Joshua 9
9
ƲaIsraeri ʋanonyeŋgedzerwa naʋaGibeoni.
1Ɀino madzimambo ose akaŋga agere mhiri kwaJoridani, panyika yamakomo nenyika yamapani, napamhenderekedzo dzose dzeguŋgwa guru pamberi peRebanoni, ʋaHeti, naʋaAmori, naʋaKanani, naʋaPerezi, naʋaHivi, naʋaJebusi, ʋakati ʋacinzwa iɀoɀo, 2ʋakaʋuŋgana nomŋoyo mumŋe kundorwa naJoshua naʋaIsraeri.
3Asi ʋanhu ʋeGibeoni ʋakati ʋacinzwa ɀakaŋga ɀaitirwa Jeriko neAi naJoshua, 4ʋakatȿaka mano, ʋakaenda senhume, ʋakaenda nehomo dzakasakara pamsoro pemboŋgoro dzaʋo, nehomboɗo dzewaini dzakasakara, dzakaŋga dzakaparuka, nokusonanidzwa ɀe; 5neshaŋgu dzakasakara, dzaiʋa neɀiremo patsoka dzaʋo, neŋguʋo dzakasakara; ɀiŋgwa ɀaʋo ɀose ɀembuʋa yaʋo ɀakaŋga ɀakawoma nokuvuva. 6Ʋakaenda kunaJoshua kumisasa paGirgari, ʋakati kwaari nokuʋarume ʋaIsraeri: Tinobva kunyika iri kure; naiɀoɀo itai suŋgano nesu ɀino. 7Ʋarume ʋaIsraeri ʋakati kuʋaHivi: Ɀimŋe mugere pakati peɗu; tiŋgaita suŋgano nemi seiko? 8Iʋo ʋakati: Tiri ʋaranda ʋenyu. Joshua akati kwaʋari: Ndimi aniko? Munobvepi? 9Ʋakati: Ʋaranda ʋenyu ʋabva kunyika iri kure‐kure, nokuɗa kwezita raJehova Mŋari wenyu, nokuti takanzwa mukurumbira wake neɀose ɀaakaita Egipita. 10Ʋuye ɀose ɀaakaitira madzimambo maʋiri aʋaAmori, akaŋga ari mhiri kwaJoridani, naSihoni mambo weHeshboni, naOgi mambo weBashani, wakaŋga ari paAshtaroti. 11Ʋakuru ʋeɗu naʋanhu ʋose ʋenyika yeɗu ʋakataura nesu, ʋakati: Torai mbuʋa yenzira mumaʋoko enyu, mundosoŋgana naʋo, muti kwaʋari: Tiri ʋaranda ʋenyu; ɀino itai suŋgano nesu. 12Ɀiŋgwa iɀo ɀembuʋa yeɗu takaɀitora ɀicakapisa mudzimba dzeɗu musi watakaɓuɗa, ticiʋuya kwamuri; asi ɀino tarirai, ɀawoma, ɀavuva. 13Nehomboɗo idzi dzewaini, dzatakazadza, dzakaŋga dziri itȿa; tarirai, dzaparuka; neŋguʋo dzeɗu idzi, neshaŋgu dzeɗu ɀasakara nemhaka yorwendo rurefu‐refu. 14Ipapo ʋarume ʋakatora ɀimŋe ɀembuʋa yaʋo, ʋasiŋgabvunzi muromo waJehova. 15Joshua akayanana naʋo, akaita suŋgano naʋo, kuti ʋacaʋarega ʋari ʋapenyu; macinda eʋuŋgano akapika kwaʋari. 16Ɀino mazuʋa matatu akati apera, ʋaita suŋgano naʋo, ʋakanzwa kuti ʋagere pedyo naʋo napakati paʋo. 17ƲaIsraeri ʋakafamba, ʋakaȿika pamaguta aʋo nezuʋa retatu. Maguta aʋo aiʋa Gibeoni, neKefira, neBeroti, naKiriati‐jearimi. 18Ʋana ʋaIsraeri haʋana‐kuʋaparadza, nokuti macinda eʋuŋgano akaŋga apika kwaʋari naJehova Mŋari waIsraeri. Ʋuŋgano yose ikapopotera macinda. 19Asi macinda ose akati kuʋuŋgano yose: Takapika kwaʋari naJehova, Mŋari waIsraeri, naiɀoɀo ɀino hatigoni kuʋaitira cinhu. 20Ticaʋaitira cinhu ici, ticaʋarega ʋari ʋapenyu, kuti tirege kuwirwa nokutsamŋa kwaMŋari nokuɗa kwokupika, kwatakapika kwaʋari. 21Ɀino macinda akati kwaʋari: Ŋgaʋararame haʋo. Ʋakaʋa ʋatemi ʋehuni naʋateki ʋemvura ʋeʋuŋgano yose, seɀaʋakaʋudzwa namacinda. 22Ɀino Joshua akaʋaɗana, akataura naʋo, akati: Matinyeŋgedzerereiko, muciti: Takabva kure‐kure nemi, ɀamugere pakati peɗu? 23Naiɀoɀo ɀino muri ʋanhu ʋakatukwa, mucaŋgosiʋa ʋaranda naʋatemi ʋehuni naʋateki ʋemvura ʋeimba yaMŋari waŋgu. 24Ʋakapindura Joshua, ʋakati: Nokuti ʋaranda ʋenyu ʋakaŋga ʋaʋudzwa ɀirokwaɀo kuti Jehova Mŋari wenyu wakaŋga araira muranda wake Mosesi, kuti akupei nyika yose, nokuparadza ʋose ʋagere panyika ino pamberi penyu; naiɀoɀo takatya kwaɀo nokuɗa kwenyu kuti ticaʋurawa, tikaita cinhu ici. 25Ɀino tarirai, tiri pamaʋoko enyu, itai nesu seɀamunoti ndiɀo ɀakanaka neɀakarurama. 26Akaʋaitira saiɀoɀo, akaʋarwira pamaʋoko aʋana ʋaIsraeri, iʋo ʋakasaʋaʋuraya. 27Musi iwoyo Joshua akaʋaita ʋatemi ʋehuni naʋateki ʋemvura yeʋuŋgano neyeartari yaJehova, kuȿikira nhasi panɀimbo yaizotsaurwa naye.
Zvasarudzwa nguva ino
Joshua 9: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018