Ɀakazarurwa 14
14
Gwaiana pagomo reZioni.
1Ɀino ndakatarira, ndikaʋona Gwaiana rimire pagomo reZioni, rinaʋamŋe ʋaneɀuru ɀinezana namakumi manna naʋanna, ʋanezita raro, nezita raƂaɓa ʋaro, rakanyorwa pahuma dzaʋo. 2Ipapo ndakanzwa inzwi ricibva kuɗeŋga, senzwi remvura zhinji, ʋuye senzwi rokutinhira kukuru; nenzwi randakanzwa rakaŋga rakaita seraʋaridzi ʋoruɗimbga ʋaciridza ʋuɗimbga bgaʋo. 3Ʋakaimba rwiyo rutȿa pamberi pecigaro coʋushe, napamberi peɀisikwa ɀipenyu ɀinna, naƲakuru; hakunomunhu wakagona kudzidza rwiyo urwu, asi ʋaya ʋaneɀuru ɀinezana namakumi manna naʋanna, ʋakadzikinurwa ʋacibva panyika. 4Ndiʋo ʋasina‐kuȿiɓiswa naʋakadzi; nokuti ʋakanaka semhandara. Ndiʋo ʋanoteʋera Gwaiana kwose kwarinoenda. Ndiʋo ʋakadzikinurwa pakati paʋanhu, kuti ʋaʋe ɀiɓereko ɀokutaŋga kunaMŋari nokuGwaiana. 5Mumuromo maʋo hamuna‐kuʋonekwa nhema, haʋana‐caʋaŋgapomerwa.
Ʋatumŋa ʋanoziʋisa kutoŋga kwaMŋari.
6Ɀino ndakaʋona mumŋe mutumŋa acibururuka pakati peɗeŋga, aneEvaŋgeri isiŋgaperi, kuti aiparidzire ʋanogara panyika, namarudzi ose, nendudzi dzose, nendimi dzose, naʋanhu ʋose. 7Akati nenzwi guru: Ityai Mŋari, mumurumbidzei; nokuti ŋguʋa yake yokutoŋga yaȿika; namatai iye, wakasika ɗeŋga, nenyika, neguŋgwa, namatsime emvura.
8Ipapo mumŋe mutumŋa wakateʋera, aciti: Rawa, Rawa, Babironi, guta guru, rakanwisa marudzi ose waini yokutsamŋa kwoʋupombge bgaro.
9Ipapo mumŋe mutumŋa wecitatu wakateʋera, akati nenzwi guru: Kana munhu akanamata cikara nomufananidzo waco, nokugamucira ciratidzo pahuma yake kana paruʋoko rwake, 10naiye ucanwa ʋo waini yokutsamŋa kwaMŋari, yakaɗirwa isina‐kuveŋganiswa mumukombe wehasha dzake; ucatambudzwa mumŋoto nesurferi pamberi paʋatumŋa ʋatȿene, napamberi peGwaiana. 11Ʋutsi bgokutambudzika kwaʋo bgunokwira nokusiŋgaperi‐peri; haʋanezororo masikati noʋusiku, iʋo ʋanonamata cikara nomufananidzo waco, nounogamucira ciratidzo cezita raco. 12Ndipo panokutsuŋgirira kwaʋatȿene, ʋanoceŋgeta mirairo yaMŋari nokutenda kwaJesu.
13Ipapo ndakanzwa inzwi ricibva kuɗeŋga, riciti: Nyora, uti: Ʋakafa, ʋanofira munaShe, ʋakaropafadzwa kubva ɀino. Hoŋo, ndiɀo ɀinotaura Mŋeya, kuti ʋazorore pakuɓata kwaʋo kukuru, nokuti maɓasa aʋo anoʋateʋera.
14Ipapo ndakatarira, ndikaʋona gore jena, nomumŋe wakaita soMŋanakomana womunhu agere pamsoro paro, anekorona yendarama pamusoro wake, naparuʋoko rwake anejeko rinopinza. 15Ɀino mumŋe mutumŋa wakaɓuɗa mutembere, akaɗanidzira nenzwi guru kunaiye wakaŋga agere pamsoro pegore, aciti: Tumai jeko renyu muceke; nokuti ŋguʋa yokuceka yaȿika, nokuti kuceka kwenyika kwaibva. 16Ipapo wakaŋga agere pamsoro pegore akakandira jeko rake panyika, nyika ikacekwa.
17Ɀino mumŋe mutumŋa wakaɓuɗa mutembere iri kuɗeŋga, naiye ʋo anejeko rinopinza. 18Nomumŋe mutumŋa wakaŋga anesimba pamsoro pomŋoto, akaɓuɗa paartari, akaɗanidzira nenzwi guru kunaiye wakaŋga anejeko rinopinza, aciti: Tumai jeko renyu rinopinza, muceke masumbu omuzambiriŋga wenyika, nokuti mazambiriŋga ayo aibva. 19Ipapo mutumŋa wakakandira jeko rake panyika, akaceka muzambiriŋga wenyika, akaɀikandira muciȿiniro cikuru cokutsamŋa kwaMŋari. 20Ciȿiniro cikatsikwa kunze kweguta, ropa rikaɓuɗa muciȿiniro rikaȿika pamatomo amabiza, rikaenda mastadia anecuru cinamazana matanhatu.#14:20 Maira dzineŋge mazana maʋiri.
Zvasarudzwa nguva ino
Ɀakazarurwa 14: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018