Revitiko 12
12
Mirairo yokunatswa kwaʋakadzi.
1Ɀino Jehova wakataura naMosesi, akati: 2Taura naʋana ʋaIsraeri, uti: Kana mukadzi akaʋa nemimba, akapona mŋanakomana, ucaʋa usina‐kunaka mazuʋa manomŋe, ucaʋa usina‐kunaka sapaŋguʋa yaari kumŋedzi. 3Nomusi worusere mŋanakomana unofanira kudziŋgiswa cikanda cake capamberi. 4Ɀino mukadzi unofanira kugara mazuʋa makumi matatu namatatu aciɀinatsa paropa rake; ŋgaarege kuɓata cinhu citȿene, kana kupinda paimba tȿene, kuȿikira mazuʋa okuɀinatsa kwake apera. 5Asi kana akapona mŋana womusikana, ucaʋa usina‐kunaka viki mbiri, sapamazuʋa okuʋa kwake kumŋedzi; ŋgaagare aciɀinatsa paropa rake mazuʋa anamakumi matanhatu namatanhatu. 6Kana mazuʋa okuɀinatsa kwake apera pakupona mŋanakomana kana mŋanasikana, ŋgaaʋuye negwaiana regore rimŋe, kuti ciʋe cipiriso cinopiswa, nakana kenjiʋa, kana vukutiʋa, kuti ciʋe cipiriso ceɀiʋi, kumukoʋa wetente rokusoŋgana kumuprista; 7agociɓayira pamberi paJehova, kumuyananisira; ɀino wanatswa pakuyerera kweropa rake. Ndiwo murairo kunounopona mŋana womukomana kana womusikana. 8Kana akasakwanisa kuʋuya negwaiana, ŋgaatore njiʋa mbiri kana twana tuʋiri twenjiʋa; imŋe ciʋe cipiriso cinopiswa, neimŋe cipiriso ceɀiʋi; kuti muprista amuyananisire, anake.
Zvasarudzwa nguva ino
Revitiko 12: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018