Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Numeri 11:24-35

Numeri 11:24-35 SNA2002

Ipapo Mosesi akabuda, akandoudza vanhu mashoko aJehovha; akaunganidza vanhu vana makumi manomwe vavakuru vavanhu, akavapotedza Tende. Ipapo Jehovha akaburuka mugore, akataura naye, akatora pamweya wakanga uri pamusoro pake, akauisa pamusoro pavakuru avo vana makumi manomwe; zvino mweya wakati uchigara pamusoro pavo, ivo vakaporofita, asi havana kuzoitazve saizvozvo. Asi varume vaviri vakasara pamisasa, zita romumwe rainzi Eridhadhi, nezita romumwe Medhadhi; mweya ukagara pamusoro pavo, nokuti vakanga vakanyorwa, asi havana kubudira kuTende; vakaporofita pamisasa. Zvino mumwe mukomana akamhanya, akandoudza Mosesi, akati, “Eridhadhi naMedhadhi vanoporofita pamisasa.” Ipapo Joshua, mwanakomana waNuni, muranda waMosesi kubva paujaya hwake, akapindura, akati, “Ishe wangu, Mosesi, vadzivisei.” Mosesi akati kwaari, “Ko une shungu nokuda kwangu here? Dai vanhu vose vaJehovha vaiva vaporofita, Jehovha akaisa mweya wake pamusoro pavo!” Ipapo Mosesi akaenda kumisasa, iye navakuru vaIsiraeri. Zvino mhepo yakabva kuna Jehovha, ikauyisa zvihuta, zvaibva kugungwa, ikazvikandira pamisasa kumativi ose, zvikaita rwendo rwezuva rimwe kurutivi rumwe, norwendo rwezuva rimwezve kuno rumwe rutivi rwemisasa, nomurwi wakakwirira makubhiti maviri pamusoro penyika. Zvino vanhu vakasimuka zuva iro rose, nousiku uhwo hwose, neramangwana rose, vakaunganidza zvihuta. Wakaunganidza zvishoma wakaunganidza mahomeri ane gumi, vakazvinika kumativi ose emisasa. Nyama yakanga ichiri pakati pameno avo, isati yatsengwa, kutsamwa kwaJehovha kukamukira vanhu, Jehovha akarova vanhu nehosha yakaipa kwazvo. Naizvozvo nzvimbo iyo yakatumidzwa Kibhuroti‐hatava, nokuti ndipo pavakaviga vanhu vakanga vafa nenhomba yenyama. Vanhu vakasimuka vakabva Kibhuroti‐hatava vakasvika Hazeroti; vakagara paHazeroti.

Verenga chikamu Numeri 11