Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Numeri 11

11
Ʋanhu ʋanonyunyuta paTabera.
1Ɀino ʋanhu ʋakaita saʋanyunyuti, ʋakataura ɀakaipa munzeʋe dzaJehova; ipapo Jehova wakati aɀinzwa, akatsamŋa kwaɀo, mŋoto waJehova ukapfuta pakati paʋo, ukaparadza kumudziʋo wemisasa. 2Ʋanhu ʋakacema kunaMosesi, Mosesi akanyeŋgetera kunaJehova, mŋoto ukadzimŋa. 3Zita renɀimbo iyo rikanzi Tabera, nokuti mŋoto waJehova wakapfuta’po pakati paʋo.
Ʋanhu ʋanonyunyuta ɀe paKibroti‐hataʋa; ʋanopiwa ɀihuta.
4Ɀino ʋatorwa ʋazhinji, ʋakaŋga ʋari pakati paʋo, ʋakataŋga kufa nenhomba yenyama; naʋana ʋaIsraeri ʋakacema ʋo, ʋakati: Ndianiko ucatipe‐nyama kuti tidye? 5Tinoraŋgarira hoʋe dzataidya Egipita, tisiŋgateŋgi, namakake, namaŋwiwa, nerikisi, nehanyanisi, negariki. 6Asi ɀino mŋeya yeɗu yawoma, hapaneɀokudya cose, hapanecinhu catinoʋona, asi mana iyi ɓedzi. 7Mana yakaŋga yakafanana nembeu dzekorianderi, yakaŋga yakaita sebedaro. 8Ʋanhu ʋaipararira kundoinoŋga, ʋakaikuya pamakuyo, kana kuiswa mumaturi, nokuiɓika muhari, nokuita ɀiŋgwa ɀiɗuku nayo; kana yodyiwa yakaita seɀiŋgwa ɀakaɓikwa namafuta. 9Kana ɗoʋa riciwira pamisasa ʋusiku, mana yakawa ʋo pamŋe cete naro. 10Ɀino Mosesi wakanzwa ʋanhu ʋacicema padzimba dzaʋo dzose, mumŋe nomumŋe pamukoʋa wetente rake; Jehova akatsamŋa kwaɀo; naiye Mosesi wakanga asiŋgafari. 11Mosesi akati kunaJehova: Makaitireiko muranda wenyu ɀakaipa? Ndakaregereiko kunzwirwa nyasha nemi, ɀamakanditakudza mutoro waʋanhu aʋa ʋose? 12Ko ndini ndakagamucira ʋanhu aʋa ʋose here? Ko ndini ndakaʋaɓereka here, ɀamunoti kwandiri: Uʋatakure pacifuʋa cako, somureri unotakura mŋana unomŋa, uʋaise kunyika yamakapikira madziɓaɓa aʋo? 13Ndicawanepiko nyama yandiŋgapa ʋanhu aʋa ʋose? Nokuti ʋanondicemera, ʋaciti: Tipe nyama, tidye. 14Handigoni kutakura ʋanhu aʋa ʋose ndoga, nokuti ɀinondiremera kwaɀo. 15Kana muciɗa kundiitira saiɀoɀo, cindiʋurayai henyu kamŋe, kana ndanzwirwa nyasha nemi; ndirege haŋgu kuʋona ʋurombo bgaŋgu.
16Ɀino Jehova akati kunaMosesi: Ʋuŋganidza kwandiri ʋarume ʋanamakumi manomŋe ʋaʋakuru ʋaIsraeri, ʋaunoziʋa kuti ʋakuru ʋaʋanhu, naʋatariri ʋaʋo, uʋuye naʋo patente rokusoŋgana, kuti ʋamire’po newe. 17Ipapo ndicaɓuruka, nditaure newe ipapo; ɀino ndicatora pamŋeya uri pamsoro pako, ndikauisa pamsoro paʋo; iʋo ʋacatakura mutoro waʋanhu pamŋe cete newe, kuti urege kuutakura iwe woga. 18Ɀino iwe uti kuʋanhu: Ɀinatsirei maŋgwana, nokuti mucadyenyama; nokuti makacema munzeʋe dzaJehova, muciti: Ndianiko ucatipe‐nyama, tidye? Nokuti takaŋga ticifara heɗu Egipita. Naiɀoɀo Jehova ucakupai nyama, mudye. 19Hamuŋgadyi zuʋa rimŋe, kana mazuʋa maʋiri, kana mazuʋa mashanu, kana mazuʋa anegumi, kana mazuʋa anamakumi maʋiri; 20asi mŋedzi wose, kuȿikira iciɓuɗa kumhino dzenyu, ikakusemesai; nokuti makarasha Jehova uri pakati penyu, mukacema pamberi pake, muciti: Takaɓuɗireiko Egipita? 21Ɀino Mosesi akati: Ʋanhu aʋa, ʋandiri pakati paʋo, ʋanofamba namakumbo, ʋanoȿika ɀuru ɀinamazana matanhatu, ɀino moti: Ndicaʋape‐nyama, ʋaidye mŋedzi wose! 22Ko ʋacaɓayirwa makwai neŋombe, kuti ʋariŋgane here? Kana ʋaŋgaʋuŋganidzirwa hoʋe dzose dziri muguŋgwa, kuti ʋariŋgane here?
23Ipapo Jehova akati kunaMosesi: Ko ruʋoko rwaJehova rwakafupiswa here? Ucaʋona hako ɀino kana shoko raŋgu riciitika kana risiŋgaitiki. 24Ipapo Mosesi akaɓuɗa, akandoʋudza ʋanhu mashoko aJehova; akaʋuŋganidza ʋanhu ʋanamakumi manomŋe ʋaʋakuru ʋaʋanhu, akaʋapotedza Tente. 25Ipapo Jehova akaɓuruka mugore, akataura naye, akatora pamŋeya wakaŋga uri pamsoro pake, akauisa pamsoro paʋakuru aʋo ʋanamakumi manomŋe; ɀino mŋeya wakati ucigara pamsoro paʋo, iʋo ʋakaprofita, asi haʋana‐kuzoita ɀe saiɀoɀo. 26Asi ʋarume ʋaʋiri ʋakasara pamisasa, zita romumŋe rainzi Erdadi, nezita romumŋe Medadi; mŋeya ukagara pamsoro paʋo, nokuti ʋakaŋga ʋakanyorwa, asi haʋana‐kuɓuɗira kuTente; ʋakaprofita pamisasa. 27Ɀino mumŋe mukomana wakamhanya, akandoʋudza Mosesi, akati: Erdadi naMedadi ʋanoprofita pamisasa. 28Ipapo Joshua, mŋanakomana waNuni, muranda waMosesi kubva paʋujaya bgake, akapindura, akati: Ishe waŋgu, Mosesi, ʋadziʋisei. 29Mosesi akati kwaari: Ko uneshuŋgu nokuɗa kwaŋgu here? Ƌai ʋanhu ʋose ʋaJehova ʋaiʋa ʋaprofita, Jehova akaisa mŋeya wake pamsoro paʋo! 30Ipapo Mosesi akaenda kumisasa, iye naʋakuru ʋaIsraeri. 31Ɀino mhepo yakabva kunaJehova, ikaʋuyisa ɀihuta, ɀaibva kuguŋgwa, ikaɀikandira pamisasa kumatiʋi ose, ɀikaita rwendo rwezuʋa rimŋe kurutiʋi rumŋe, norwendo rwezuʋa rimŋe ɀe kunorumŋe rutiʋi rwemisasa, nomurwi wakakwirira makubiti#11:31 Kubiti rimŋe kubva pagokora kuȿikira paminwe. maʋiri pamsoro penyika. 32Ɀino ʋanhu ʋakasimuka zuʋa iro rose, noʋusiku ubgo bgose, neramaŋgwana rose, ʋakaʋuŋganidza ɀihuta. Wakaʋuŋganidza ɀishoma wakaʋuŋganidza mahomeri#11:32 Homeri rimŋe aneŋge masaga matatu nehafu. anegumi, ʋakaɀinika kumatiʋi ose emisasa. 33Nyama yakaŋga iciri pakati pameno aʋo, isati yatseŋgwa, kutsamŋa kwaJehova kukamukira ʋanhu, Jehova akaroʋa ʋanhu nehosha yakaipa kwaɀo. 34Naiɀoɀo nɀimbo iyo yakatumidzwa Kibroti‐hataʋa, nokuti ndipo paʋakaʋiga ʋanhu ʋakaŋga ʋafa nenhomba yenyama. 35Ʋanhu ʋakasimuka ʋakabva Kibroti‐hataʋa ʋakaȿika Hazeroti; ʋakagara paHazeroti.

Zvasarudzwa nguva ino

Numeri 11: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda