Numeri 12
12
Miriami unorobga namaperembudzi, nokuti iye naAroni ʋakamukira Mosesi.
1Ɀino Miriami naAroni ʋakapopotera Mosesi nokuɗa kwomukadzi waiʋa muKushi, waakaŋga awana; nokuti wakaŋga awana mukadzi waiʋa muKushi. 2Ʋakati: Ko Jehova wakataura naMosesi iye oga here? Ko haana‐kutaura nesu ʋo here? Jehova akaɀinzwa. 3Ɀino munhu uyu Mosesi wakaŋga ari munhu munyoro kwaɀo, kupfuʋura ʋanhu ʋose ʋaiʋa panyika. 4Jehova akataura pakarepo naMosesi naAroni naMiriami, akati: Ƃuɗai imi ʋatatu kutente rokusoŋgana. Iʋo ʋatatu ʋakaɓuɗa. 5Ipapo Jehova akaɓuruka mushoŋgwe yegore, akamira mumukoʋa wetente rokusoŋgana, akaɗana Aroni naMiriami; iʋo ʋaʋiri ʋakaɓuɗa. 6Ɀino akati: Tererai mashoko aŋgu; kana kunomuprofita pakati penyu, ini Jehova ndicaɀiziʋisa kwaari neciratidzo, ndicataura naye nokurota hope. 7Muranda waŋgu Mosesi haana‐kuɗaro; wakatendeka paimba yaŋgu yose. 8Iye ndicataura naye nomuromo, pacena, ndisiŋgatauri namashoko asiŋganzwisiswi; iye ucaʋona Jehova kuti wakaɗini; naiɀoɀo makaregereiko kutya kupopotera muranda waŋgu Mosesi? 9Ipapo kutsamŋa kwaJehova kwakaʋamukira, iye akabva. 10Gore rikabva pamsoro petente rokusoŋgana, ʋonei Miriami waʋa namaperembudzi, akacena secando; Aroni akatarira Miriami, ʋonei waʋa namaperembudzi. 11Ɀino Aroni akati kunaMosesi: Haiwa, Ishe waŋgu, musaisa mhoȿa yeɀiʋi pamsoro peɗu, kunyaŋge takaita heɗu noʋupenzi, tikatadza. 12Ŋgaarege kuʋa somŋana wakaɓerekwa akafa, imŋe nyama yake yakaʋora pakuɓuɗa kwake paɗumbu ramai ʋake. 13Ɀino Mosesi akacema kunaJehova, akati: Haiwa Mŋari, ɗomuporesai henyu. 14Jehova akati kunaMosesi: Ƌai ɓaɓa ʋake ʋakaŋga ʋamupfira mate kuciso cake, haazaifanira kunyara mazuʋa manomŋe here? Ŋgaaɓuɗiswe kunze kwemisasa mazuʋa manomŋe, agopinzwa pashure. 15Ipapo Miriami akaɓuɗiswa kunze kwemisasa mazuʋa manomŋe, ʋanhu ʋakasafamba, kuȿikira Miriami adzoswa ɀe. 16Shure kwaiɀoɀo ʋanhu ʋakasimuka ʋakabva Hazeroti, ʋakandodzika matente aʋo murenje reParani.
Zvasarudzwa nguva ino
Numeri 12: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018