Numeri 11:24-35
Numeri 11:24-35 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Saka Mozisi akabuda akandoudza vanhu zvakanga zvataurwa naJehovha. Akaunganidza vakuru vavo makumi manomwe akavaita kuti vamire vakapoteredza Tende. Ipapo Jehovha akaburuka ari mugore akataura navo uye akatora Mweya wakanga uri pamusoro pake akaisa Mweya uyu pamusoro pavakuru makumi manomwe. Mweya wakati wagara pamusoro pavo vakaprofita, asi havana kuzopamhazve. Kunyange zvakadaro, varume vaviri, vainzi Eridhadhi naMedhadhi, vakanga vasara mumusasa. Ivo vakanga vaverengwa pakati pavakuru, asi havana kubuda kuti vaende kuTende. Asi Mweya wakagarawo pamusoro pavo uye, vakaprofita vari mumusasa. Mumwe mujaya akamhanya akandoudza Mozisi akati, “Eridhadhi naMedhadhi vari kuprofita vari mumusasa.” Joshua mwanakomana waNuni, uyo akanga ari mubatsiri waMozisi kubva paujaya hwake, akataura nesimba akati, “Mozisi, ishe wangu, vadzivisei!” Asi Mozisi akapindura akati, “Ko, iwe une godo nokuda kwangu here? Ndinoshuva kuti dai vanhu vaJehovha vose vava vaprofita uye kuti dai Jehovha aisa Mweya wake pamusoro pavo!” Ipapo Mozisi navakuru vavaIsraeri vakadzokera kumusasa. Zvino mhepo yakabuda ichibva kuna Jehovha ikasunda zvihuta zvichibva kugungwa. Yakazvikanda pasi kumativi ose omusasa zvikaita murwi ungada kuita makubhiti maviri kubva pasi, kusvika pangafambwa rwendo rwezuva rimwe chete kumativi ose. Zuva rose iroro nousiku hwose uye nezuva rose rakatevera vanhu vakabuda kundounganidza zvihuta. Hakuna akaunganidza zvaiva pasi pamahomeri gumi. Ipapo vakazviyanika vakapoteredza musasa. Asi nyama ichiri pakati pamazino avo uye isati yatsengwa, kutsamwa kwaJehovha kwakapfuta pamusoro pavanhu, akavarova nehosha yakaipisisa. Naizvozvo nzvimbo iyo yakatumidzwa kunzi Kibhuroti Hataavha, nokuti vakaviga vanhu vakanga vakarira zvimwewo zvokudya. Vanhu vakabva paKibhuroti Hataavha vakaenda kuHazeroti vakandogara ikoko.
Numeri 11:24-35 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ipapo Mosesi akabuda, akandoudza vanhu mashoko aJehovha; akaunganidza vanhu vana makumi manomwe vavakuru vavanhu, akavapotedza Tende. Ipapo Jehovha akaburuka mugore, akataura naye, akatora pamweya wakanga uri pamusoro pake, akauisa pamusoro pavakuru avo vana makumi manomwe; zvino mweya wakati uchigara pamusoro pavo, ivo vakaporofita, asi havana kuzoitazve saizvozvo. Asi varume vaviri vakasara pamisasa, zita romumwe rainzi Eridhadhi, nezita romumwe Medhadhi; mweya ukagara pamusoro pavo, nokuti vakanga vakanyorwa, asi havana kubudira kuTende; vakaporofita pamisasa. Zvino mumwe mukomana akamhanya, akandoudza Mosesi, akati, “Eridhadhi naMedhadhi vanoporofita pamisasa.” Ipapo Joshua, mwanakomana waNuni, muranda waMosesi kubva paujaya hwake, akapindura, akati, “Ishe wangu, Mosesi, vadzivisei.” Mosesi akati kwaari, “Ko une shungu nokuda kwangu here? Dai vanhu vose vaJehovha vaiva vaporofita, Jehovha akaisa mweya wake pamusoro pavo!” Ipapo Mosesi akaenda kumisasa, iye navakuru vaIsiraeri. Zvino mhepo yakabva kuna Jehovha, ikauyisa zvihuta, zvaibva kugungwa, ikazvikandira pamisasa kumativi ose, zvikaita rwendo rwezuva rimwe kurutivi rumwe, norwendo rwezuva rimwezve kuno rumwe rutivi rwemisasa, nomurwi wakakwirira makubhiti maviri pamusoro penyika. Zvino vanhu vakasimuka zuva iro rose, nousiku uhwo hwose, neramangwana rose, vakaunganidza zvihuta. Wakaunganidza zvishoma wakaunganidza mahomeri ane gumi, vakazvinika kumativi ose emisasa. Nyama yakanga ichiri pakati pameno avo, isati yatsengwa, kutsamwa kwaJehovha kukamukira vanhu, Jehovha akarova vanhu nehosha yakaipa kwazvo. Naizvozvo nzvimbo iyo yakatumidzwa Kibhuroti‐hatava, nokuti ndipo pavakaviga vanhu vakanga vafa nenhomba yenyama. Vanhu vakasimuka vakabva Kibhuroti‐hatava vakasvika Hazeroti; vakagara paHazeroti.
Numeri 11:24-35 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mosesi akabuda akandoudza vanhu zvaakanga audzwa naTenzi. Akakokorodza vatungamiriri makumi manomwe avarume vechikuru vavaIsiraeri ndokuvamisa vakapoteredza tendhe iroro. Ipapo Tenzi akauya ari mugore akataura naMosesi. Akatora mweya pamweya waiva muna Mosesi akaupa vatungamiriri vaya vaiva makumi manomwe. Mweya iwoyo pawakapinda mavari, vakatangisa kuporofita asi havana kuzoramba vachiporofita. Zvino vamwe varume vaviri vakasara vari kumatendhe, mumwe ainzi Eridhadhi, mumwe achinzi Medhadhi. Mweya waTenzi wakauya pavari. Varume ivava vakanga vachiverengerwa pavakuru vakuru vaya, asi vakanga vasina kuenda kutendhe ikoko. Vakatanga kuporofita vari kumatendhe ikoko. Rimwe jaya rakamhanya kundoudza Mosesi kuti Eridhadhi naMedhadhi vari kuporofita mumatendhe. Joshuwa mwanakomana waNuni mubatsiri waMosesi akati kuna Mosesi, “Changamire dzivisai vanhu avo!” Mosesi akati, “Ko wava kuvaitira shanje nemhaka yangu here? Ini ndinodisa kuti dai vanhu vose vaTenzi vave vaporofita vose zvavo. Dai Tenzi angoisa Mweya wake pavari.” Mosesi navatungamiriri vavaIsiraeri vakazodzokera kumatendhe avo. Tenzi akatumira mhepo yakaunza zvihuta kubva kugungwa. Yakazvisvitsa pamatendhe nenharaunda yepo yose zvokuti uchibva pamatendhe uchienda kumativi ose zvawo kuti undosvika kwazvaiperera zvaitoda rwendo rwomuswere wose wezuva. Zvakanga zvakatsikirirana zvokuita murwi unokwana mita rimwechete kubva pasi. Vanhu vakaswerera vakararira vakaswerera zvakare zuva rechipiri vachituta zvihuta. Hakuna munhu akatuta zvihuta asina kusvitsa chiuru chimwechete chamakirogiramu. Vakasasika zvihuta muruvanze rwamatendhe ose. Asi nyama vachinayo mukanwa isati yapera Tenzi akavavirukira nehasha akavarova nedenda rakaipa. Naizvozvo nzvimbo iyoyo yakatumidzwa zita rokuti Makuvaovukukara nokuti pakavigwa vanhu vaikara nyama. Vakatama kuKibhurotihatiaavha vakaenda kuHazeroti, vakambogara kuHazeroti.
Numeri 11:24-35 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ipapo Mosesi akaɓuɗa, akandoʋudza ʋanhu mashoko aJehova; akaʋuŋganidza ʋanhu ʋanamakumi manomŋe ʋaʋakuru ʋaʋanhu, akaʋapotedza Tente. Ipapo Jehova akaɓuruka mugore, akataura naye, akatora pamŋeya wakaŋga uri pamsoro pake, akauisa pamsoro paʋakuru aʋo ʋanamakumi manomŋe; ɀino mŋeya wakati ucigara pamsoro paʋo, iʋo ʋakaprofita, asi haʋana‐kuzoita ɀe saiɀoɀo. Asi ʋarume ʋaʋiri ʋakasara pamisasa, zita romumŋe rainzi Erdadi, nezita romumŋe Medadi; mŋeya ukagara pamsoro paʋo, nokuti ʋakaŋga ʋakanyorwa, asi haʋana‐kuɓuɗira kuTente; ʋakaprofita pamisasa. Ɀino mumŋe mukomana wakamhanya, akandoʋudza Mosesi, akati: Erdadi naMedadi ʋanoprofita pamisasa. Ipapo Joshua, mŋanakomana waNuni, muranda waMosesi kubva paʋujaya bgake, akapindura, akati: Ishe waŋgu, Mosesi, ʋadziʋisei. Mosesi akati kwaari: Ko uneshuŋgu nokuɗa kwaŋgu here? Ƌai ʋanhu ʋose ʋaJehova ʋaiʋa ʋaprofita, Jehova akaisa mŋeya wake pamsoro paʋo! Ipapo Mosesi akaenda kumisasa, iye naʋakuru ʋaIsraeri. Ɀino mhepo yakabva kunaJehova, ikaʋuyisa ɀihuta, ɀaibva kuguŋgwa, ikaɀikandira pamisasa kumatiʋi ose, ɀikaita rwendo rwezuʋa rimŋe kurutiʋi rumŋe, norwendo rwezuʋa rimŋe ɀe kunorumŋe rutiʋi rwemisasa, nomurwi wakakwirira makubiti maʋiri pamsoro penyika. Ɀino ʋanhu ʋakasimuka zuʋa iro rose, noʋusiku ubgo bgose, neramaŋgwana rose, ʋakaʋuŋganidza ɀihuta. Wakaʋuŋganidza ɀishoma wakaʋuŋganidza mahomeri anegumi, ʋakaɀinika kumatiʋi ose emisasa. Nyama yakaŋga iciri pakati pameno aʋo, isati yatseŋgwa, kutsamŋa kwaJehova kukamukira ʋanhu, Jehova akaroʋa ʋanhu nehosha yakaipa kwaɀo. Naiɀoɀo nɀimbo iyo yakatumidzwa Kibroti‐hataʋa, nokuti ndipo paʋakaʋiga ʋanhu ʋakaŋga ʋafa nenhomba yenyama. Ʋanhu ʋakasimuka ʋakabva Kibroti‐hataʋa ʋakaȿika Hazeroti; ʋakagara paHazeroti.
Numeri 11:24-35 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)