Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mapisarema 145

145
Jehova ŋgaarumbidzwe nokuti ndiye unotipa ɀose.
Pisarema rokurumbidza; raDavidi.
1Ndicakukudzai kwaɀo,
Mŋari waŋgu, imi Mambo;
Ndicarumbidza zita renyu nokusiŋgaperi‐peri.
2Ndicakurumbidzai zuʋa rimŋe nerimŋe;
Ndicakudza zita renyu nokusiŋgaperi‐peri.
3Jehova mukuru, unofanira kurumbidzwa kwaɀo;
Ʋukuru bgake haʋuŋganɀerwi.
4Rudzi rumŋe rucarumbidza maɓasa enyu kunorumŋe,
Ʋacaɗudzira ɀamakaita ɀinesimba.
5Ndicafuŋgisisa kubginya kwoʋumambo bgenyu ʋunokudzwa,
Namaɓasa enyu anoshamisa.
6Ʋanhu ʋacataura ʋacireʋa simba ramaɓasa enyu anotyisa;
Neni ndicaɗudzira ʋukuru bgenyu.
7Ʋacareʋa ʋaciyeʋudzira kunaka kwenyu kukuru,
Nokuimbira kururama kwenyu.
8Jehova unenyasha, uzere netsitsi,
Haacimbidziki kutsamŋa, uneŋgoni zhinji.
9Jehova unomŋoyo wakanaka kunaʋose;
Ŋgoni dzake dziri pamaɓasa ake ose.
10Maɓasa enyu ose acakuʋoŋgai Jehova;
Naʋatȿene ʋenyu ʋacakurumbidzai.
11Ʋacataura ʋacireʋa kubginya kwoʋushe bgenyu,
Nokuparidza simba renyu;
12Kuti ʋaziʋise ʋanakomana ʋaʋanhu maɓasa ake anesimba,
Nokubginya kwoʋumambo bgoʋushe bgake.
13Ʋushe bgenyu ndibgo ʋushe ʋusiŋgaperi,
Noʋumambo bgenyu ʋucagara nokusiŋgaperi.
14Jehova unotsigira ʋose ʋanowa,
Unosimudza ʋose ʋakakotamiswa pasi.
15Meso aʋose anotarira kwamuri;
Munoʋapa ɀokudya ɀaʋo paŋguʋa yakafanira.
16Munotadzanura ruʋoko rwenyu,
Ndokugutisa ɀipenyu ɀose.
17Jehova wakarurama panzira dzake dzose,
Unenyasha paɀose ɀaanoita.
18Jehova uri pedyo naʋose ʋanoɗana kwaari,
Ʋose ʋanoɗana kwaari neɀokwaɗi.
19Ucaitira ʋanomutya seɀaʋanoɗa;
Ucanzwa ʋo kuɗanidzira kwaʋo, ndokuʋaponesa.
20Jehova unoceŋgeta ʋose ʋanomuɗa;
Asi ʋakaipa ucaʋaparadza ʋose.
21Muromo waŋgu ucataura kurumbidzwa kwaJehova;
Ʋanhu ʋose ŋgaʋarumbidze zita rake dɀene nokusiŋgaperi‐peri.

Zvasarudzwa nguva ino

Mapisarema 145: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda