichazonzwikwizve mauri. Chiedza chomwenje hachichazovhenekerizve mauri. Inzwi rechikomba neromwenga hazvichazonzwikwazve mauri. Vashambadziri vako vakanga vari vakuru venyika. Nouroyi hwako ndudzi dzose dzakatsauswa. Mariri makawanikwa ropa ravaprofita neravatsvene, neravose vakaurayiwa panyika.”
Zvakazarurwa 18:17-24 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Nokuti nenguva imwe pfuma huru yakadai yaparadzwa.” Zvino vafambisi vose vezvikepe, navose vanofamba nezvikepe papi napapi, navafambi navabati pagungwa, vakamira kure, vakadanidzira vachiona hutsi hwokutsva kwaro, vachiti, “Guta rakafanana neguta iri guru nderipiko?” Ipapo vakakandira guruva pamisoro yavo, vakadanidzira vachirira nokuchema, vachiti, “Nhamo, nhamo, guta guru, kwaifumiswa nezvinokosha zvaro vose vaiva nezvikepe zvavo pagungwa; nokuti rakaparadzwa nenguva imwe.” Farai pamusoro paro iwe denga, nemi vatsvene navapostori, navaporofita, nokuti Mwari akaritongera kutongwa kwenyu. Zvino mumwe mutumwa ane simba akasimudza ibwe rakaita seguyo guru, akarikandira mugungwa, achiti, “Saizvozvo guta guru, Bhabhironi, richaputsirwa pasi nesimba, rikatongowanikwazve. Nezwi ravanoridza madimbwa, neravanoimba, neravanoridza nyere, neravanoridza hwamanda, harichatongonzwiki mauri, nemhizha yebasa ripi neripi haichatongowanikwi mauri, nezwi reguyo harichatongonzwiki mauri; chiedza chomwenje hachichatongovhenekeri mauri, nezwi rechikomba kana romwenga harichatongonzwiki mauri; nokuti vatengesi vako vaiva vakuru venyika; nokuti nouroyi hwako marudzi ose akanyengerwa.” Mukati maro mukawanikwa ropa ravaporofita neravatsvene, neravose vakaurawa panyika.
Zvakazarurwa 18:17-24 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Neawa imwechete, upfumi hwose uhu hwaparara. Vatungamiriri vengarava navanhu vanofamba nzendo nengarava navafambisi vengarava navose vanoshava mari vachishandisa nyanza, vakamira kure uko, vakachema zvinonzwisa tsitsi pavakaona utsi hwokutsva kwaro. “Nderipi guta ringaenzaniswe neguta iri guru?” Vakazvidira ivhu mumusoro vachichema vachiungudza vachiridza mhere vachiti, “Maiwe! Maiwe guta guru kudai rakapfumisa vose vaiva nengarava munyanza, neawa imwechete raparara. Imi matenga nemi vatsvene nemi vapositori nemi vaporofita ritii, ‘Tsvatu waro.’ Itii nomufaro kwariri, ‘Tsvatu waro.’ Nokuti Mwari akaripa chirango pamusoro pezvarakakuitirai.” Mutumwa ane simba guru akatora dombo rakakura seguyo akarikanda mugungwa achiti, “Ndiko kukundwa zvine utsinye kuchaitwa Bhabhironi guta guru marisingazombowanikwazve.” Mumhanzi wevemadimbwa newavaimbi newevenyere newevemabhosvo hauchazombonzwiki mauri uyewo mhizha youmhizha hupi zvaho, hauchazombowanikwamo uyezve mauri hamuchazombonzwika ruzha rwokukuya. Kana mwenje werambi hauchabvirazve mauri. Mauri hamuchazombonzwikazve izwi romukuwasha kana romuroora nokuti veshawo dzokutengeserana vako vanga vari madzichangamire apanyika. Marudzi ose akanyengedzwa nouroyi hwako. Mariri makawanikwa ropa ravaporofita neravatsvene neravose vakauraiwa pasi pano.
Zvakazarurwa 18:17-24 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Nokuti neŋguʋa imŋe fuma huru yakaɗai yaparadzwa. Ɀino ʋafambisi ʋose ʋeɀikepe, naʋose ʋanofamba neɀikepe papi napapi, naʋafambi naʋaɓati paguŋgwa, ʋakamira kure, ʋakaɗanidzira ʋaciʋona ʋutsi bgokutȿa kwaro, ʋaciti: Guta rakafanana neguta iri guru nderipiko? Ipapo ʋakakandira guruʋa pamisoro yaʋo, ʋakaɗanidzira ʋacirira nokucema, ʋaciti: Nhamo, nhamo, guta guru, kwaifumiswa neɀinokosha ɀaro ʋose ʋaiʋa neɀikepe ɀaʋo paguŋgwa; nokuti rakaparadzwa neŋguʋa imŋe. Farai pamsoro paro iwe ɗeŋga, nemi ʋatȿene naʋaapostora, naʋaprofita, nokuti Mŋari wakaritoŋgera kutoŋga kwenyu. Ɀino mumŋe mutumŋa unesimba akasimudza ibge rakaita seguyo guru, akarikandira muguŋgwa, aciti: Saiɀoɀo guta guru, Babironi, ricaputsirwa pasi nesimba, rikasatoŋgowanikwa ɀe. Nenzwi raʋanoridza ʋuɗimbga, neraʋanoimba, neraʋanoridza nyere, neraʋanoridza hwamanda, haricatoŋgonzwiki mauri, nemhizha yeɓasa ripi neripi haicatoŋgowanikwi mauri, nenzwi reguyo haricatoŋgonzwiki mauri; ciedza comŋenje hacicatoŋgovenekeri mauri, nenzwi recikomba kana romŋeŋga haricatoŋgonzwiki mauri; nokuti ʋateŋgesi ʋako ʋaiʋa ʋakuru ʋenyika; nokuti noʋuroyi bgako marudzi ose akanyeŋgerwa. Mukati maro mukawanikwa ropa raʋaprofita neraʋatȿene, neraʋose ʋakaʋurawa panyika.
Zvakazarurwa 18:17-24 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)