Mapisarema 119:161-176
Mapisarema 119:161-176 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Vatongi vanonditambudza ndisina mhaka, asi mwoyo wangu unodedera pashoko renyu. Ndinofarira vimbiso yenyu kufanana nouyo anowana zvakapambwa zvizhinji. Ndinovenga uye ndinosema nhema, asi ndinoda murayiro wenyu. Ndinokurumbidzai kanomwe pazuva, nokuda kwemirayiro yenyu yakarurama. Vanoda murayiro wenyu vano rugare rukuru, uye hakuna chingavagumbusa. Haiwa Jehovha, ndakamirira ruponeso rwenyu, uye ndinotevera mirayiro yenyu. Ndinoteerera zvirevo zvenyu, nokuti ndinozvida zvikuru. Ndinoteerera zvirevo zvenyu nezvamakatema, nokuti nzira dzangu dzose dzinozivikanwa nemi. Dai kuchema kwangu kwasvika pamberi penyu, imi Jehovha; ndipeiwo kunzwisisa maererano neshoko renyu. Kukumbira kwangu dai kwasvika pamberi penyu; ndirwirei maererano nevimbiso yenyu. Miromo yangu dai yafashukira nerumbidzo, nokuti munondidzidzisa mitemo yenyu. Rurimi rwangu dai rwaimba nezveshoko renyu, nokuti mirayiro yenyu yose yakarurama. Ruoko rwenyu dai rwagadzirira kundibatsira, nokuti ndakasarudza zvirevo zvenyu. Haiwa Jehovha, ndinoshuva ruponeso rwenyu, uye murayiro wenyu ndiwo mufaro wangu. Regai ndirarame kuti ndigokurumbidzai, uye dai mirayiro yenyu yandibatsira. Ndakatsauka segwai rakarasika. Tsvakai muranda wenyu, nokuti handina kukanganwa mirayiro yenyu.
Mapisarema 119:161-176 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Machinda akanditambudza ndisina mhosva; Asi mwoyo wangu unotya shoko renyu. Ndinofarira shoko renyu kwazvo, Somunhu awana zvizhinji zvakapambwa. Nhema ndinodzivenga nokudzisema; Asi murau wenyu ndinouda. Ndinokurumbidzai kanomwe pazuva, Nokuda kwezvakarurama zvamakatonga. Vanoda murau wenyu vane rugare rukuru; Hapana chinovagumbusa. Ndakatarira kuponesa kwenyu, Jehovha, Ndikaita mirairo yenyu. Mweya wangu wakachengeta zvipupuriro zvenyu; Ndinozvida kwazvo. Ndakachengeta zvirevo zvenyu nezvipupuriro zvenyu; Nokuti nzira dzangu dzose dziri pamberi penyu. Kudana kwangu ngakusvike pamberi penyu, Jehovha; Ndipei njere sezvinoreva shoko renyu. Kukumbira kwangu ngakusvike pamberi penyu; Ndirwirei sezvinoreva shoko renyu. Miromo yangu ngairumbidze; Nokuti munondidzidzisa mitemo yenyu. Rurimi rwangu ngaruimbe shoko renyu; Nokuti mirairo yenyu yose yakarurama. Ruoko rwenyu ngarundibatsire; Nokuti ndakasanangura zvirevo zvenyu. Ndakashuva kuponesa kwenyu, Jehovha; Murau wenyu ndiwo mufaro wangu mukuru. Mweya wangu ngaurarame, ugokurumbidzai; Nezvamakatonga ngazvindibatsire. Ndakadzungaira segwai rakarashika; tsvakai muranda wenyu; Nokuti handikanganwi mirairo yenyu.
Mapisarema 119:161-176 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Machinda anonditambudza pasina chikonzero asi ini chandinoremekedza zvikuru mumwoyo mangu, mashoko enyu. Shini Ndinofadzwa neshoko renyu somunhu awana zvokupamba zvakawanda. Ndinovenga uye ndinosema nhema asi ndinoda mutemo wenyu. Ndinokurumbidzai kanomwe pazuva nokuda kwezvirevo zvenyu zvakarurama. Vanoda mutemo wenyu vane rugare rukuru. Hapana chinovaita kuti vadzadzarike. Ndinotarisira ruponeso rwenyu, TENZI uye ndinochengeta mitemo yenyu. Ndinochengeta mitemo yenyu uye ndinoida zvikuru kwazvo. Ndinochengeta mitemo yenyu nemirawo yenyu nokuti nzira dzangu dzose munodziziva. Regai chichemo changu chisvike kwamuri TENZI regai ndinzwisise sokutsidza kwamakaita. Tau Regai munamato wangu usvike kwamuri mundinunurewo sokutaura kwenyu. Muromo wangu uchakurumbidzai nokuti munondidzidzisa mirao yenyu. Shoko renyu richava rumbo parurimi rwangu nokuti mitemo yenyu yose yakarurama. Ruoko rwenyu ngarugaririre kundibatsira nokuti changu ini chandakasarudza mitemo yenyu. Ndinosuwira ruponeso rwenyu TENZI uye ndinofarira mutemo wenyu. Ndiraramisei kuti ndikurumbidzei zvirevo zvenyu ngazvindibatsire. Ndatetereka sehwai yarasika Nditsvakei ini muranda wenyu nokuti handikanganwi mitemo yenyu.
Mapisarema 119:161-176 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Macinda akanditambudza ndisinemhoȿa; Asi mŋoyo waŋgu unotya shoko renyu. Ndinofarira shoko renyu kwaɀo, Somunhu wawana ɀizhinji ɀakapambga. Nhema ndinodziʋeŋga nokudzisema; Asi murau wenyu ndinouda. Ndinokurumbidzai kanomŋe pazuʋa, Nokuɗa kweɀakarurama ɀamakatoŋga. Ʋanoɗa murau wenyu ʋanorugare rukuru; Hapana‐cinoʋagumbusa. Ndakatarira kuponesa kwenyu, Jehova, Ndikaita mirairo yenyu. Mŋeya waŋgu wakaceŋgeta ɀipupuriro ɀenyu; Ndinoɀiɗa kwaɀo. Ndakaceŋgeta ɀireʋo ɀenyu neɀipupuriro ɀenyu; Nokuti nzira dzaŋgu dzose dziri pamberi penyu. Kuɗana kwaŋgu ŋgakuȿike pamberi penyu, Jehova; Ndipei njere seɀinoreʋa shoko renyu. Kukumbira kwaŋgu ŋgakuȿike pamberi penyu; Ndirwirei seɀinoreʋa shoko renyu. Miromo yaŋgu ŋgairumbidze; Nokuti munondidzidzisa mitemo yenyu. Rurimi rwaŋgu ŋgaruimbe shoko renyu; Nokuti mirairo yenyu yose yakarurama. Ruʋoko rwenyu ŋgarundiɓatsire; Nokuti ndakasanaŋgura ɀireʋo ɀenyu. Ndakashuʋa kuponesa kwenyu, Jehova; Murau wenyu ndiwo mufaro waŋgu mukuru. Mŋeya waŋgu ŋgaurarame, ugokurumbidzai; Neɀamakatoŋga ŋgaɀindiɓatsire. Ndakadzuŋgaira segwai rakarashika; tȿakai muranda wenyu; Nokuti handikaŋganwi mirairo yenyu.
Mapisarema 119:161-176 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)