Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Revitiko 6

6
1Ɀino Jehova wakataura naMosesi, akati: 2Kana munhu akatadza, akaɗarika murairo waJehova, akanyeŋgera wokwake pacinhu caakaŋga apiwa kuceŋgeta, kana cakaŋga caiswa paruʋoko rwake, kana pakumuɓira, kana pakumanikidza wokwake; 3kana akanoŋga cakaŋga carashika, akanyeŋgera paciri, akapika nhema; pacinhu cipi necipi caɀose iɀo, kana munhu aciŋge aita akatadza paciri; 4ɀino kana akatadza, anemhoȿa, unofanira kudzosa caakaŋga atora nokuɓa, kana caakaŋga awana nokumanikidza, kana caakaŋga apiwa kuceŋgeta, kana cakaŋga carashika akacinoŋga; 5kana cinhu cipi necipi caakaŋga apika nhema pamsor paco; ŋgaacidzose cose, awedzere kwaciri ceshanu caco, acipe muridzi waco nomusi waanowanikwa kuti unemhoȿa. 6Unofanira kuʋuya kumuprista necipiriso cemhoȿa yake kunaJehova, cegondobge ramakwai ake risinemhoȿa, seɀaunotara iwe, ciʋe cipiriso cemhoȿa; 7ɀino muprista amuyananisire pamberi paJehova, akaŋganwirwe pamsoro pemhoȿa ipi neipi yaakaita.
Mirairo yeɀipiriso.
8Ɀino Jehova wakataura naMosesi, akati: 9Raira Aroni naʋanakomana ʋake, uti: Murairo wecipiriso cinopiswa ndiwo: Cipiriso cinopiswa cinofanira kuʋata pacoto pamsoro peartari ʋusiku bgose kuȿikira maŋgwanani, mŋoto urambe ucipfuta pamsoro paco. 10Ɀino muprista ŋgaafuke ŋguʋo yake yomuceka, nokufuka ʋo buruku rake romuceka pamuʋiri wake, abvise maɗota ecipiriso cinopiswa, capiswa nomŋoto paartari, aaise parutiʋi rweartari. 11Ɀino ŋgaabvise ŋguʋo dzake, afuke dzimŋe ŋguʋo, agotakurira maɗota kunze kwemisasa panɀimbo yakanaka. 12Mŋoto paartari unofanira kuramba ucipfuta pamsoro payo, haufaniri kudzima; muprista unofanira kuɓatidza huni pamsoro payo maŋgwanani ose; ɀino ŋgaagadzire cipiriso cinopiswa pamsoro payo, apise mafuta eɀipiriso ɀokuyananisa pamsoro payo. 13Mŋoto ŋgaurambe ucipfuta pamsoro peartari ŋguʋa dzose, urege kudzima.
14Murairo wecipiriso coʋupfu ndiwo: Ʋanakomana ʋaAroni ʋanofanira kuʋuya naco pamberi paJehova paartari. 15Zino ŋgaatsamure tsama imŋe yake yoʋupfu bgakatsetseka bgecipiriso coʋupfu, namamŋe mafuta aco, neɀinonhuwira ɀose ɀiri pamsoro pecipiriso coʋupfu, aɀipise pamsoro peartari, ciʋe cinonhuwira ɀakanaka, cokuraŋgaridza caco, kunaJehova. 16Ɀakasara ɀaco ŋgaɀidyiwe naAroni naʋanakomana ʋake; ɀidyiwe ɀisinembiriso panɀimbo tȿene; ŋgaʋaɀidye paruʋazhe rwetente rokusoŋgana. 17Ŋgaɀirege kuɓikwa nembiriso; ndakaʋapa ico, uʋe mugoʋe waʋo weɀipiriso ɀaŋgu ɀinoitwa nomŋoto; cinhu citȿene kwaɀo, secipiriso ceɀiʋi, necipiriso cemhoȿa. 18Ʋarume ʋose kuʋana ʋaAroni ŋgaʋaɀidye, uʋe murairo usiŋgaperi kuȿikira kumarudzi enyu ose paɀipiriso ɀose ɀaJehova ɀinoitwa nomŋoto; munhu upi noupi unoɀiɓata, ucaʋa mutȿene.
19Ɀino Jehova akataura naMosesi, akati: 20Ndico cipo caAroni necaʋanakomana ʋake caʋanofanira kupa Jehova nomusi waanozodzwa nawo: Cegumi ceefa#6:20 Efa imŋe aneŋge magaroni mapfumbamŋe. yoʋupfu bgakatsetseka, ciʋe cipiriso coʋupfu ŋguʋa dzose, hafu yaco maŋgwanani, hafu yaco maɗekwana. 21Ŋgaciɓikwe namafuta mugaŋgo; kana caibva, uʋuye naco; unofanira kuʋuya necipiriso coʋupfu ɀimeɗu‐ɀimeɗu ɀakakaŋgwa, ciʋe cinhu cinonhuwira ɀakanaka kunaJehova. 22Muprista unozodzwa panɀimbo yake pakati paʋanakomana ʋake, ndiye unofanira kuʋuya naco; uʋe mutemo usiŋgaperi kuti cipisirwe Jehova cose. 23Cipiriso cimŋe necimŋe coʋupfu comuprista cinofanira kupiswa cose; hacifaniri kudyiwa.
24Ɀino Jehova wakataura naMosesi, akati: 25Taura naAroni naʋanakomana ʋake uti: Murairo wecipiriso ceɀiʋi ndiwo: Panoʋurayirwa cipiriso cinopiswa ndi’po panofanira kuʋurayirwa ʋo cipiriso ceɀiʋi pamberi paJehova; citȿene kwaɀo. 26Muprista unociɓayira pamsoro peɀiʋi, ndiye unofanira kucidya; cinofanira kudyiwa panɀimbo tȿene, paruʋazhe rwetente rokusoŋgana. 27Cinhu cipi necipi cinogunɀa nyama yaco cicaʋa citȿene; kana rimŋe ropa raco rikaɗonhera paŋguʋo ipi neipi, unofanira kusuka ico cakaɗonherwa naro panɀimbo tȿene. 28Asi hari yevu mayakaɓikirwa, inofanira kuputswa; kana yakaɓikwa muhari yendarira inofanira kukwizwa nokusukurudzwa nemvura. 29Ɀino ʋarume ʋose kuʋaprista ʋanofanira kucidya; citȿene kwaɀo. 30Ɀipiriso ɀose ɀeɀiʋi, kana rimŋe ropa raɀo rakaiswa mutente rokusoŋgana kuzoyananisira panɀimbo tȿene, ŋgaɀirege kudyiwa; ɀinofanira kupiswa nomŋoto.

Zvasarudzwa nguva ino

Revitiko 6: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda