Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Joshua 13

13
Nyika yakasara inogoʋerwa.
1Ɀino Joshua wakaŋga akwegura, aʋa namakore mazhinji; Jehova akati kwaari: Wakwegura, waʋa namakore mazhinji, dziciri’ko nyika zhinji dzinofanira kuʋa dzenyu. 2Nyika yasara ndiyo: Nyika dzose dzaʋaFiristia, naʋaGeshuri ʋose; 3kubva paShihori kurutiʋi rweEgipita, kuȿikira kumuganho weEkroni kumsoro, wainzi ndowaʋaKanani; madzishe mashanu aʋaFiristia, ʋaiti: WeGaza, noweAshdodi, noweAshkeroni, noweGiti, noweEkroni, naʋaAvimi, 4kurutiʋi rweZasi, nyika yose yaʋaKanani, neMeara, waiʋa waʋaZidoni, kuȿikira paAfeki, kuȿikira kumuganho waʋaAmori; 5nenyika yaʋaGebari, neRebanoni rose kumabvazuʋa, kubva paBaari‐gadi pajiŋga pegomo reHermoni, kuȿikira paʋanopinda paHamati; 6ʋanhu ʋose ʋagere panyika yamakomo, kubva paRebanoni kuȿikira paMisrefoti‐maimi, naʋaZidoni ʋose, iʋaʋo ndicaʋadziŋga pamberi paʋana ʋaIsraeri; asi iwe unofanira kuipa ʋana ʋaIsraeri, iʋe nhaka yaʋo, seɀandakakuraira. 7Ɀino unofanira kugoʋera nyika iyi pakati pamarudzi mapfumbamŋe nehafu yorudzi rwaManase, iʋe nhaka yaʋo. 8ƲaRubeni naʋaGadi ʋakapiwa nhaka yaʋo pamŋe cete naye, iyo yaʋakaŋga ʋapiwa naMosesi mhiri kwaJoridani kumabvazuʋa, seɀaʋakapiwa naMosesi, muranda waJehova; 9kubva paAroeri, parutiʋi rwomupata weArnoni, neguta raiʋa pakati pomupata, neɓani rose reMedeba kuȿikira paDiboni; 10namaguta ose aSihoni, mambo waʋaAmori, wakaŋga aciɓata ʋushe paHeshboni, kuȿikira kumuganho waʋana ʋaAmoni; 11neGireadi, nenyika yaʋaGeshuri naʋaMaakati, negomo rose reHermoni, neBashani rose kuȿikira paSareka, 12noʋushe bgose bgaOgi paBashani, wakaŋga aciɓata ʋushe paAshtaroti neEdrei (ndiye wakaŋga asara paʋaRefaimi); nokuti ndiʋo ʋakaŋga ʋakundwa naMosesi ʋakadziŋgwa naye. 13Kunyaŋge ɀakaɗaro ʋana ʋaIsraeri haʋana‐kudziŋga ʋaGeshuri kana ʋaMaakati; asi ʋaGeshuri naʋaMaakati ʋagere pakati paʋaIsraeri kuȿikira nhasi. 14Asi rudzi rwaʋaRevi ɓedzi haana‐kurupa nhaka; ɀipiriso ɀaJehova, Mŋari waIsraeri, ɀaipiswa, ndiɀo ɀaiʋa nhaka yaʋo, seɀaakataura naye.
15Joshua akapa rudzi rwaʋana ʋaRubeni mugoʋe waʋo nedzimba dzaʋo. 16Nyika yaʋo yakabva paAroeri, parutiʋi rwomupata weArnoni, neguta raiʋa pakati pomupata, neɓani rose paMedeba; 17Heshboni namaguta aro ose ari paɓani; Diboni, neBamoti‐baari, neBeti‐baari‐meoni; 18neJahazi, neKedemoti, neMefahati; 19neKiriataimi, neSibma, neZereti‐shahari mugomo romupata; 20neBeti‐peori, nemitenusirwa yePisga, neBeti‐jeshimoti; 21namaguta ose eɓani, noʋushe bgose bgaSihoni, mambo waʋaAmori, wakaŋga aciɓata ʋushe paHeshboni, wakaŋga akundwa naMosesi pamŋe cete naʋakuru ʋeMidiani, neEvi, neRekemi, neZuri, neHuri, neReba, namacinda aSihoni, akaŋga agere munyika iyo. 22Barami, mŋanakomana waBeori, muʋuki, naiye ʋo wakaʋurawa nomunondo naʋana ʋaIsraeri pakati paʋamŋe ʋakaʋurawa naʋo. 23Muganho waʋana ʋaRubeni rwakaŋga ruri Joridani nenyika yarwo. Ndiyo yaiʋa nhaka yaʋana ʋaRubeni nemhuri dzaʋo, iwo maguta nemisha yawo.
24Mosesi akapa rudzi rwaʋaGadi, iʋo ʋana ʋaGadi, mugoʋe waʋo nemhuri dzaʋo. 25Nyika yaʋo raiʋa Jazeri, namaguta ose eGireadi, nehafu yenyika yaʋana ʋaAmoni, kuȿikira paAroeri, pamberi peRaba; 26nokubva paHeshboni, kuȿikira paRamati‐mizpe, neBetonimi; nokubva paMahanaimi, kuȿikira pamuganho weDebiri; 27nomumupata Beti‐harami, neBeti‐nimra, neSukoti, neZafoni, noʋumŋe ʋushe bgakaŋga bgasara bgaSihoni, mambo weHeshboni, neJoridani nenyika yarwo, kuȿikira pamagumisiro eguŋgwa reKineroti, mhiri kwaJoridani, kumabvazuʋa. 28Ndiyo nhaka yaʋana ʋaGadi nemhuri dzaʋo iwo maguta nemisha yawo.
29Mosesi akapa hafu yorudzi rwaManase nhaka yaʋo; ndiyo yaiʋa nhaka yehafu yorudzi rwaʋana ʋaManase nemhuri dzaʋo. 30Nyika yaʋo yakabva paMahanaimi, neBashani rose, noʋushe bgaOgi, mambo weBashani, nemisha yose yeJairi, yaiʋa paBashani, maguta makumi matanhatu; 31nehafu yeGireadi, neAshtaroti, neEdrei, maguta oʋushe bgaOgi paBashani, ndiyo yaiʋa yaʋana ʋaMakiri, mŋanakomana waManase, yehafu yaʋana ʋaMakiri nemhuri dzaʋo.
32Ndidzo nhaka dzakagoʋerwa naMosesi pamapani aMoabi, mhiri kwaJoridani paJeriko kumabvazuʋa. 33Asi rudzi rwaʋaRevi haruna‐kupiwa nhaka naMosesi; Jehova Mŋari waʋaIsraeri, iye amene, ndiyo nhaka yaʋo, seɀaʋakaʋudzwa naye.

Zvasarudzwa nguva ino

Joshua 13: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda