Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Nziyo 119:161-176

Nziyo 119:161-176 SCLB

Machinda anonditambudza pasina chikonzero asi ini chandinoremekedza zvikuru mumwoyo mangu, mashoko enyu. Shini Ndinofadzwa neshoko renyu somunhu awana zvokupamba zvakawanda. Ndinovenga uye ndinosema nhema asi ndinoda mutemo wenyu. Ndinokurumbidzai kanomwe pazuva nokuda kwezvirevo zvenyu zvakarurama. Vanoda mutemo wenyu vane rugare rukuru. Hapana chinovaita kuti vadzadzarike. Ndinotarisira ruponeso rwenyu, TENZI uye ndinochengeta mitemo yenyu. Ndinochengeta mitemo yenyu uye ndinoida zvikuru kwazvo. Ndinochengeta mitemo yenyu nemirawo yenyu nokuti nzira dzangu dzose munodziziva. Regai chichemo changu chisvike kwamuri TENZI regai ndinzwisise sokutsidza kwamakaita. Tau Regai munamato wangu usvike kwamuri mundinunurewo sokutaura kwenyu. Muromo wangu uchakurumbidzai nokuti munondidzidzisa mirao yenyu. Shoko renyu richava rumbo parurimi rwangu nokuti mitemo yenyu yose yakarurama. Ruoko rwenyu ngarugaririre kundibatsira nokuti changu ini chandakasarudza mitemo yenyu. Ndinosuwira ruponeso rwenyu TENZI uye ndinofarira mutemo wenyu. Ndiraramisei kuti ndikurumbidzei zvirevo zvenyu ngazvindibatsire. Ndatetereka sehwai yarasika Nditsvakei ini muranda wenyu nokuti handikanganwi mitemo yenyu.

Verenga chikamu Nziyo 119