Ipapo Mosesi akaɓuɗa, akandoʋudza ʋanhu mashoko aJehova; akaʋuŋganidza ʋanhu ʋanamakumi manomŋe ʋaʋakuru ʋaʋanhu, akaʋapotedza Tente. Ipapo Jehova akaɓuruka mugore, akataura naye, akatora pamŋeya wakaŋga uri pamsoro pake, akauisa pamsoro paʋakuru aʋo ʋanamakumi manomŋe; ɀino mŋeya wakati ucigara pamsoro paʋo, iʋo ʋakaprofita, asi haʋana‐kuzoita ɀe saiɀoɀo. Asi ʋarume ʋaʋiri ʋakasara pamisasa, zita romumŋe rainzi Erdadi, nezita romumŋe Medadi; mŋeya ukagara pamsoro paʋo, nokuti ʋakaŋga ʋakanyorwa, asi haʋana‐kuɓuɗira kuTente; ʋakaprofita pamisasa. Ɀino mumŋe mukomana wakamhanya, akandoʋudza Mosesi, akati: Erdadi naMedadi ʋanoprofita pamisasa. Ipapo Joshua, mŋanakomana waNuni, muranda waMosesi kubva paʋujaya bgake, akapindura, akati: Ishe waŋgu, Mosesi, ʋadziʋisei. Mosesi akati kwaari: Ko uneshuŋgu nokuɗa kwaŋgu here? Ƌai ʋanhu ʋose ʋaJehova ʋaiʋa ʋaprofita, Jehova akaisa mŋeya wake pamsoro paʋo! Ipapo Mosesi akaenda kumisasa, iye naʋakuru ʋaIsraeri. Ɀino mhepo yakabva kunaJehova, ikaʋuyisa ɀihuta, ɀaibva kuguŋgwa, ikaɀikandira pamisasa kumatiʋi ose, ɀikaita rwendo rwezuʋa rimŋe kurutiʋi rumŋe, norwendo rwezuʋa rimŋe ɀe kunorumŋe rutiʋi rwemisasa, nomurwi wakakwirira makubiti maʋiri pamsoro penyika. Ɀino ʋanhu ʋakasimuka zuʋa iro rose, noʋusiku ubgo bgose, neramaŋgwana rose, ʋakaʋuŋganidza ɀihuta. Wakaʋuŋganidza ɀishoma wakaʋuŋganidza mahomeri anegumi, ʋakaɀinika kumatiʋi ose emisasa. Nyama yakaŋga iciri pakati pameno aʋo, isati yatseŋgwa, kutsamŋa kwaJehova kukamukira ʋanhu, Jehova akaroʋa ʋanhu nehosha yakaipa kwaɀo. Naiɀoɀo nɀimbo iyo yakatumidzwa Kibroti‐hataʋa, nokuti ndipo paʋakaʋiga ʋanhu ʋakaŋga ʋafa nenhomba yenyama. Ʋanhu ʋakasimuka ʋakabva Kibroti‐hataʋa ʋakaȿika Hazeroti; ʋakagara paHazeroti.