Joshua 11
11
Mamŋe maguta akakundwa naJoshua.
1Ɀino Jabini, mambo weHazori wakati aciɀinzwa, akatuma nhume kunaJobabi, mambo weMadoni, nokunamambo weShimroni, nokunamambo weAkshafi, 2nokuna‐madzimambo akaŋga ari kurutiʋi rwokumsoro, panyika yeɀikomo, nomumupata kurutiʋi rwenyasi rweKineroti, nomumapani, nokuɀikomo ɀapaDori, kurutiʋi rwamaʋirazuʋa, 3nokuʋaKanani kurutiʋi rwamabvazuʋa nokumaʋirira, naʋaAmori, naʋaHeti, naʋaPerezi, naʋaJebusi, panyika yamakomo, naʋaHivi ʋakaŋga ʋagere mujiŋga meHermoni, panyika yeMizpa. 4Ʋakaɓuɗa, iʋo nehondo dzaʋo dzose dzaʋakaŋga ʋanadzo, ʋari ʋazhinji, sejeca riri pamhenderekedzo yeguŋgwa nokuwanda, namabiza neŋgoro zhinji‐zhinji. 5Madzimambo awa ose akaʋuŋgana, ʋakaʋuya pamŋe cete kuʋaka misasa yaʋo pamvura yeMeromi, kuzorwa naʋaIsraeri. 6Ɀino Jehova akati kunaJoshua: Usaʋatya, nokuti maŋgwana neŋguʋa ino ndicaʋaisa ʋose mumaʋoko ako, ʋaʋurawe pamberi paʋaIsraeri; unofanira kugura marunda amakumbo amabiza aʋo, nokupisa ŋgoro dzaʋo nomŋoto. 7Ɀino Joshua akaʋuya pakarepo, iye naʋanhu ʋose ʋehondo ʋaakaŋga anaʋo, kuti arwe naʋo pamvura yeMeromi, akaʋaʋamba. 8Jehova akaʋaisa mumaʋoko aʋaIsraeri, ʋakaʋaparadza nokuʋadziŋga kuȿikira paguta guru Zidoni, nokuȿikira Misrefoti‐maimi, nokuȿikira kumupata weMizpe kumabvazuʋa; ʋakaʋaʋuraya kuȿikira ʋasina‐kusiya kunyaŋge nomumŋe cete. 9Joshua akaʋaitira seɀaakaŋga arairwa naJehova; akagura marunda amakumbo amabiza aʋo, nokupisa ŋgoro dzaʋo nomŋoto.
10Neŋguʋa iyo Joshua akadzoka, akakunda Hazori, akaʋuraya mambo waro nomunondo; nokuti pakutaŋga Hazori waiʋa muzinda woʋushe ibgo bgose. 11Ʋakaʋuraya ʋanhu ʋose ʋakaŋga ʋari’mo neminondo inopinza, ʋakaʋaparadza cose; hakunecinhu cimŋe cinofema cakasara; ʋakapisa Hazori nomŋoto. 12Joshua akakunda ʋo maguta ose amadzimambo iwayo, namadzimambo awo ose, akaʋaʋuraya neminondo inopinza, akaʋaparadza cose; seɀakaŋga ɀarairwa naMosesi muranda waJehova. 13Asi maguta akaŋga ari paɀikomo ɀaʋo, ʋaIsraeri haʋana‐kuapisa kunyaŋge nerimŋe cete, asi Hazori cete; Joshua wakapisa irero. 14Ʋana ʋaIsraeri ʋakatapa ɀose ɀaʋakapamba ɀamaguta iwayo, neŋombe; asi ʋakaʋuraya ʋarume ʋose neminondo inopinza, kuȿikira ʋaʋaparadza; haʋana‐kusiya kunyaŋge necinhu cimŋe cete cinofema. 15Seɀakaŋga ɀarairwa Mosesi muranda wake naJehova, ndiɀo Mosesi ɀaakaraira Joshua; Joshua akaita saiɀoɀo, haana‐kusiya cinhu cimŋe cete paɀose ɀakaŋga ɀarairwa Mosesi naJehova.
16Saiɀoɀo Joshua akakunda nyika iyo yose, iyo nyika yamakomo, nenyika yose yezasi, nenyika yose yeGosheni, neɓani, noMupata, nenyika yamakomo yaIsraeri, neɓani rayo; 17kubva pagomo reHaraki, rinokwira Seiri, kuȿikira paBaari‐gadi pamupata weRebanoni, mujiŋga megomo reHermoni; akakunda madzimambo aro ose, akaʋaparadza nokuʋaʋuraya. 18Joshua akarwa namadzimambo iwayo ose mazuʋa mazhinji. 19Hakuneguta rakayanana naʋaIsraeri, asi ʋaHivi ʋakaŋga ʋagere Gibeoni; ʋakakunda ɀose pakurwa. 20Nokuti Jehova ndiye wakawomesa mŋoyo yaʋo, kuti ʋarwe naʋaIsraeri, kuti aʋaparadze cose, ʋarege kunzwirwa tsitsi; asi aʋaparadze, seɀakaŋga ɀarairwa Mosesi naJehova.
21Neŋguʋa iyo Joshua akaenda akaparadza ʋaAnaki panyika yamakomo, paHebroni, napaDebiri, napaAnabi, napanyika yose yamakomo yaJuda, napanyika yose yamakomo yaIsraeri; Joshua akaʋaparadza cose pamŋe cete namaguta aʋo. 22Hakuna‐kuʋaAnaki wakasara panyika yaʋana ʋaIsraeri; asi paGaza, napaGadi, napaAshdodi ndipo pakasara ʋamŋe. 23Joshua akakunda saiɀoɀo nyika yose seɀose ɀakaʋudzwa Mosesi naJehova; Joshua akaipa ʋana ʋaIsraeri, kuti iʋe nhaka yaʋo, seɀaʋakaŋga ʋakamurwa namarudzi aʋo. Nyika ikazorora pakurwa.
Zvasarudzwa nguva ino
Joshua 11: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018