Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Joshua 8

8
Kuputswa kweguta reAi.
1Ɀino Jehova wakati kunaJoshua: Usatya, kana kuvunduswa; tora ʋanhu ʋose ʋehondo, musimuke, mukwire Ai; tarira, ndaisa muruʋoko rwako mambo weAi naʋanhu ʋake, neguta rake, nenyika yake. 2Unofanira kuitira Ai seɀawakaitira Jeriko namambo waro; asi munofanira kutapa ɀiŋgatapxa ɀaro, neŋombe dzaro, ɀiʋe ɀenyu; uɀigadzirire ʋaŋgaʋandira guta neceseri kwaro. 3Naiɀoɀo Joshua akasimuka, naʋarume ʋose ʋehondo, kuti ʋakwire Ai; Joshua akatsaura ʋarume ʋaneɀuru ɀinamakumi matatu, ʋarume ʋanesimba noʋumhare, akaʋatuma ʋusiku. 4Akaʋaraira, akati: Tarirai, munofanira kundoʋandira guta neceseri kwaro; musaenda kure neguta, asi mugare makaɀigadzira mose; 5ɀino ini naʋanhu ʋose ʋandinaʋo, ticasweɗera kuguta; ɀino kana ʋaciɓuɗa kuzorwa nesu, sapakutaŋga, isu ticatiza pamberi paʋo; 6ipapo ʋacaɓuɗa, ʋacititeʋera, kuȿikira taʋanyeŋgera kure neguta; nokuti ʋacati: Ʋanotiza pamberi peɗu sapakutaŋga; nesu ticatiza pamberi paʋo; 7ipapo imi munofanira kusimuka pamakaŋga makaʋandira, mundokunda guta, nokuti Jehova Mŋari wenyu ucariisa mumaʋoko enyu. 8Ɀino kana makunda guta, munofanira kuripisa nomŋoto; munofanira kuita seɀakarebga naJehova; tarirai, ndakurairai. 9Ɀino Joshua akaʋatuma, ʋakaenda kundoʋanda, ʋakagara pakati peBeteri neAi, kurutiʋi rwamaʋirazuʋa rweAi; asi Joshua wakaʋata pakati paʋanhu ʋusiku ubgo.
10Ɀino Joshua akamuka maŋgwanani, akaʋuŋganidza ʋanhu, akakwira iye naʋakuru ʋaIsraeri, ʋakatuŋgamirira ʋanhu kuenda Ai. 11Naʋarume ʋose ʋehondo ʋaakaŋga anaʋo, ʋakakwira, ʋakasweɗera pamberi peguta, ʋakadzika matente aʋo kurutiʋi rwokumsoro rweAi. Ɀino kwakaŋga kunomupata pakati pake neAi. 12Akatsaura ʋarume ʋaneŋge ɀuru ɀishanu, akaʋaraira kuʋanda pakati peBeteri neAi, kurutiʋi rwamaʋirazuʋa rweguta. 13Naiɀoɀo ʋakaraira ʋanhu, iyo hondo yose yaiʋa kurutiʋi rwokumsoro rweguta, naʋaiʋanda kurutiʋi rwamaʋirazuʋa rweguta; asi Joshua wakaenda ʋusiku ubgo pakati pomupata. 14Ɀino mambo weAi wakati aʋona iɀoɀo, ʋakakurumidza kumuka maŋgwanani, ʋarume ʋeguta ʋakaɓuɗa kundorwa naIsraeri, iye naʋanhu ʋake ʋose, panɀimbo yakaŋga yatarwa, paMupata; asi haana‐kuziʋa kuti kwakaŋga kunaʋaʋandiri neceseri kweguta. 15Ɀino Joshua naʋaIsraeri ʋose ʋakaita saʋakundwa naʋo, ʋakatiza nenzira yerenje. 16Ipapo ʋanhu ʋose ʋakaŋga ʋari muguta ʋakakokwa kundoʋateʋera; ʋakateʋera Joshua, ʋakanyeŋgerwa kure neguta. 17Kwakaŋga kusinomunhu wakasara paAi neBeteri, asina‐kuɓuɗa kundoteʋera Israeri; ʋakasiya guta rakashama, ʋakateʋera Israeri. 18Ɀino Jehova akati kunaJoshua: Tambanudzira pfumo riri muruʋoko rwako kurutiʋi rweAi, nokuti ndicariisa muruʋoko rwako. Joshua akatambanudzira pfumo rakaŋga riri muruʋoko rwake kurutiʋi rweguta; 19ipapo ʋaʋandiri ʋakakurumidza kusimuka paʋakaŋga ʋagere, ʋakamhanya pakarepo pakutambanudza kwake ruʋoko rwake, ʋakapinda muguta, ʋakarikunda; ʋakakurumidza kupisa guta. 20Ɀino ʋarume ʋeAi ʋakati ʋaciceuka, ʋonei ʋutsi bgeguta bgucikwira kuɗeŋga, ʋakashaiwa kwaʋaŋgatizira kupi nokupi; naʋanhu ʋakaŋga ʋatizira kurenje ʋakadzoka kuzorwa naʋaiʋateʋera. 21Ɀino Joshua naʋaIsraeri ʋose ʋakati ʋaʋona kuti ʋaʋandiri ʋakunda guta, ʋuye kuti ʋutsi bgeguta bgokwira kuɗeŋga, ʋakadzoka ɀe kuzoʋuraya ʋarume ʋeAi. 22Naʋamŋe ʋakaɓuɗa muguta kuzorwa naʋo; naiɀoɀo ʋakaŋga ʋari pakati paʋaIsraeri, ʋamŋe necoʋuno ʋamŋe necokoko; ʋakaʋaʋuraya, kuȿikira ʋasina‐kurega mumŋe waʋo ari mupenyu, kana wakatiza. 23Ʋakaɓata mambo weAi, aciri mupenyu, ʋakamuisa kunaJoshua. 24Ɀino ʋaIsraeri ʋakati ʋapedza kuʋuraya nomunondo unopinza ʋanhu ʋose ʋeAi kusaŋgo, kurenje kwaʋakaŋga ʋaʋateʋerera, kuȿikira ʋapera, ʋaIsraeri ʋakadzokera Ai, ʋakariparadza nomunondo unopinza. 25Ʋose ʋakaʋurawa nomusi iwoyo, ʋarume naʋakadzi, ʋakaŋga ʋaneɀuru ɀinegumi neɀiʋiri, iʋo ʋarume ʋose ʋeAi, 26nokuti Joshua haana‐kudzosa ruʋoko rwake, rwaakaŋga akatambanudza pfumo, kuȿikira aparadza cose ʋanhu ʋeAi. 27Asi ŋombe neɀiŋgatapxa ɀeguta iro ʋaIsraeri ʋakaɀitapa kuti ɀiʋe ɀaʋo, seɀakarebga neshoko raJehova, raakaraira Joshua. 28Naiɀoɀo Joshua akapisa Ai, akariita murwi uŋgaʋa’po nokusiŋgaperi, neɗoŋgo kuȿikira nhasi. 29Akasuŋgirira mambo weAi pamuti kuȿikira maɗekwana; asi pakuʋira kwezuʋa Joshua akaʋaraira, ʋakaturura citunha cake pamuti, ʋakacikanda panopindwa napo pasuʋo reguta, ʋakatutira pamsoro paco murwi mukuru wamabge; ari’po kuȿikira nhasi.
30Ɀino Joshua wakaʋakira Jehova Mŋari waIsraeri artari pagomo reEbari, 31seɀakaŋga ɀarairwa ʋana ʋaIsraeri naMosesi, muranda waJehova, seɀakanyorwa mubuku yomurairo waMosesi; yakaŋga iri artari yamabge asina‐kuʋezwa; hakunomunhu wakaŋga asimudzira ɗare pamsoro pawo; ʋakaɓayira’po Jehova ɀipiriso ɀinopiswa, nokuɓayira ʋo ɀipiriso ɀokuyananisa. 32Akanyora ɀe ipapo pamabge murairo waMosesi, waakanyora pamberi paʋaIsraeri. 33ƲaIsraeri ʋose naʋakuru ʋaʋo naʋatariri ʋaʋo, naʋatoŋgi ʋaʋo ʋakamira paareka necoʋuno neceseri, pamberi paʋaprista ʋaRevi, ʋaisitakura areka yesuŋgano yaJehova, pamŋe cete naʋatorwa naʋakaŋga ʋaɓerekerwa munyika; hafu yaʋo pamberi pegomo reGerizimi, nehafu yaʋo pamberi pegomo reEbari; seɀakaŋga ɀarairwa naMosesi, muranda waJehova, kuti ʋataŋge kuropafadza ʋana ʋaIsraeri. 34Pashure akaraʋa mashoko ose omurairo, okuropafadza nookutuka, seɀaɀakanyorwa ɀose mubuku yomurairo. 35Kwakaŋga kusineshoko rimŋe, paɀose ɀakaŋga ɀarairwa naMosesi, risina‐kurabga naJoshua pamberi peʋuŋgano yose yaʋaIsraeri, naʋakadzi naʋana, naʋatorwa ʋakaŋga ʋagere pakati paʋo.

Zvasarudzwa nguva ino

Joshua 8: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda