Ipapo mumŋe mutumŋa wecitatu wakateʋera, akati nenzwi guru: Kana munhu akanamata cikara nomufananidzo waco, nokugamucira ciratidzo pahuma yake kana paruʋoko rwake, naiye ucanwa ʋo waini yokutsamŋa kwaMŋari, yakaɗirwa isina‐kuveŋganiswa mumukombe wehasha dzake; ucatambudzwa mumŋoto nesurferi pamberi paʋatumŋa ʋatȿene, napamberi peGwaiana. Ʋutsi bgokutambudzika kwaʋo bgunokwira nokusiŋgaperi‐peri; haʋanezororo masikati noʋusiku, iʋo ʋanonamata cikara nomufananidzo waco, nounogamucira ciratidzo cezita raco.