Revitiko 5
5
1Kana munhu akatadza, ari capupu akapikirwa kupupura cinhu caakaʋona, kana caanoziʋa, akasaɗudza, ucaʋa nemhoȿa yake. 2Kunyaŋge kana munhu akaŋga aɓata cinhu cisakanaka, kana ciri citunha cemhuka isakanaka, kana citunha ceŋombe isakanaka, kana citunha ciɀinokambaira ɀisakanaka, ɀikasazikanwa naye, akaȿiɓiswa, ucaʋa nemhoȿa. 3Kana akaŋga aɓata ɀisakanaka ɀomunhu, kana ɀiri ɀisakanaka ɀipi neɀipi akaȿiɓiswa naɀo, ɀikasazikanwa naye; kana akazoɀiziʋa, ucaʋa nemhoȿa. 4Kana munhu akapika nomuromo wake, asiŋgafuŋgi kwaɀo, kundoita ɀakaipa kana kundoita ɀakanaka, cinhu cipi necipi caakapika, asiŋgafuŋgi kwaɀo, cikasazikanwa naye; kana akazociziʋa, ucaʋa nemhoȿa kunecimŋe caiɀoɀo; 5ɀino kana akaʋa nemhoȿa kunecimŋe caiɀoɀo, unofanira kuɀireʋurura ɀaakatadza. 6Ɀino ŋgaaʋuye necipiriso cake cemhoȿa pamberi paJehova pamsoro peɀiʋi ɀake ɀaakatadza, ŋgaiʋe hadzi yeɀipfuwo ɀiɗuku, kana gwaiana kana mbudzana, ciʋe cipiriso ceɀiʋi; muprista ŋgaamuyananisire pamsoro peɀiʋi ɀake. 7Kana asiŋgagoni kuʋuya negwaiana, ŋgaaʋigire Jehova njiʋa mbiri, kana twana tuʋiri twenjiʋa, ciʋe cipiriso cemhoȿa yake yaakatadza; imŋe iʋe cipiriso ceɀiʋi, imŋe cipiriso cinopiswa. 8Ɀino ŋgaaʋuye nadzo kumuprista, iye ataŋge kuɓaya imŋe yecipiriso ceɀiʋi, agure musoro wayo pamutsipa, asi arege kuiparadzanisa; 9ɀino ŋgaasase ropa recipiriso ceɀiʋi kurutiʋi rweartari, asi ropa rakasara riȿinirwe mujiŋga meartari; cipiriso ceɀiʋi. 10Yecipiri ŋgaaite nayo cipiriso cinopiswa, seɀamakarairwa; muprista amuyananisire pamsoro peɀiʋi ɀaakatadza, akaŋganwirwe.
11Asi kana akasagona kuʋuya nenjiʋa mbiri, kana notwana tuʋiri twenjiʋa, ŋgaaʋuye necipiriso cake pamsoro pokutadza kwake, ciʋe cegumi ceefa yoʋupfu bgakatsetseka, ciʋe cipiriso ceɀiʋi; ŋgaarege kuɗira mafuta pamsoro pabgo, kana kuisa ɀinonhuwira pamsoro pabgo, nokuti cipiriso ceɀiʋi. 12Ɀino ŋgaaʋuye nabgo kumuprista, muprista atsamure tsama imŋe yabgo, ciʋe cokuraŋgaridza caco; ɀino ŋgaabguise pamsoro peartari, seɀinoitwa neɀimŋe ɀipiriso ɀaJehova ɀinoitwa nomŋoto; cipiriso ceɀiʋi. 13Muprista unofanira kumuyananisira pamsoro peɀiʋi ɀake ɀaakatadza pacinhu cimŋe caiɀoɀo, akaŋganwirwe. Ɀakasara ŋgaɀiʋe ɀomuprista, seɀinoitwa necipiriso coʋupfu.
14Ɀino Jehova wakataura naMosesi, akati: 15Kana munhu akaɗarika, akatadza nokusaziʋa paɀinhu ɀitȿene ɀaJehova, ŋgaaʋuye kunaJehova necipiriso cemhoȿa yake, cegondobge risinemhoȿa ramakwai ake, ucimutarira mashekeri esirveri ucienzanisa neshekeri#5:15 Shekeri rimŋe mari ineŋge mashereni maʋiri nesisipenzi. rapanɀimbo tȿene; ciʋe cipiriso cemhoȿa. 16Ŋgaatsiʋe cinhu caakatadza pacinhu citȿene, awedzere paciri cimŋe ceshanu caco, acipe muprista, muprista agomuyananisira negondobge recipiriso cemhoȿa, akaŋganwirwe.
17Kana munhu akatadza, akaita cinhu cimŋe ceɀinhu ɀakaŋga ɀarairwa naJehova kuti ɀirege kuitwa; kunyaŋge asina‐kuziʋa, unemhoȿa, mhaka unayo. 18Ŋgaaʋuye kumuprista negondobge ramakwai ake risinemhoȿa, seɀaunofuŋga iwe, ciʋe cipiriso cemhoȿa, muprista agomuyananisira pamsoro pecinhu caakaŋga atadza nokusaziʋa, asiŋgaɀiʋi, akaŋganwirwe. 19Cipiriso cemhoȿa; ɀirokwaɀo unemhoȿa pamberi paJehova.
Zvasarudzwa nguva ino
Revitiko 5: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018