Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Numeri 31

31
ƲaIsraeri ʋanokunda ʋaMidiani.
1Ɀino Jehova wakataura naMosesi, akati: 2Tsiʋa ʋana ʋaIsraeri kuʋaMidiani; shure kwaiɀoɀo iwe ucasoŋganiswa naʋanhu ʋako. 3Mosesi akataura naʋanhu, akati: Ʋarume pakati penyu ŋgaʋaɀigadzirire kurwa, kuti ʋandorwa naʋaMidiani, ʋatsiʋire Jehova kuʋaMidiani. 4Munofanira kutumira kuhondo ʋanecuru cimŋe kurudzi rumŋe norumŋe amarudzi aʋaIsraeri. 5Naiɀoɀo ʋakaʋereŋga kuɀuru ɀaʋaIsraeri curu cimŋe kurudzi rumŋe norumŋe, ʋakaȿika ɀuru gumi neɀiʋiri ʋakaɀigadzirira kundorwa. 6Mosesi akaʋatuma kundorwa, curu cimŋe kurudzi rumŋe norumŋe, iʋo naPinehasi, mŋanakomana waEreazari muprista, kundorwa, iye akaɓata nhumbi dzeimba tȿene nehwamanda dzokuridzisa nadzo. 7Ʋakarwa naʋaMidiani, seɀakarairwa Mosesi naJehova, ʋakaʋuraya ʋarume ʋose. 8Ʋakaʋuraya ʋo madzimambo aʋaMidiani, pamŋe cete naʋamŋe ʋakaʋurawa, ʋaiti: Evi, naRekemi, naZuri, naHuri, naReba, madzimambo mashanu aʋaMidiani; naBarami, mŋanakomana waBeori, ʋakamuʋuraya ʋo nomunondo. 9Ʋana ʋaIsraeri ʋakatapa ʋakadzi ʋaʋaMidiani naʋana ʋaʋo; neŋombe dzaʋo dzose namakwai aʋo ose, nefuma yaʋo yose, ʋakaɀitapa. 10Namaguta aʋo yose maʋakaŋga ʋagere, nemisasa yaʋo ose, ʋakaɀipisa nomŋoto. 11Ʋakatora ɀaʋakapamba ɀose, nenhapxa dzose dzaʋanhu nedzeɀipfuwo. 12Ʋakaʋuya naʋatapxa, neɀaʋakatapa, neɀaʋakapamba kunaMosesi, nokunaEreazari muprista, nokuʋuŋgano yose yaʋana ʋaIsraeri, kumisasa pamapani aMoabi, ari paJoridani paJeriko.
13Ɀino Mosesi naEreazari muprista, namacinda ose eʋuŋgano, ʋakaenda kundosoŋgana naʋo kunze kwemisasa. 14Mosesi akatsamŋira ʋatariri ʋehondo, naʋakuru ʋeɀuru naʋakuru ʋamazana, ʋakaŋga ʋacidzoka pakundorwa; 15Mosesi akati kwaʋari: Makaceŋgeta ʋakadzi ʋose ʋari ʋapenyu here? 16Tarirai, ndiʋo ʋakatadzisa ʋana ʋaIsraeri pamberi paJehova paɀakaitwa paPeori, ʋapiwa mano naBarami, ɗenda rikaʋa’po pakati peʋuŋgano yaJehova. 17Naiɀoɀo ɀino ʋurayai ʋakomana ʋose ʋari pakati paʋana, muʋuraye ʋo mukadzi mumŋe nomumŋe wakaʋata nomurume; 18asi muɀiceŋgetere ʋanasikana ʋose, ʋasina‐kumboʋata nomurume. 19Asi imi, endai mundogara mazuʋa manomŋe kunze kwemisasa; aninani wakaʋuraya munhu, naaninani wakaɓata munhu wakaʋurawa, muɀinatse pazuʋa retatu nerecinomŋe, imi naʋatapxa ʋenyu. 20Munofanira ʋo kusuka ŋguʋo dzenyu dzose, neɀose ɀakaitwa namatebge, neɀose ɀakarukwa nemvere dzembudzi, neɀinhu ɀose ɀakaitwa namatanda. 21Ereazari muprista akati kuʋarwi ʋose ʋakaŋga ʋandorwa: Uyu ndiwo murairo wakarairwa Mosesi naJehova: 22Ndarama, nesirveri, nendarira, neɗare, netini, nomutobvu, 23ɀose ɀisiŋgaparadzwi nomŋoto, munofanira kuɀipinza mumŋoto kuti ɀinatswe; kunyaŋge ɀakaɗaro ɀinofanira kuceneswa nemvura yokunatsa; asi ɀose ɀiŋgaparadzwa nomŋoto, munofanira kuɀipinza mumvura. 24Munofanira kusuka ŋguʋo dzenyu nezuʋa recinomŋe, kuti muʋe ʋakanaka, mugopinda mumisasa pashure.
25Ɀino Jehova akataura naMosesi, akati: 26Ʋereŋga ɀakatapxa ɀamakatapa ɀaʋanhu neɀeɀipfuwo, iwe naEreazari muprista, naʋakuru ʋedzimba dzamadziɓaɓa eʋuŋgano; 27mukamure ɀakatapxa napakati, iʋe migoʋe miʋiri; mugoʋere pakati paʋarume ʋanoziʋa kurwa, ʋakaŋga ʋandorwa, neʋuŋgano yose; 28ɀino uraire kuti mugoʋe wakatarwa utsaurirwe Jehova naʋarume ʋehondo ʋakaŋga ʋandorwa: Cipenyu cimŋe kumazana mashanu, kuʋanhu, nokuŋombe, nokumboŋgoro, nokumakwai; 29uɀitore pahafu yaʋo, ugoɀipa Ereazari muprista, ciʋe cipiriso cinotsaurirwa Jehova. 30Asi pahafu yaʋana ʋaIsraeri unofanira kutora cimŋe kumakumi mashanu, kuʋanhu, nokuŋombe, nokumboŋgoro, nokumakwai, kuɀipfuwo ɀose, ugoɀipa ʋaRevi ʋanoceŋgeta tabernakeri yaJehova. 31Mosesi naEreazari ʋakaita seɀakarairwa Mosesi naJehova. 32Ɀino ɀakatapxa ɀakaŋga ɀasara, ʋarume ʋehondo ʋatora mugoʋe waʋo, ɀaiʋa makwai aneɀuru ɀinamazana matanhatu neɀuru ɀinamakumi manomŋe neɀuru ɀishanu, 33neŋombe dzineɀuru ɀinamakumi manomŋe neɀiʋiri, 34nemboŋgoro dzineɀuru ɀinamakumi matanhatu necuru cimŋe; 35naʋakadzi ʋasina‐kumboʋata naʋarume ʋaneɀuru ɀinamakumi matatu neɀiʋiri. 36Hafu, yakagoʋerwa ʋakaŋga ʋaenda kundorwa, aiʋa makwai aneɀuru ɀinamazana matatu, neɀuru ɀinamakumi matatu, neɀuru ɀinomŋe, namazana mashanu; 37mugoʋe wakatarwa, wakatsaurirwa Jehova, waiʋa makwai anamazana matanhatu namakumi manomŋe namashanu. 38Ŋombe dzaiʋa ɀuru ɀinamakumi matatu neɀitanhatu; mugoʋe wakatarwa, wakatsaurirwa Jehova kunaidzo, waiʋa ŋombe dzinamakumi manomŋe nembiri. 39Mboŋgoro dzaiʋa ɀuru ɀinamakumi matatu namazana mashanu; mugoʋe wakatarwa, wakatsaurirwa Jehova kunaidzo, waiʋa mboŋgoro dzinamakumi matanhatu neimŋe. 40Ʋanhu ʋaiʋa ɀuru ɀinegumi neɀitanhatu; mugoʋe wakatarwa, wakatsaurirwa Jehova kunaiʋo, waiʋa ʋanhu ʋanamakumi matatu naʋaʋiri. 41Mosesi akapa Ereazari muprista mugoʋe wakatarwa, cakaŋga ciri cipiriso cakatsaurirwa Jehova, seɀakarairwa Mosesi naJehova. 42Pahafu yaʋana ʋaIsraeri, yakaŋga yakamurwa naMosesi kuʋanhu ʋakaŋga ʋandorwa, 43(ɀino hafu yeʋuŋgano yaiʋa makwai aneɀuru ɀinamazana matatu namakumi matatu, neɀuru ɀinomŋe namazana mashanu, 44neŋombe dzineɀuru ɀinamakumi matatu neɀuru ɀitatu, 45nemboŋgoro dzineɀuru ɀinamakumi matatu namazana mashanu, 46naʋanhu ʋaneɀuru ɀinegumi neɀitanhatu.) 47Pahafu yaʋana ʋaIsraeri Mosesi akatora cimŋe kumakumi mashanu, kuʋanhu nokuɀipfuwo, akaɀipa ʋaRevi ʋaiceŋgeta tabernakeri yaJehova; seɀakarairwa Mosesi naJehova. 48Ɀino ʋatariri ʋaiʋa pamsoro peɀuru ɀehondo, naʋakuru ʋeɀuru, naʋakuru ʋamazana ʋakasweɗera kunaMosesi, 49ʋakati kunaMosesi: Ʋaranda ʋenyu ʋakaʋereŋga ʋarume ʋehondo ʋanorairwa nesu; hakunomumŋe weɗu usi’po. 50Ɀino taʋuya necipo caJehova, ɀakawanikwa nomumŋe nomumŋe: Ɀishoŋgo ɀendarama, neketani dzomumakumbo nedzomumaʋoko, neɀindori ɀeminwe, neɀindori ɀomunzeʋe, neɀomumutsipa, kuyananisira mŋeya yeɗu pamberi paJehova. 51Mosesi naEreazari muprista ʋakagamucira kwaʋari ndarama, ɀiri ɀishoŋgo ɀamarudzi ose ɀakaitwa nayo. 52Ndarama yose yecipiriso cakatsaurwa, caʋakapa Jehova, caʋakuru ʋeɀuru necaʋakuru ʋamazana, aiʋa mashekeri aneɀuru ɀinegumi neɀitanhatu namazana manomŋe namakumi mashanu. 53(Nokuti ʋarume ʋehondo ʋakaŋga ʋatora mugoʋe waʋo weɀakatapxa, mumŋe nomumŋe.) 54Mosesi naEreazari muprista ʋakagamucira ndarama kuʋakuru ʋeɀuru naʋamazana, ʋakaiisa mutente rokusoŋgana, kuti ciʋe ciraŋgaridzo kuʋana ʋaIsraeri pamberi paJehova.

Zvasarudzwa nguva ino

Numeri 31: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda