Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mapisarema 119:161-176

Mapisarema 119:161-176 SUB1949

Macinda akanditambudza ndisinemhoȿa; Asi mŋoyo waŋgu unotya shoko renyu. Ndinofarira shoko renyu kwaɀo, Somunhu wawana ɀizhinji ɀakapambga. Nhema ndinodziʋeŋga nokudzisema; Asi murau wenyu ndinouda. Ndinokurumbidzai kanomŋe pazuʋa, Nokuɗa kweɀakarurama ɀamakatoŋga. Ʋanoɗa murau wenyu ʋanorugare rukuru; Hapana‐cinoʋagumbusa. Ndakatarira kuponesa kwenyu, Jehova, Ndikaita mirairo yenyu. Mŋeya waŋgu wakaceŋgeta ɀipupuriro ɀenyu; Ndinoɀiɗa kwaɀo. Ndakaceŋgeta ɀireʋo ɀenyu neɀipupuriro ɀenyu; Nokuti nzira dzaŋgu dzose dziri pamberi penyu. Kuɗana kwaŋgu ŋgakuȿike pamberi penyu, Jehova; Ndipei njere seɀinoreʋa shoko renyu. Kukumbira kwaŋgu ŋgakuȿike pamberi penyu; Ndirwirei seɀinoreʋa shoko renyu. Miromo yaŋgu ŋgairumbidze; Nokuti munondidzidzisa mitemo yenyu. Rurimi rwaŋgu ŋgaruimbe shoko renyu; Nokuti mirairo yenyu yose yakarurama. Ruʋoko rwenyu ŋgarundiɓatsire; Nokuti ndakasanaŋgura ɀireʋo ɀenyu. Ndakashuʋa kuponesa kwenyu, Jehova; Murau wenyu ndiwo mufaro waŋgu mukuru. Mŋeya waŋgu ŋgaurarame, ugokurumbidzai; Neɀamakatoŋga ŋgaɀindiɓatsire. Ndakadzuŋgaira segwai rakarashika; tȿakai muranda wenyu; Nokuti handikaŋganwi mirairo yenyu.