Ɀireʋo 7
7
Kunyeŋgedzera kwecifeʋe.
1Mŋanakomana waŋgu, ceŋgeta mashoko aŋgu,
Ʋiga mirairo yaŋgu kwauri.
2Ceŋgeta mirairo yaŋgu, urarame;
Nomurau waŋgu semboni yeziso rako.
3Uɀisuŋgire paminwe yako;
Uɀinyore pahwendefa romŋoyo wako.
4Uti kuʋucenjeri: Ndiwe hanɀadzi yaŋgu;
Utumidze njere shamŋari yako;
5Kuti ɀikuceŋgete pamukadzi wokumŋe,
Pamutorwa unoɓata kumeso namashoko ake.
6Nokuti ndakatarira pawindi yeimba yaŋgu,
Paʋutanda bgewindi yaŋgu;
7Ndikatarira pakati paʋasinamano,
Ndikaʋona pakati pamajaya
Rimŋe jaya rakashaiwa njere;
8Ricipfuʋura nenzira yomumusha pedyo nekona yeimba yomukadzi uyo,
Ricifamba nenzira kuimba yomukadzi;
9Neŋguʋa yorubvunza‐ʋaeni, neŋguʋa yamaɗeko ezuʋa,
Pakati poʋusiku kwaȿiɓa.
10Ɀino tarira, mukadzi akasoŋgana naye,
Wakaŋga akafuka secifeʋe, anokunyeŋgedzera pamŋoyo.
11Unopupira, aciita seɀaanoɗa;
Tsoka dzake hadzigari mumba make;
12Imŋe ŋguʋa uri munzira dzomumusha, imŋe ŋguʋa pamatare;
Unorindira pamakona ose.
13Ɀino iye akamuɓata, akamuȿeta;
Akataura naye neciso cisino‐kunyara, akati kwaari:
14Ndaifanira kuʋuya neɀiɓayiro ɀeɀipiriso ɀokuyananisa,
Nhasi ndaripa mhiko dzaŋgu.
15Saka ndaɓuɗa kuzokuciŋgamidza,
Nditȿake ciso cako ɀikuru, ɀino ndakuwana.
16Ndakawarira macira anoʋukomba pamubeda waŋgu,
Nemiceka inamaʋara inobva Egipita.
17Ndakasasa ɀinonhuwira pamubeda waŋgu,
Mura, negaʋakaʋa, nekinamoni.
18Ʋuya tigute nokuɗana kuȿikira maŋgwanani;
Ŋgatiɀifadze nokuɗana kukuru.
19Nokuti murume haa’po pamusha;
Wakafamba rwendo rukuru;
20Wakaenda nehomboɗo inemari;
Ucadzoka pajena guru.
21Nokutaura kwake kuzhinji kwakanaka unomutsausa,
Unomugombedzera nokuɓata kumeso kwemiromo yake.
22Unomuteʋera pakarepo,
Senzombe inoenda kwainondoɓayiwa,
Kana seɓenzi rakasuŋgwa rinoenda kundoraŋgwa;
23Kuȿikira museʋe waɓaya ciropa cake;
Seshiri inokurumidzira kurugombe,
Asiŋgaziʋi kuti ɀinoʋiŋga ʋupenyu bgake.
24Ɀino ʋanakomana ʋaŋgu, nditererei,
Inzwai mashoko omuromo waŋgu.
25Mŋoyo wako ŋgaurege kutsaukira kunzira dzake;
Usafamba‐famba mumakwara ake.
26Nokuti wakawisira pasi ʋazhinji ʋakakuʋadzwa;
Ɀirokwaɀo, ʋakaʋurawa naye ʋazhinji kwaɀo.
27Imba yake inzira dzinoenda Sheori,
Dzinoɓurukira kudzimba dzorufu.
Zvasarudzwa nguva ino
Ɀireʋo 7: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018