Eksodo 40
40
Mosesi unomisa Tabernakeri.
1Ɀino Jehova wakataura naMosesi, akati: 2Nomusi wokutaŋga womŋedzi unofanira kumisa tabernakeri netente rokusoŋgana. 3Unofanira kuisa mukati mayo areka yecipupuriro, nokudzitira areka necidzitiro 4Upinze ʋo tafura, nokugadzira ɀinhu ɀinofanira kuʋa pamsoro payo; upinze ʋo cigadziko cemŋenje, ugotuŋgidza mŋenje yaco. 5Uise ʋo artari yendarama yeɀinonhuwira pamberi peareka yecipupuriro, ugoisa cidzitiro comukoʋa wetabernakeri. 6Ɀino uise ʋo artari yeɀiɓayiro ɀinopiswa pamberi pomukoʋa wetabernakeri yetente rokusoŋgana. 7Uise ʋo mudziyo wokushambidzira pakati petente rokusoŋgana neartari, ugoɗira mvura mukati mawo. 8Ɀino ugadzire ʋo ruʋazhe nokurembedza cidzitiro cesuʋo roruʋazhe. 9Utore ʋo mafuta okuzodza nawo, uzodze tabernakeri nawo, neɀose ɀiri mukati mayo; ugoitsaura, iyo neɀose ɀiri’mo, kuti ciʋe cinhu citȿene. 10Uzodze ʋo artari neɀiɓayiro ɀinopiswa, nemidziyo yayo yose, kuti utsaure artari, artari ciʋe cinhu citȿene‐tȿene. 11Uzodze ʋo mudziyo wokushambidzira necigadziko cawo, uutsaure. 12Ɀino usweɗedze Aroni naʋanakomana ʋake kumukoʋa wetente rokusoŋgana, ugoʋashambidza nemvura. 13Ipapo ufukidze Aroni ŋguʋo tȿene, ugomuzodza nokumutsaura, kuti andishumire paɓasa roʋuprista. 14Usweɗedze ʋo ʋanakomana ʋake, ugoʋafukidza ŋguʋo. 15Uʋazodze, seɀawazodza ɓaɓa ʋaʋo, kuti ʋandishumire paɓasa roʋuprista; kuzodzwa kwaʋo kunofanira kuʋa kwaʋari ʋuprista nokusiŋgaperi, kuȿikira kumarudzi aʋo ose. 16Mosesi akaita saiɀoɀo; ɀose ɀaakaŋga arairwa naJehova, wakaɀiita saiɀoɀo.
17Tabernakeri ikamiswa nomŋedzi wokutaŋga wegore recipiri nomusi wokutaŋga womŋedzi. 18Mosesi akamisa tabernakeri, akaisa ɀigadziko ɀayo, akamisa mapuraŋga ayo, akaisa mbariro dzayo, nokumisa mbiru dzayo. 19Akawarira tente pamsoro petabernakeri, akaisa cifukidzo cetente pamsoro payo, seɀakaŋga ɀarairwa Mosesi naJehova. 20Akatora cipupuriro, akaciisa muareka, akapinza matanda paareka, akaisa cifunhiro cokuyananisa pamsoro peareka; 21akapinza areka mutabernakeri, akarembedza cidzitiro cokudzitira naco, akadzitira areka yecipupuriro; seɀakaŋga ɀarairwa Mosesi naJehova. 22Akaisa tafura mutente rokusoŋgana, kurutiʋi rwetabernakeri necokumsoro, kunze kwecidzitiro. 23Akagadzira ʋo ciŋgwa pamsoro payo pamberi paJehova, seɀakaŋga ɀarairwa Mosesi naJehova. 24Akaisa cigadziko cemŋenje mutente rokusoŋgana, cakatarisana netafura, kurutiʋi rwetabernakeri necenyasi. 25Akatuŋgidza mŋenje pamberi paJehova, seɀakaŋga ɀarairwa Mosesi naJehova. 26Akaisa artari yendarama mutente rokusoŋgana pamberi pecidzitiro; 27akapisira’po ɀinonhuwira ɀemiti yakanaka, seɀakaŋga ɀarairwa Mosesi naJehova. 28Akagadzira ɀirembedzwa ɀomukoʋa wetabernakeri. 29Akaisa artari yeɀipiriso ɀinopiswa pamukoʋa wetabernakeri yetente rokusoŋgana, akapisira pamsoro payo cipiriso cinopiswa, necipiriso coʋupfu; seɀakaŋga ɀarairwa Mosesi naJehova. 30Akaisa mudziyo wokushambidzira pakati petente rokusoŋgana neartari, akaisa mukati mayo mvura yokushambidza nayo. 31Ipapo Mosesi naAroni naʋanakomana ʋake ʋakashamba maʋoko aʋo netsoka dzaʋo’po; 32pakupinda kwaʋo mutente rokusoŋgana, napakusweɗera kwaʋo kuartari, ʋaishamba, seɀakaŋga ɀarairwa Mosesi naJehova. 33Akagadzira ʋo ruʋazhe rwaipotedza tabernakeri neartari, akarembedza cidzitiro cesuʋo roruʋazhe. Naiɀoɀo Mosesi akapedza ɓasa rose.
34Ipapo gore rakafukidza tente rokusoŋgana, kubginya kwaJehova kukazadza tabernakeri. 35Mosesi akasagona kupinda mutente rokusoŋgana, nokuti gore rakaramba rigere pamsoro paro ʋuye kubginya kwaJehova kwakaŋga kwazadza tabernakeri. 36Ɀino kana gore rokwidzwa ricibva pamsoro petabernakeri, ʋana ʋaIsraeri ʋakapfuʋura ʋacifamba nzendo dzaʋo dzose. 37Asi kana gore risina‐kukwidzwa, haʋana‐kufamba, kuȿikira musi warinozokwidzwa. 38Nokuti gore raJehova rakaŋga riri pamsoro petabernakeri masikati, nomŋoto waiʋa mariri ʋusiku, pamberi paʋose ʋeimba yaIsraeri panzendo dzaʋo dzose.
Zvasarudzwa nguva ino
Eksodo 40: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018