Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Joshua 7

7
Kutadza kwaAkani nokurobga kwake.
1Asi ʋana ʋaIsraeri ʋakaɗarika pacinhu cakayeriswa; nokuti Akani, mŋanakomana waKarmi, mŋanakomana waZabdi, mŋanakomana waZera, worudzi rwaJuda, wakatora cinhu ceɀakayeriswa; kutsamŋa kwaJehova kukamukira ʋana ʋaIsraeri.
2Joshua akatuma ʋarume ʋabve Jeriko ʋaende Ai, guta riri parutiʋi rweBeti‐aveni, kumabvazuʋa eBeteri, akataura naʋo, akati: Kwirai, mundoshora nyika. Ʋarume ʋakakwira, ʋakandoshora Ai. 3Ʋakadzokera kunaJoshua, ʋakati kwaari: Ʋanhu ʋose ŋgaʋarege kukwira; ʋarume ʋaneŋge ɀuru ɀiʋiri kana ɀitatu ŋgaʋaende kundorwa neAi, asi ʋanhu ʋose ŋgaʋarege haʋo kutambudzwa kuenda’ko, nokuti ʋashoma haʋo. 4Naiɀoɀo ʋarume ʋaneŋge ɀuru ɀiʋiri kana ɀitatu ʋakaenda’ko, iʋo ʋakatiza pamberi paʋarume ʋeAi. 5Ʋarume ʋeAi ʋakaʋuraya ʋarume ʋaneŋge makumi matatu naʋatanhatu ʋaʋo, ʋakaʋateʋerera kubva pamberi pesuʋo kuȿikira Shebarimi, ʋaciʋaʋuraya pakuɓuruka kwaʋo; ipapo mŋoyo yaʋanhu yakanyauka, ikaita semvura. 6Ɀino Joshua akabvarura ŋguʋo dzake, akawira pasi neciso cake pamberi peareka yaJehova kuȿikira maɗekwana, iye naʋakuru ʋaʋaIsraeri, ʋakaisa guruʋa pamisoro yaʋo. 7Joshua akati: Haiwa! Ishe Mŋari, makayambusireiko ʋanhu aʋa paJoridani, kuti mutiise mumaʋoko aʋaAmori, ʋatiparadze? Ƌai takatenda heɗu kugara mhiri kwaJoridani! 8Haiwa, Ishe, ndicati kuɗiniko, ʋaIsraeri ɀaʋakafuratira ʋaʋeŋgi ʋaʋo! 9Nokuti ʋaKanani naʋose ʋagere munyika ino ʋacaɀinzwa, ʋacatikomba, nokudzima zita reɗu panyika; ɀino zita renyu guru mucariiteiko? 10Ipapo Jehova akati kunaJoshua: Simuka, wawireiko kuɗai paciso cako? 11ƲaIsraeri ʋatadza, ʋaɗarika suŋgano yaŋgu yandakaʋaraira; ʋatora cinhu cakayeriswa, ʋaɓa ʋo, nokunyeŋgera, nokuciʋiga pakati penhumbi dzaʋo. 12Naiɀoɀo ʋana ʋaIsraeri haʋaŋgagoni kukunda ʋaʋeŋgi ʋaʋo, ʋanofuratira ʋaʋeŋgi ʋaʋo, nokuti ʋaʋa ʋanhu ʋakatukwa; handicazoʋi nemi, kana musiŋgaparadzi cinhu cakayeriswa pakati penyu. 13Simuka, utsaure ʋanhu, uti: Ɀitsaurirei maŋgwana, nokuti ɀanzi naJehova Mŋari waIsraeri: Kunecinhu cakayeriswa pakati penyu, Israeri; hamuŋgakundi ʋaʋeŋgi ʋenyu, kuȿikira mabvisa cinhu cakayeriswa pakati penyu. 14Naiɀoɀo maŋgwana munofanira kusweɗera namarudzi enyu; ɀino rudzi runoɓatwa naJehova, runofanira kusweɗera nedzimba dzarwo, neimba inoɓatwa naJehova, inofanira kusweɗera nemhuri dzayo, nemhuri inoɓatwa naJehova, inofanira kusweɗera murume mumŋe nomumŋe. 15Ɀino uyo unoɓatwa anecinhu cakayeriswa, unofanira kupiswa nomŋoto, iye neɀose ɀaanaɀo; nokuti wakaɗarika suŋgano yaJehova, ʋuye nokuti wakaita cinhu cakaipa kwaɀo pakati paIsraeri.
16Naiɀoɀo Joshua wakamuka maŋgwanani, akaswededza ʋaIsraeri namarudzi aʋo; rudzi rwaJuda ndokuɓatwa; 17ɀino akasweɗedza dzimba dzaJuda, imba yaZera ikaɓatwa; ɀino akasweɗedza murume mumŋe nomumŋe weimba yaʋaZera, Zabdi akaɓatwa; 18ɀino akasweɗedza mhuri yake, murume mumŋe nomumŋe, Akani mŋanakomana waKarmi, mŋanakomana waZabdi, mŋanakomana waZera, worudzi rwaJuda akaɓatwa. 19Ɀino Joshua akati kunaAkani: Mŋana waŋgu, cikudza Jehova Mŋari waIsraeri, uɀireʋurure kwaari; ndiʋudze ɀino ɀawakaita, usandiʋanzira iɀo. 20Ipapo Akani akapindura Joshua, akati: Ɀirokwaɀo, ndakatadzira Jehova Mŋari waIsraeri, ndakaita ɀokuti neɀokuti; 21ndakaʋona pakati peɀakapambga ŋguʋo yakanaka, inobva Babironi, nesirveri yakaȿika mashekeri anamazana maʋiri,#7:21 Mari ineŋge £25. norurimi rwendarama rwakaȿika mashekeri anamakumi mashanu#7:21 Kurema kuneŋge mapaundi maʋiri nehafu. pakuyerwa kwarwo; ipapo ndakaɀicocora, ndikaɀitora; tarirai, ɀakaʋigwa pasi mutente raŋgu, sirveri iri pasi paɀo. 22Naiɀoɀo Joshua akatuma nhume, iʋo ʋakamhanyira kutente rake, ʋakandowana ɀakaʋigwa mutente rake, sirveri iri pasi paɀo. 23Ʋakaɀibvisa mutente, ʋakaɀiisa kunaJoshua, nokuʋana ʋaIsraeri ʋose, ʋakaɀiisa pasi pamberi paJehova. 24Ipapo Joshua naʋaIsraeri ʋose ʋakaŋga ʋanaye ʋakatora Akani, mŋanakomana waZera, nesirveri, neŋguʋo, nemboŋgoro dzake, namakwai ake, netente rake, neɀose ɀaakaŋga anaɀo, ʋakakwira naʋo kumupata weAkori. 25Ɀino Joshua akati: Wakatipinzireiko paɗambudziko? Jehova ucakupinza paɗambudziko nhasi. Ipapo ʋaIsraeri ʋose ʋakamutaka namabge, ʋakaʋapisa nomŋoto, nokuʋataka namabge. 26ʋakaʋuŋganidza pamsoro pake mabge akaita murwi mukuru uri’po kuȿikira nhasi; Jehova akaɀidzora pakutsamŋa kwake kukuru. Naiɀoɀo zita renɀimbo iyo rakanzi Mupata weAkori kuȿikira nhasi.

Zvasarudzwa nguva ino

Joshua 7: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda