Numeri 30
30
Mirairo yemhiko.
1Ɀino Mosesi wakataura naʋakuru ʋamarudzi aʋana ʋaIsraeri, akati: Ndico cinhu cakarairwa naJehova: 2Kana munhu aciŋge apikira Jehova mhiko, kana kuɀisuŋga nokupika, haafaniri kushandura shoko rake; unofanira kuita ɀose ɀakaɓuɗa mumuromo make. 3Nomukadzi ʋo, kana aciŋge apikira Jehova, kana kuɀisuŋga nokusuŋga kwokupika, aciri mumba maɓaɓa ʋake, aciri musikana; 4ɓaɓa ʋake ʋakanzwa kupika kwake, nokuɀisuŋga kwaakaɀisuŋga nako, ɓaɓa ʋake ʋakamunyararira haʋo, ipapo kupika kwake kwose kucaʋa nesimba, nokusuŋga kwake kwose, kwaakaɀisuŋga nako, kucaʋa nesimba. 5Asi kana ɓaɓa ʋake ʋakamudziʋisa nomusi waʋanoɀinzwa nawo, kupika kwake kwose, nokuɀisuŋga kwake kwose, kwaakaɀisuŋga nako, hakuŋgaʋi nesimba; Jehova ucamukaŋganwira, nokuti ɓaɓa ʋake ʋamudziʋisa. 6Kana akawanikwa nomurume acakasuŋgwa nokupika kwake, kana namashoko aakareʋa asina‐kuraŋgarira ɀakanaka, aakaɀisuŋga nawo; 7murume wake akaɀinzwa, akamunyararira hake nomusi waanoɀinzwa nawo, ipapo kupika kwake kucaʋa nesimba, nokuɀisuŋga kwake, kwaakaɀisuŋga nako, kucaʋa nesimba. 8Asi kana murume wake akamudziʋisa nomusi waanoɀinzwa nawo, ipapo iye unokonesa kupika kwake, kwaakaɀisuŋga nako, namashoko aakareʋa asina‐kuraŋgarira ɀakanaka, aakaɀisuŋga nawo; Jehova ucamukaŋganwira. 9Asi kupika kwecirikadzi, kana kwomukadzi wakarambga nomurume wake, cinhu cipi necipi caakaɀisuŋga naco, ɀicaʋa nesimba kwaari. 10Kana aciŋge apika ari mumba momurume wake, kana kuɀisuŋga nokupika, 11murume wake akaɀinzwa, akamunyararira, asiŋgamudziʋisi, ipapo kupika kwake kucaʋa nesimba, nokuɀisuŋga kwose, kwaakaɀisuŋga nako, kucaʋa nesimba. 12Asi kana murume wake akaɀikonesa kwaɀo nomusi waakaɀinzwa nawo, ipapo ɀose ɀakaɓuɗa mumuromo make pakupika kwake, kana kuɀisuŋga kwake, haɀiŋgaʋi nesimba; murume wake waɀikonesa; Jehova ucamukaŋganwira. 13Mhiko dzose, nokupika kwose kwaanoɀisuŋga nako kucema pamŋeya wake, murume wake uŋgaɀisimbisa, kana murume wake uŋgaɀikonesa. 14Asi kana murume wake akamunyararira cose zuʋa rimŋe nerimŋe, ipapo unosimbisa mhiko dzake dzose nokuɀisuŋga kwake kwose, kwaakaɀisuŋga nako; waɀisimbisa, nokuti wamunyararira nomusi waakaɀinzwa nawo. 15Asi kana akazoɀikonesa kwaɀo, aɀinzwa hake, iye unofanira kuʋa nemhoȿa yake. 16Ndiyo mitemo yakarairwa Mosesi naJehova, pakati pomurume nomukadzi wake, napakati paɓaɓa nomŋanasikana waʋo, aciri musikana paimba yaɓaɓa ʋake.
Zvasarudzwa nguva ino
Numeri 30: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018