Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Numeri 26

26
ƲaIsraeri, ʋanogona kurwa, ʋanoʋereŋgwa.
1Ɀino ɗenda rakati rapfuʋura, Jehova akataura naMosesi naEreazari, mŋanakomana womuprista Aroni, akati: 2Ʋereŋgai ʋanhu ʋose ʋaIsraeri, ʋanamakore anamakumi maʋiri naʋanopfuʋura, nedzimba dzamadziɓaɓa aʋo, ʋose ʋanogona kuenda kuhondo pakati paIsraeri. 3Mosesi naEreazari muprista ʋakataura naʋo pamapani aMoabi, paJoridani paJeriko, ʋakati: 4Ʋereŋgai ʋanhu ʋanamakore anamakumi maʋiri naʋanopfuʋura; Jehova seɀakaraira Mosesi naʋana ʋaIsraeri, ʋakaɓuɗa panyika yeEgipita.
5Rubeni ndiye waiʋa mŋanakomana weɗaŋgwe waIsraeri; ʋanakomana ʋaRubeni ndiʋo: Hanoki, kwakabva mhuri yaʋaHanoki; naParu, kwakabva mhuri yaʋaParu. 6NaHezroni, kwakabva mhuri yaʋaHezroni; naKarmi, kwakabva mhuri yaʋaKarmi. 7Ndidzo mhuri dzaʋaRubeni: Ʋakaʋereŋgwa kwaʋari ʋakaȿika ɀuru ɀinamakumi manna neɀitatu, namazana manomŋe namakumi matatu. 8Ʋanakomana ʋaParu ʋaiʋa Eriabi; 9naʋanakomana ʋaEriabi, Nemueri naDatani naAbirami; Datani naAbirami ndiʋo ʋakaŋga ʋaɗanwa kumakurukota, ʋakarwa naMosesi naAroni paɓoka raKora, ŋguʋa yaʋakarwa naJehova, 10nyika ikashamisa muromo wayo, ikaʋamedza pamŋe cete naKora musi wakafa ɓoka iro; ŋguʋa iyo mŋoto ukaparadza ʋarume ʋanamazana maʋiri namakumi mashanu, ʋakaitwa ciratidzo. 11Asi ʋanakomana ʋaKora haʋana‐kufa.
12Aʋa ndiʋo ʋanakomana ʋaSimeoni, nemhuri dzaʋo: Nemueri, kwakabva mhuri yaʋaNemueri, naJamini, kwakabva mhuri yaʋaJamini, naJakini, kwakabva mhuri yaʋaJakini; 13naZera, kwakabva mhuri yaʋaZera; naShauri, kwakabva mhuri yaʋaShauri. 14Ndidzo mhuri dzaʋaSimeoni, ʋakaȿika ɀuru ɀinamakumi maʋiri neɀiʋiri namazana maʋiri.
15Aʋa ndiʋo ʋanakomana ʋaGadi nemhuri dzaʋo: Zefoni, kwakabva mhuri yaʋaZefoni; naHagi, kwakabva mhuri yaʋaHagi; naShuni, kwakabva mhuri yaʋaShuni; 16naOzni, kwakabva mhuri yaʋaOzni; naEri, kwakabva mhuri yaʋaEri; 17naArodi, kwakabva mhuri yaʋaArodi; naAreri, kwakabva mhuri yaʋaAreri. 18Ndidzo mhuri dzaʋanakomana ʋaGadi; ʋakaʋereŋgwa kwaʋari ʋakaȿika ɀuru ɀinamakumi manna namazana mashanu.
19Aʋa ndiʋo ʋanakomana ʋaJuda: Eri naOnani; asi Eri naOnani ʋakafira munyika yeKanani. 20Ndiʋo ʋanakomana ʋaJuda, nemhuri dzaʋo: Shera, kwakabva mhuri yaʋaShera; naPerezi, kwakabva mhuri yaʋaPerezi; naZera, kwakabva mhuri yaʋaZera. 21Ndiʋo ʋanakomana ʋaPerezi: Hezroni, kwakabva mhuri yaʋaHezroni; naHamuri, kwakabva mhuri yaʋaHamuri. 22Ndidzo mhuri dzaJuda; ʋakaʋereŋgwa kwaʋari ʋakaȿika ɀuru ɀinamakumi manomŋe neɀitanhatu namazana mashanu.
23Aʋa ndiʋo ʋanakomana ʋaIsakari, nemhuri dzaʋo: Tora, kwakabva mhuri yaʋaTora; naPuva, kwakabva mhuri yaʋaPuva; 24naJashubi, kwakabva mhuri yaʋaJashubi; naShimroni, kwakabva mhuri yaʋaShimroni. 25Ndidzo mhuri dzaIsakari; ʋakaʋereŋgwa kwaʋari ʋakaȿika ɀuru ɀinamakumi matanhatu neɀinna namazana matatu.
26Aʋa ndiʋo ʋanakomana ʋaZeburuni, nemhuri dzaʋo: Seredi, kwakabva mhuri yaʋaSeredi; naEroni, kwakabva mhuri yaʋaEroni; naJareeri, kwakabva mhuri yaʋaJareeri. 27Ndidzo mhuri dzaZeburuni; ʋakaʋereŋgwa kwaʋari ʋakaȿika ɀuru ɀinamakumi matanhatu namazana mashanu.
28Aʋa ndiʋo ʋanakomana ʋaJosefa, nemhuri dzaʋo: Manase naEfraimi. 29Ndiʋo ʋanakomana ʋaManase: Makiri, kwakabva mhuri yaʋaMakiri; Makiri wakaɓereka Gireadi; kunaGireadi kwakabva mhuri yaʋaGireadi. 30Ndiʋo ʋanakomana ʋaGireadi: Jezeri, kwakabva mhuri yaʋaJezeri; naHereki, kwakabva mhuri yaʋaHereki; 31naAsrieri, kwakabva mhuri yaʋaAsrieri; naShekemi, kwakabva mhuri yaʋaShekemi; 32naShemida, kwakabva mhuri yaʋaShemida; naHeferi, kwakabva mhuri yaʋaHeferi. 33Asi Zerofehadi, mŋanakomana waHeferi, wakaŋga asinaʋanakomana, asi ʋanasikana ɓedzi; mazita aʋanasikana ʋaZerofehadi aiʋa Makra, naNoa, naHogra, naMirka, naTirza. 34Ndidzo mhuri dzaManase; ʋakaʋereŋgwa kwaʋari ʋakaȿika ɀuru ɀinamakumi mashanu neɀiʋiri namazana manomŋe.
35Aʋa ndiʋo ʋanakomana ʋaEfraimi, nemhuri dzaʋo: Shutera, kwakabva mhuri yaʋaShutera; naBekeri, kwakabva mhuri yaʋaBekeri; naTahani, kwakabva mhuri yaʋaTahani. 36Ndiʋo ʋanakomana ʋaShutera: Erani, kwakabva mhuri yaʋaErani. 37Ndidzo mhuri dzaʋanakomana ʋaEfraimi; ʋakaʋereŋgwa kwaʋari ʋakaȿika ɀuru ɀinamakumi matatu neɀiʋiri, namazana mashanu. Ndiʋo ʋanakomana ʋaJosefa, nemhuri dzaʋo.
38Aʋa ndiʋo ʋanakomana ʋaBenjamini, nemhuri dzaʋo: Bera, kwakabva mhuri yaʋaBera; naAshberi, kwakabva mhuri yaʋaAshberi; naAhirami, kwakabva mhuri yaʋaAhirami; 39naShefufami, kwakabva mhuri yaʋaShufami; naHufami, kwakabva mhuri yaʋaHufami. 40Ndiʋo ʋanakomana ʋaBera: Ardi naNamani; kunaArdi kwakabva mhuri yaʋaArdi; naNamani, kwakabva mhuri yaʋaNamani. 41Ndiʋo ʋanakomana ʋaBenjamini, nemhuri dzaʋo; ʋakaʋereŋgwa kwaʋari ʋakaȿika ɀuru ɀinamakumi manna neɀishanu namazana matanhatu.
42Aʋa ndiʋo ʋanakomana ʋaDani, nemhuri dzaʋo: Shuhami, kwakabva mhuri yaʋaShuhami. Ndiʋo ʋemhuri dzaDani, nedzimba dzaʋo. 43Mhuri dzose dzaʋaShuhami, ʋakaʋereŋgwa kwaʋari ʋakaȿika ɀuru ɀinamakumi matanhatu neɀinna namazana manna.
44Aʋa ndiʋo ʋanakomana ʋaAsheri, nemhuri dzaʋo: Imna, kwakabva mhuri yaʋaImna; naIshvi, kwakabva mhuri yaʋaIshvi; naBeria, kwakabva mhuri yaʋaBeria. 45Ndiʋo ʋanakomana ʋaBeria: Heberi, kwakabva mhuri yaʋaHeberi; naMarkieri, kwakabva mhuri yaʋaMarkieri. 46Zita romŋanasikana waAsheri rakaŋga riri Sera. 47Ndidzo mhuri dzaAsheri; ʋakaʋereŋgwa kwaʋari ʋakaȿika ɀuru ɀinamakumi mashanu neɀitanhatu namazana manna.
48Aʋa ndiʋo ʋanakomana ʋaNaftari, nemhuri dzaʋo: Jazeeri, kwakabva mhuri yaʋaJazeeri; naGuni, kwakabva mhuri yaʋaGuni; 49naJezeri, kwakabva mhuri yaʋaJezeri; naShiremi, kwakabva mhuri yaʋaShiremi. 50Ndidzo mhuri dzaNaftari, nemhuri dzaʋo; ʋakaʋereŋgwa kwaʋari ʋakaȿika ɀuru ɀinamakumi manna neɀishanu namazana manna.
51Ndiʋo ʋakaʋereŋgwa kuʋana ʋaIsraeri, ʋakaȿika ɀuru ɀinamazana matanhatu necuru cimŋe namazana manomŋe namakumi matatu.
52Jehova akataura naMosesi, akati: 53Nyika inofanira kugoʋerwa pakati paiʋaʋa, iʋe nhaka yaʋo, ʋaciʋereŋgwa namazita aʋo. 54Ʋazhinji unofanira kuʋapa nhaka zhinji; ʋashoma unofanira kuʋapa nhaka shoma; mumŋe nomumŋe unofanira kupiwa seɀaʋakaʋereŋgwa. 55Kunyaŋge ɀakaɗaro nyika inofanira kugoʋerwa nemijenya; ʋacapiwe‐nhaka namazita amarudzi amadziɓaɓa aʋo. 56Nhaka yaʋo inofanira kugoʋerwa nemijenya kana ʋari ʋazhinji kana ʋari ʋashoma.
57Ɀino ndiʋo ʋakaʋereŋgwa kuʋaRevi, nemhuri dzaʋo: Gershoni, kwakabva mhuri yaʋaGershoni; Kohati, kwakabva mhuri yaʋaKohati; Merari, kwakabva mhuri yaʋaMerari. 58Ndidzo mhuri dzaʋaRevi: Mhuri yaʋaRibni, nemhuri yaʋaHebroni, nemhuri yaʋaMari, nemhuri yaʋaMushi, nemhuri yaʋaKora. Kohati akaɓereka Amrami. 59Zita romukadzi waAmrami rakaŋga riri Jokebedi, mŋanasikana waRevi, wakaɓerekerwa Revi paEgipita; ndiye wakaɓerekera Amrami, Aroni, naMosesi, naMiriami, hanɀadzi yaʋo. 60Aroni akaɓerekerwa Nadabi, naAbihu, naEreazari, naItamari. 61Nadabi naAbihu ʋakafa, ŋguʋa yaʋakaʋuyisa mŋoto usina‐kufanira pamberi paJehova. 62Ʋakaʋereŋgwa kwaʋari ʋakaȿika ɀuru ɀinamakumi maʋiri neɀitatu, murume mumŋe nomumŋe wakaŋga anomŋedzi mumŋe naʋanopfuʋura; nokuti haʋana‐kuʋereŋgwa pakati paʋana ʋaIsraeri, nokuti haʋana‐kupiwa nhaka pakati paʋana ʋaIsraeri.
63Ndiʋo ʋakaʋereŋgwa naMosesi naEreazari muprista, ʋakaʋereŋga ʋana ʋaIsraeri pamapani aMoabi, paJoridani paJeriko. 64Asi pakati paʋo kwakaŋga kusinomurume mumŋe waʋaya ʋakaʋereŋgwa naMosesi naAroni, ʋakaŋga ʋaʋereŋga ʋana ʋaIsraeri murenje reSinai. 65Nokuti Jehova wakaŋga ati pamsoro paʋo: Ɀirokwaɀo ʋacafira murenje. Hakunomumŋe waʋo wakaŋga asara, asi Karebi, mŋanakomana waJefune, naJoshua, mŋanakomana waNuni.

Zvasarudzwa nguva ino

Numeri 26: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda