Numeri 29
29
1Nomŋedzi wecinomŋe, nezuʋa rokutaŋga romŋedzi, munofanira kuita ʋuŋgano tȿene; hamufaniri kuɓata maɓasa aʋaranda naro; rinofanira kuʋa kwamuri zuʋa rokuridza hwamanda naro. 2Munofanira kuʋuya necipiriso cinopiswa, ciʋe cinonhuwira ɀakanaka kunaJehova, ɀinoti: Nzombe imŋe ɗuku, negondobge rimŋe, namakwaiana amakondobge manomŋe, egore rimŋe, asina‐kuremara; 3necipiriso caɀo coʋupfu, coʋupfu bgakatsetseka, bgakakanyiwa namafuta, ɀegumi ɀitatu panzombe, neɀegumi ɀiʋiri pagondobge, 4necegumi cimŋe pagwaiana rimŋe nerimŋe ramakwaiana manomŋe; 5nenhoŋgo imŋe yembudzi, ciʋe cipiriso ceɀiʋi, cokuyananisira naco; 6kunze kwecipiriso cinopiswa pakugara kwomŋedzi, necipiriso caco coʋupfu, necipiriso cinopiswa ŋguʋa dzose, necipiriso caco coʋupfu, neɀipiriso ɀaɀo ɀinoɗururwa, seɀakarairwa; ciʋe cinonhuwira ɀakanaka, ciʋe cipiriso cinopisirwa Jehova.
7Nezuʋa regumi romŋedzi wecinomŋe munofanira kuita ʋuŋgano tȿene; munofanira kucema pamŋeya yenyu; musatoŋgoɓate‐ɓasa. 8Asi munofanira kuʋuya necipiriso cokupisira Jehova, ciʋe cinonhuwira ɀakanaka, ɀinoti: Nzombe imŋe ɗuku, negondobge rimŋe, namakwaiana amakondobge manomŋe egore rimŋe; ɀiʋe ɀisina‐kuremara kwamuri; 9necipiriso caɀo coʋupfu, coʋupfu bgakatsetseka, bgakakanyiwa namafuta; ɀegumi ɀitatu panzombe, neɀegumi ɀiʋiri pagondobge rimŋe; 10necegumi cimŋe pagwaiana rimŋe nerimŋe ramakwaiana manomŋe; 11nenhoŋgo imŋe yembudzi, ciʋe cipiriso ceɀiʋi; kunze kwecipiriso ceɀiʋi cokuyananisira naco, necipiriso cinopiswa ŋguʋa dzose, necipiriso caɀo coʋupfu, neɀipiriso ɀaɀo ɀinoɗururwa.
12Nezuʋa regumi namashanu romŋedzi wecinomŋe munofanira kuita ʋuŋgano tȿene; hamufaniri kuɓate‐ɓasa raʋaranda naro; munofanira kuitira Jehova mutambo wamazuʋa manomŋe. 13Munofanira kuʋuya necipiriso cinopiswa, cipiriso cinopiswa nomŋoto, ciʋe cinonhuwira ɀakanaka kunaJehova, ɀinoti: Nzombe ɗuku dzinegumi nenhatu, namakondobge maʋiri, namakwaiana amakondobge anegumi namanna egore rimŋe; ɀiʋe ɀisina‐kuremara; 14necipiriso caɀo coʋupfu, coʋupfu bgakatsetseka, bgakakanyiwa namafuta; ɀegumi ɀitatu panzombe imŋe neimŋe panzombe dzinegumi nenhatu, neɀegumi ɀiʋiri pagondobge rimŋe nerimŋe pamakondobge maʋiri; 15necegumi cimŋe pagwaiana rimŋe nerimŋe pamakwaiana anegumi namanna; 16nenhoŋgo imŋe yembudzi, ciʋe cipiriso ceɀiʋi; kunze kwecipiriso cinopiswa ŋguʋa dzose, necipiriso caco coʋupfu, necipiriso caco cinoɗururwa.
17Nezuʋa repiri munofanira kuʋuya nenzombe ɗuku dzinegumi nembiri, namakondobge maʋiri, namakwaiana amakondobge anegumi namanna egore rimŋe asina‐kuremara. 18Necipiriso caɀo coʋupfu, neɀipiriso ɀaɀo ɀinoɗururwa ɀenzombe, namakondobge namakwaiana, ɀakaenzana nokuwanda kwaɀo, seɀakarairwa; 19nenhoŋgo imŋe yembudzi, ciʋe cipiriso ceɀiʋi; kunze kwecipiriso cinopiswa ŋguʋa dzose; necipiriso caco coʋupfu, neɀipiriso ɀaɀo ɀinoɗururwa.
20Nezuʋa retatu munofanira kuʋuya nenzombe ɗuku dzinegumi neimŋe, namakondobge maʋiri, namakwaiana amakondobge anegumi namanna egore rimŋe, asina‐kuremara; 21necipiriso caɀo coʋupfu, neɀipiriso ɀaɀo ɀinoɗururwa ɀenzombe, namakondobge, namakwaiana, ɀakaenzana nokuwanda kwaɀo, seɀakarairwa; 22nenhoŋgo imŋe yembudzi ciʋe cipiriso ceɀiʋi; kunze kwecipiriso cinopiswa ŋguʋa dzose, necipiriso caco coʋupfu, necipiriso caco cinoɗururwa.
23Nezuʋa recinna munofanira kuʋuya nenzombe ɗuku dzinegumi, namakondobge maʋiri, namakwaiana amakondobge anegumi namanna egore rimŋe, asina‐kuremara; 24necipiriso caɀo coʋupfu, neɀipiriso ɀaɀo ɀinoɗururwa, ɀenzombe, namakondobge, namakwaiana, ɀakaenzana nokuwanda kwaɀo, seɀakarairwa; 25nenhoŋgo imŋe yembudzi, ciʋe cipiriso ceɀiʋi; kunze kwecipiriso cinopiswa ŋguʋa dzose, necipiriso caco coʋupfu, necipiriso caco cinoɗururwa.
26Nezuʋa reshanu munofanira kuʋuya nenzombe ɗuku pfumbamŋe, namakondobge maʋiri, namakwaiana amakondobge anegumi namanna egore rimŋe, asina‐kuremara; 27necipiriso caɀo coʋupfu, neɀipiriso ɀaɀo ɀinoɗururwa, ɀenzombe, namakondobge, namakwaiana, ɀakaenzana nokuwanda kwaɀo, seɀakarairwa; 28nenhoŋgo imŋe yembudzi, ciʋe cipiriso ceɀiʋi; kunze kwecipiriso cinopiswa ŋguʋa dzose, necipiriso caco coʋupfu, necipiriso caco cinoɗururwa.
29Nezuʋa retanhatu munofanira kuʋuya nenzombe sere, namakondobge maʋiri, namakwaiana amakondobge anegumi namanna egore rimŋe, asina‐kuremara; 30necipiriso caɀo coʋupfu, neɀipiriso ɀaɀo ɀinoɗururwa, ɀenzombe, namakondobge, namakwaiana, ɀakaenzana nokuwanda kwaɀo, seɀakarairwa; 31nenhoŋgo imŋe yembudzi, ciʋe cipiriso ceɀiʋi; kunze kwecipiriso cinopiswa ŋguʋa dzose, necipiriso caco coʋupfu, neɀipiriso ɀaco ɀinoɗururwa.
32Nezuʋa recinomŋe munofanira kuʋuya nenzombe ɗuku nomŋe, namakondobge maʋiri, namakwaiana amakondobge anegumi namanna egore rimŋe, asina‐kuremara; 33necipiriso caɀo coʋupfu, neɀipiriso ɀaɀo ɀinoɗururwa, ɀenzombe, namakondobge, namakwaiana, ɀakaenzana nokuwanda kwaɀo, seɀakarairwa; 34nenhoŋgo imŋe yembudzi, ciʋe cipiriso ceɀiʋi; kunze kwecipiriso cinopiswa ŋguʋa dzose, necipiriso caco coʋupfu, necipiriso caco cinoɗururwa.
35Nezuʋa rorusere munofanira kuita ʋuŋgano tȿene; hamufaniri kuɓate‐ɓasa raʋaranda naro. 36Asi munofanira kuʋuya necipiriso cinopiswa, cipiriso cinopiswa nomŋoto, ciʋe cinonhuwira ɀakanaka kunaJehova, ɀinoti: Nzombe imŋe ɗuku, negondobge rimŋe, namakwaiana amakondobge manomŋe egore rimŋe, asina‐kuremara; 37necipiriso caɀo coʋupfu, neɀipiriso ɀaɀo ɀinoɗururwa, ɀenzombe, namakondobge, namakwaiana, ɀinofanira kuenzana nokuwanda kwaɀo, seɀakarairwa; 38nenhoŋgo imŋe yembudzi ciʋe cipiriso ceɀiʋi; kunze kwecipiriso cinopiswa ŋguʋa dzose, necipiriso caco coʋupfu, necipiriso caco cinoɗururwa.
39Ndiɀo ɀamunofanira kuʋuya naɀo kunaJehova pamitambo yenyu yakatarwa, kunze kwemhiko dzenyu, neɀipo ɀokuɗa kwenyu, ɀiʋe ɀipiriso ɀenyu ɀinopiswa, neɀipiriso ɀenyu ɀoʋupfu, neɀipiriso ɀenyu ɀinoɗururwa, neɀipiriso ɀenyu ɀokuyananisa. 40Mosesi akaʋudza ʋana ʋaIsraeri ɀose ɀakaŋga ɀarairwa Mosesi naJehova.
Zvasarudzwa nguva ino
Numeri 29: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018