Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mapisarema 145:13-21

Mapisarema 145:13-21 SUB1949

Ʋushe bgenyu ndibgo ʋushe ʋusiŋgaperi, Noʋumambo bgenyu ʋucagara nokusiŋgaperi. Jehova unotsigira ʋose ʋanowa, Unosimudza ʋose ʋakakotamiswa pasi. Meso aʋose anotarira kwamuri; Munoʋapa ɀokudya ɀaʋo paŋguʋa yakafanira. Munotadzanura ruʋoko rwenyu, Ndokugutisa ɀipenyu ɀose. Jehova wakarurama panzira dzake dzose, Unenyasha paɀose ɀaanoita. Jehova uri pedyo naʋose ʋanoɗana kwaari, Ʋose ʋanoɗana kwaari neɀokwaɗi. Ucaitira ʋanomutya seɀaʋanoɗa; Ucanzwa ʋo kuɗanidzira kwaʋo, ndokuʋaponesa. Jehova unoceŋgeta ʋose ʋanomuɗa; Asi ʋakaipa ucaʋaparadza ʋose. Muromo waŋgu ucataura kurumbidzwa kwaJehova; Ʋanhu ʋose ŋgaʋarumbidze zita rake dɀene nokusiŋgaperi‐peri.