Mutorerei ŋguʋo yake, iye wakaɀiita ruɓatso kumutorwa; Ŋgaaʋe ruɓatso rwaʋatorwa. Munhu unoti ɀokudya ɀenhema ɀakanaka; Asi pashure muromo wake ucazara norubge. Mano anobva pakuraŋgana; Urwe pfumo wamborairirwa noʋucenjeri. Unofamba anamakuhwa, unoɓuɗisa ɀakaʋanda; Saka usashamŋaridzana nomunhu unoshamisa miromo yake. Unotuka ɓaɓa ʋake kana mai ʋake, Mŋenje wake ucadzimŋa parima rakaȿiɓa. Nhaka, yakawanikwa nokukurumidza pakutaŋga, Haiŋgaropafadzwi pakupedzisira. Usati: Ndicatsiʋa ɀakaipa; Mirira Jehova, iye ucakuponesa. Ɀiidzo, ɀakasiyana, ɀinonyaŋgadza Jehova; Neciyero cinonyeŋgedzera hacina‐kunaka. Kufamba kwomunhu kunobva kunaJehova; Ɀino munhu uŋganzwisisa seiko nzira yake? Musuŋgo kumunhu kupika aciti: Citȿene! asino‐kumboraŋgarira, Ndokuzofuŋgisisa ambopika. Mambo wakacenjera unozuŋgura ʋakaipa, Aciʋapura nomupuro. Mŋeya womunhu mŋenje waJehova; Unonɀera ɀose ɀiri mukati‐kati. Ruɗo nokutendeka ɀinoceŋgeta mambo; Cigaro cake coʋushe cinotsigirwa noruɗo. Majaya anokudzwa nokuɗa kwesimba rawo; Ʋukomba bgaʋatana ndiyo misoro yakacena. Kurobga, kunokuʋadza, kunonatsa ɀakaipa; Kurobga kunopinda mukati‐kati.
Verenga chikamu Ɀireʋo 20
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Ɀireʋo 20:16-30
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo