Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Joshua 12

12
Madzimambo akakundwa naʋaIsraeri.
1Ndiwo madzimambo enyika akakundwa naʋana ʋaIsraeri, ʋaʋakatorera nyika yaʋo mhiri kwaJoridani kumabvazuʋa, kubva pamupata weArnoni kuȿikira pagomo reHermoni, nerenje rose riri kumabvazuʋa: 2Sihoni, mambo waʋaAmori, wakaŋga agere Heshboni, waiɓata ʋushe kubva paAroeri, parutiʋi rwomupata weArnoni, neguta raiʋa pakati pomupata, nehafu yeGireadi, kuȿikira kurwizi Jaboki, waiʋa muganho waʋana ʋaAmoni; 3nerenje, kuȿikira paguŋgwa reKineroti kumabvazuʋa, nokuȿikira paguŋgwa rerenje, iro Guŋgwa roMunyu, kumabvazuʋa nenzira inoenda Beti‐jeshimoti; nokurutiʋi rwezasi pajiŋga pePisga; 4nenyika yaOgi, mambo weBashani, wakaŋga asara paʋaRefaimi, ʋakaŋga ʋagere paAshtaroti neEdrei, 5waiɓata ʋushe pagomo reHermoni, napaSareka, napaBashani rose, kuȿikira kumuganho waʋaGeshuri, naʋaMaakati, nehafu yeGireadi; ndiyo nyika yaSihoni, mambo weHeshboni. 6Mosesi muranda waJehova, naʋana ʋaIsraeri ʋakaʋakunda; Mosesi muranda waJehova akaipa Rubeni, naʋaGadi, nehafu yorudzi rwaManase, kuti iʋe yaʋo.
7Ndiwo madzimambo enyika iyo akakundwa naJoshua naʋana ʋaIsraeri mhiri kwaJoridani kumaʋirazuʋa, kubva paBaari‐gadi mumupata weRebanoni, kuȿikira pagomo reHaraki rinokwira ricienda Seiri; Joshua akaipa marudzi aʋaIsraeri seɀaʋakaŋga ʋakamurirwa, kuti iʋe yaʋo. 8Panyika yamakomo, nomumapani, nomuAraba, napamitenusirwa, nomurenje, nezasi; ndiyo yaiʋa nyika yaʋaHeti, neyaʋaAmori, neyaʋaKanani, neyaʋaPerezi, neyaʋaHivi, neyaʋaJebusi, 9mambo weJeriko ndiye mumŋe; namambo weAi, pedyo neBeteri, mumŋe; 10namambo weJerusarema, mumŋe; namambo weHebroni, mumŋe; 11namambo weJarmuti, mumŋe; namambo weRakishi, mumŋe; 12namambo weEgroni, mumŋe; namambo weGezeri, mumŋe; 13namambo weDebiri, mumŋe; namambo weGederi, mumŋe; 14namambo weHorma, mumŋe; namambo weAradi, mumŋe; 15namambo weRibna, mumŋe, namambo weAdurami, mumŋe; 16namambo weMakeda, mumŋe; namambo weBeteri, mumŋe; 17namambo weTapua, mumŋe; namambo weHeferi, mumŋe; 18namambo weAfeki, mumŋe; namambo weRasharoni, mumŋe; 19namambo weMadoni, mumŋe; namambo weHazori, mumŋe; 20namambo weShimroni‐meroni, mumŋe; namambo weAkshafi, mumŋe; 21namambo weTaanaki, mumŋe; namambo weMegido, mumŋe; 22namambo weKedeshi, mumŋe; namambo weJokneami paKarmeri, mumŋe; 23namambo weDori panyika yamakomo yaDori, mumŋe; namambo weGoimi paGirgari, mumŋe; 24namambo weTirza, mumŋe; madzimambo ose akaŋga anamakumi matatu nomumŋe.

Zvasarudzwa nguva ino

Joshua 12: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda