Revitiko 1
1
Mirairo yeɀipiriso ɀinopiswa.
1Ɀino Jehova wakaɗana Mosesi, akataura naye ari mutente rokusoŋgana, akati: 2Taura naʋana ʋaIsraeri, uti kwaʋari: Kana mumŋe wenyu aciɗa kuʋigira Jehova cipo cake, munofanira kumuʋigira ɀipo ɀenyu ɀeɀipfuwo, kana ɀeŋombe kana ɀamakwai.
3Kana cipo cake ciri cipiriso cinopiswa ceŋombe, unofanira kuʋigira mukono usinemhoȿa; ŋgaaciɓayire pamukoʋa wetente rokusoŋgana, kuti agamucirwe pamberi paJehova. 4Ɀino ŋgaaise ruʋoko rwake pamusoro wecipiriso cinopiswa, kuti cigamucirwe panɀimbo yake, cimuyananisire. 5Ŋgaaɓaye nzombe pamberi paJehova, ʋanakomana ʋaAroni, ʋaprista, ʋagoʋuya neropa, ʋasase ropa kunhiʋi dzose dzeartari, iri pamukoʋa wetente rokusoŋgana. 6Ɀino ŋgaaviye cipiriso cinopiswa, nokucigura‐gura. 7Ɀino ʋanakomana ʋaAroni, muprista, ŋgaʋaise mŋoto paartari, nokugadzira ʋo huni pamsoro pomŋoto. 8Ipapo ʋanakomana ʋaAroni, ʋaprista, ʋanofanira kugadzira nhindi, nomusoro, namafuta pamsoro pehuni dziri pamŋoto uri pamsoro peartari. 9Asi ŋgaasuke ʋura bgaco namakumbo aco nemvura, muprista agopisa ɀose paartari, ciʋe cipiriso cinopiswa, cipiriso cinoitwa nomŋoto, cinonhuwira ɀakanaka kunaJehova.
10Kana cipo cake ciri cipiriso cinopiswa ceɀipfuwo ɀiɗuku ɀamakwai kana mbudzi, unofanira kuʋigira mukono usinemhoȿa. 11Ŋgaaciɓaye parutiʋi rweartari necokumsoro pamberi paJehova; ɀino ʋanakomana ʋaAroni, ʋaprista, ʋanofanira kusasa ropa raco kunhiʋi dzose dzeartari. 12Ipapo unofanira kugura‐gura nhindi pamŋe cete nomusoro waco namafuta aco, muprista agoɀigadzira pamsoro pehuni dziri pamŋoto pamsoro peartari. 13Asi ʋura namakumbo ŋgaaɀisuke nemvura, muprista agoɀiɓayira ɀose, nokuɀipisira paartari, kuti ciʋe cipiriso cinopiswa, cipiriso cakaitwa nomŋoto, cinonhuwira ɀakanaka kunaJehova.
14Kana cipo cake kunaJehova ciri cipiriso cinopiswa ceshiri, ŋgaaʋigire ciɓayiro cake cenjiʋa, kana twana twenjiʋa. 15Ɀino muprista unofanira kuciisa paartari, ndokugura musoro ndokuupisa paartari, agoɗonhedzera ropa raco parutiʋi rweartari; 16ɀino unofanira kutora cihururu cayo neminheŋga yayo, ndokuɀirasha kurutiʋi rweartari kumaɓuɗazuʋa kunorashwa maɗota. 17Ipapo unofanira kuibvambura namapapiro ayo asiŋgaiparadzanisi, muprista agoipisa paartari pamsoro pehuni dziri pamŋoto; ico cipiriso cinopiswa, cipiriso cakaitwa nomŋoto, cinonhuwira ɀakanaka kunaJehova.
Zvasarudzwa nguva ino
Revitiko 1: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018