Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Nziyo 145:13-21

Nziyo 145:13-21 SCLB

Umambo hwenyu umambo hwokugara nokugara kutonga kwenyu kunogara kwezvizvarwa nezvizvarwa. TENZI anotendeka pane zvose zvaanotaura uye zvaanoita zvose anozviita nemwoyochena. TENZI anotsigira vanenge vavakuputsika uye anosimudzira vanenge varasiswa mwoyo. Meso ose anotarisa kwamuri imi muchivapa chokudya chavo nenguva yakafanira. Munotambanudza ruoko rwenyu muchigutsa nezvinodiwa nechinhu chose chipenyu. TENZI akarurama panzira dzake dzose uye ane mwoyochena pane zvose zvaanoita. TENZI ari pedyo navanodanidzira kwaari kuna vose vanodanidzira kwaari muchokwadi. Anozadzisa zvido zvavanomutya uye anonzwa kuchema kwavo achivaponesa. TENZI anochengetedza vose vanomuda asi vakaipa vose anovaparadza. Muromo wangu uchataura uchirumbidza TENZI vanhu vose ngavarumbidze zita rake rinoera narini narini.

Verenga chikamu Nziyo 145