Joshua 14
14
Karebi unopiwa Hebroni.
1Ndidzo nhaka dzakagamucirwa naʋana ʋaIsraeri panyika yeKanani, dzaʋakagoʋerwa nomuprista Ereazari, naJoshua mŋanakomana waNuni, naʋakuru ʋedzimba dzamadziɓaɓa amarudzi aʋana ʋaIsraeri. 2Ʋakagoʋerwa nhaka yaʋo nemijenya, seɀaʋakarairwa naJehova nomuromo waMosesi, nhaka yamarudzi mapfumbamŋe nehafu. 3Nokuti Mosesi wakaŋga apa marudzi maʋiri nehafu nhaka yaʋo mhiri kwaJoridani; asi ʋaRevi haana‐kuʋapa nhaka pakati paʋo. 4Nokuti ʋana ʋaJosefa ʋakaŋga ʋanamarudzi maʋiri, rwaManase norwaEfraimi; haʋana‐kupa ʋaRevi mugoʋe munyika iyo, asi maguta maʋaŋgagara, namafuro awo eŋombe dzaʋo nefuma yaʋo. 5Ʋana ʋaIsraeri ʋakaita seɀakarairwa Mosesi naJehova, ʋakakamura nyika.
6Ɀino ʋana ʋaJuda ʋakasweɗera kunaJoshua paGirgari, Karebi mŋanakomana waJefune, muKenizi, akati kwaari: Unoziʋa shoko rakataurwa naJehova kunaMosesi munhu waMŋari, pamsoro paŋgu napamsoro pako, paKadeshi‐barnea. 7Ini ndakaŋga ndaȿika makore anamakumi manna ŋguʋa yandakatumŋa naMosesi muranda waJehova paKadeshi‐barnea kundoshora nyika, ndikadzoka neshoko kwaari seɀandakafuŋga ini. 8Asi hama dzaŋgu dzakaŋga dzakwira neni dzakaʋodza mŋoyo yaʋanhu; asi ini ndakateʋera Jehova Mŋari waŋgu nomŋoyo wose. 9Mosesi akapika nomusi uyo, akati: Ɀirokwaɀo, nyika yakatsikwa norutsoka rwako, icaʋa nhaka yako neyaʋana ʋako nokusiŋgaperi, nokuti wakateʋera Jehova Mŋari waŋgu nomŋoyo wako wose. 10Ɀino tarira, Jehova wakandiceŋgeta ndiri mupenyu, seɀaakataura, makore ano anamakumi manna namashanu kubva paŋguʋa Jehova yaakataura shoko iri kunaMosesi, ʋaIsraeri ʋacafamba murenje; ɀino, tarira, nhasi ndaʋa namakore anamakumi masere namashanu. 11Kunyaŋge ɀakaɗaro, nanhasi ndicinesimba seɀandakaŋga ndakaita nomusi wandakatumŋa naMosesi; seɀarakaŋga rakaita musi iwoyo, ndiɀo ɀakaita simba raŋgu nanhasi, kana rokurwa kana kuɓuɗa kana kupinda. 12Naiɀoɀo ɀino cindipa nyika iyi yamakomo yakarebga naJehova musi iwoyo; nokuti nomusi iwoyo wakanzwa iwe kuti ʋaAnaki ʋakaŋga ʋari’po namaguta makuru anamaȿiŋgo; ɀimŋe Jehova ucaʋa neni, ndikagona kuʋadziŋga, seɀakataurwa naJehova. 13Ipapo Joshua akamuropafadza, akapa Karebi mŋanakomana waJefune Hebroni, iʋe nhaka yake. 14Naiɀoɀo Hebroni rakazoʋa nhaka yaKarebi mŋanakomana waJefune, muKenizi, kuȿikira nhasi; nokuti wakaŋga ateʋera Jehova Mŋari waIsraeri nomŋoyo wake wose. 15Zita reHebroni pakutaŋga rakaŋga riri Kiriati‐arba; iye Arba wakaŋga ari munhu mukuru pakati paʋaAnaki ʋose. Ipapo nyika ikazorora pakurwa.
Zvasarudzwa nguva ino
Joshua 14: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018