Revitiko 2
2
Cipiriso coʋupfu neceɀitȿa.
1Kana munhu aciʋuya kunaJehova necipo coʋupfu, cipo cake ŋgaciʋe coʋupfu bgakatsetseka; ɀino ŋgaaɗire mafuta pamsoro paco, agoisa ʋo ɀinonhuwira pamsoro paco. 2Ipapo ŋgaaciise kuʋanakomana ʋaAroni, ʋaprista; iye atsamure tsama yake imŋe yoʋupfu bgakatsetseka namafuta neɀinonhuwira ɀiri’po, muprista agoɀipisa paartari, ciʋe cokuraŋgaridza cipo ico, cipiriso cakaitwa nomŋoto, cinonhuwira ɀakanaka kunaJehova. 3Ɀakasara pacipiriso coʋupfu ɀicaʋa ɀaAroni naʋanakomana ʋake; ico cinhu citȿene‐tȿene pakati peɀipiriso ɀaJehova ɀakaitwa nomŋoto.
4Kana uciʋuya necipo coʋupfu cakaɓikwa mucoto, ŋgaciʋe ceɀiŋgwa ɀisina‐kuʋiriswa ɀoʋupfu bgakatsetseka, bgakakanyiwa namafuta, neɀiŋgwa ɀitete ɀisina‐kuʋiriswa ɀakazodzwa mafuta. 5Kana cipo cako ciri cipiriso coʋupfu cakaɓikwa mugaŋgo, ŋgaciʋe coʋupfu bgakatsetseka, bgusina‐kuʋiriswa, bgakakanyiwa namafuta. 6Unofanira kucimeɗura, nokuɗira mafuta pamsoro paco; ndico cipiriso coʋupfu. 7Kana cipo cako ciri cipiriso coʋupfu cakaɓikwa muhari, ŋgaciitwe noʋupfu bgakatsetseka namafuta. 8Unofanira kuʋuya kunaJehova necipiriso coʋupfu cakaitwa neɀinhu iɀi; ŋgacipiwe muprista, iye agociisa paartari. 9Ɀino muprista ŋgaatsamure pacipiriso coʋupfu cokuraŋgaridza caco, acipisire pamsoro peartari; ico cipiriso cinoitwa nomŋoto, cinonhuwira ɀakanaka kunaJehova. 10Ɀakasara pacipiriso coʋupfu ŋgaɀiʋe ɀaAroni naʋanakomana ʋake; ico cinhu citȿene‐tȿene pakati peɀipiriso ɀaJehova ɀinoitwa nomŋoto. 11Cipiriso cipi necipi coʋupfu camunoʋuya naco kunaJehova ŋgacirege kuitwa nembiriso, nokuti hamufaniri kupisira Jehova cipiriso cinoitwa nomŋoto cinembiriso kana ʋuci. 12Muŋgaɀiʋigira Jehova ɀiri ɀipiriso ɀeɀitȿa ɀenyu, asi ŋgaɀirege kuiswa paartari kuti ɀiʋe ɀinonhuwira ɀakanaka. 13Ɀipiriso ɀako ɀose ɀoʋupfu unofanira kuɀiruŋga nomunyu; usarega kuisa munyu wesuŋgano yaMŋari wako pacipiriso cako coʋupfu, asi uise munyu paɀipiriso ɀako ɀose.
14Kana uciʋigira Jehova cipiriso coʋupfu ceɀitȿa, uʋuye nehura dzeɀiyo dzakakaŋgiwa pamŋoto, ɀiyo ɀakaswiwa ɀehura itȿa, ciʋe cipiriso coʋupfu ceɀitȿa. 15Unofanira kuisa mafuta pamsoro paco, nokuisa ʋo ɀinonhuwira pamsoro paco, kuti ciʋe cipiriso coʋupfu. 16Ɀino muprista ŋgaapise cokuraŋgaridza caco, ɀimŋe ɀeɀiyo ɀaco ɀakaswiwa, neɀimŋe ɀamafuta aco, pamŋe cete neɀinonhuwira ɀaco; cipiriso cinoitirwa Jehova nomŋoto.
Zvasarudzwa nguva ino
Revitiko 2: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018