Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Joshua 15

15
Nhaka yaJuda.
1Mugoʋe worudzi rwaʋana ʋaJuda nemhuri dzaʋo wakaȿikira pamuganho waEdomi, iko kurenje reZini kurutiʋi rwezasi, kuȿikira zasi kwaɀo. 2Muganho waʋo wezasi wakabva pamuganho weGuŋgwa roMunyu, kubva apo pakapinda nyika muguŋgwa, panotarira kurutiʋi rwezasi; 3ndokupfuʋura zasi kwegomo reAkrabimi, ndokupfuʋura nokurutiʋi rweZini, ndokukwira necenyasi kweKadeshi‐barnea, ndokupfuʋura napaHezroni, ndokukwira napaAdari, ndokudzoka napaKarka; 4ndokupfuʋura kuȿikira paAzmoni, ndokuɓuɗa naparukoʋa rweEgipita; muganho uyu ndokuguma paguŋgwa; ndiwo unofanira kuʋa muganho wezasi. 5Muganho wokumabvazuʋa wakataŋga paGuŋgwa roMunyu kuȿikira pamuganho waJoridani. Muganho worutiʋi rwokumsoro wakataŋga apo panopinda nyika muguŋgwa kuȿikira pamugumo waJoridani, 6ndokukwira kuBeti‐hogra, ndokupfuʋura nokumsoro kweBeti‐araba; muganho ndokukwira kubge raBohani, mŋanakomana waRubeni; 7muganho ndokukwira nokuDebiri, ucibva pamupata weAkori, ndokuɗaro ucienda kumsoro wakatarisana neGirgari, pakatarisana ɀe negomo reAdumimi, riri kurutiʋi rwezasi rworwizi; muganho ndokupfuʋura napamvura yeEni‐shemeshi, ndokuguma paEni‐rogeri; 8muganho ndokukwira napamupata womŋanakomana waHinomi, kuȿikira kurutiʋi rwaʋaJebusi zasi (ndiro Jerusarema); muganho ndokukwira kuȿikira pamusoro wegomo riri pamberi pomupata weHinomi kumaʋirazuʋa, uri pamugumo kwaɀo womupata weRefaimi, kurutiʋi rwokumsoro. 9Muganho ndokutarwa kubva pamsoro pegomo kuȿikira kutsime remvura yeNeftoa, ndokuguma pamaguta pagomo reEfroni; ɀino muganho ndokutarwa kuȿikira Bara (ndiro Kiriati‐jearimi). 10Muganho ndokudzoka ucibva paBara nokumaʋirazuʋa kuȿikira pagomo reSeiri, ndokupfuʋura nokurutiʋi rwegomo reJearimi necokumsoro (ndiro Kesaroni), ndokuɓurukira kuȿikira paBeti‐shemeshi, ndokupfuʋura napaTimna; 11muganho ndokupfuʋura kurutiʋi rweEkroni, kumsoro; muganho ndokutarwa kuȿikira paShikeroni, ndokupfuʋura napagomo reBara, ndokupfuʋura paJabneeri; muganho ndokuguma paguŋgwa. 12Muganho wokumaʋirazuʋa wakaȿika kuguŋgwa guru nenyika yarwo. Ndiwo muganho waʋana ʋaJuda kunhiʋi dzose nemhuri dzaʋo.
13Asi wakapa Karebi, mŋanakomana waJefune mugoʋe pakati paʋana ʋaJuda; seɀakarairwa Joshua naJehova, akamupa Kiriati‐arba; Arba wakaŋga ari ɓaɓa ʋaAnaki (ndiro Hebroni). 14Karebi akadziŋga’po ʋanakomana ʋatatu ʋaAnaki, ʋaiti: Sheshai, naAhimani, naTarmai, ʋanakomana ʋaAnaki. 15Akabva’po, akandorwa naʋaigara Debiri; zita reDebiri kare raiʋa Kiriati‐seferi. 16Karebi akati: Munhu unorwa neKiriati‐seferi, akarikunda, ndicamupa mukunda waŋgu Aksa, aʋe mukadzi wake. 17Ipapo Otnieri, mŋanakomana waKenazi, munuŋuna waKarebi, akarikunda; iye akamupa mukunda wake Aksa, akaʋa mukadzi wake. 18Ɀino iye wakati aciȿika kwaari, akamukurudzira kuti akumbire munda kunaɓaɓa ʋake; ɀino iye akaɓuruka pamboŋgoro yake, Karebi akati kwaari: Unoreʋeiko? 19Akati: Ndipei cipo; ɀamakandiisa kunyika yezasi, ndipei ʋo matsime emvura. Akamupa matsime okumsoro namatsime ezasi.
20Ndiyo nhaka yorudzi rwaʋana ʋaJuda nemhuri dzaʋo.
21Maguta okumudziʋo orudzi rwaʋana ʋaJuda kumuganho waEdomi zasi akaŋga ari Kabzeeri, neEderi, neJaguri; 22neKina, neDimona, neAdada, 23neKedeshi, neHazori, neItnani; 24neZifi, neTeremi, neBearoti; 25neHazori‐hadata, neKerioti‐hezroni (ndiro Hazori); 26neAmami, neShema, neMorada; 27neHazari‐gada, neHeshmoni, neBeti‐pereti; 28neHazari‐shuari, neBeeri‐sheba, neBiziotia; 29neBaara, neIyimi, neEzemi; 30neErtoradi, neKesiri, neHorma; 31neZikragi, neMadmana, neSansana; 32neRebaoti, neShirimi, neAini, neRimoni; maguta iwayo ose aiʋa namakumi maʋiri namapfumbamŋe, pamŋe cete nemisha yawo.
33Paɓani pakaŋga paneEshtaori, neZora, neAshna; 34neZanoa, ne Eniganimi, neTapua, neEnami; 35neJarmuti, neAdurami, neSoko, neAzeka; 36neSharaimi, neAditaimi, neGedera, neGederotaimi; maguta anegumi namanna, pamŋe cete nemisha yawo.
37Zenani, neHadasha, neMigdarigadi; 38neDirani, neMizpe, neJokteeri; 39neRakishi, neBoskati, neEgroni; 40neKaboni, neRamani, neKiterishi; 41neGederoti, neBetidagoni, neNaama, neMakeda; maguta anegumi namatanhatu, pamŋe cete nemisha yawo.
42Ribna, neEteri, neAshani; 43neIfta, neAshna, neNezibi; 44neKeira, neAkzibi, neMaresha; maguta ampfumbamŋe, pamŋe cete nemisha yawo.
45Ekroni, nemisha yaro, nemisha miɗuku yaro; 46kubva paEkroni kuȿikira paguŋgwa, maguta ose akaŋga ari parutiʋi rweAshdodi, pamŋe cete nemisha yawo.
47Ashdodi, nemisha yaro, nemisha miɗuku yaro; neGaza, nemisha yaro, nemisha miɗuku yaro, kuȿikira kurukoʋa rweEgipita, napaguŋgwa guru, nenyika yaro.
48Nokunyika yamakomo, Shamiri, neJatiri, neSoko; 49neDana, ne‐Kiriati‐sana (ndiro Debiri); 50neAnabi, neEshtemo, neAnimi; 51neGosheni, neHoroni, neGiro; maguta anegumi nerimŋe, pamŋe cete nemisha yawo.
52Arabi, neDuma, neEshani; 53neJanimi, neBeti‐tapua, neAfeka; 54neHumta, neKiriati‐arba (ndiro Hebroni), neZiori; maguta mapfumbamŋe, pamŋe cete nemisha yawo.
55Maoni, neKarmeri, neZifi, neJuta; 56neJezreeri, neJokdeami, neZanoa; 57neKaini, neGibea, neTimna; maguta anegumi, pamŋe cete nemisha yawo.
58Harkuri, neBeti‐zuri, neGedori; 59neMaarati, neBeti‐anoti, neErtekoni; maguta matanhatu, pamŋe cete nemisha yawo.
60Kiriati‐baari (ndiro Kiriati‐jearimi), neRaba; maguta maʋiri, pamŋe cete nemisha yawo.
61Murenje pakaŋga paneBeti‐arba, neMidini, neSekaka; 62neNibshani, neGuta roMunyu, neEni‐gedi; maguta matanhatu, pamŋe cete nemisha yawo.
63Asi ʋana ʋaJuda ʋakaŋga ʋasiŋgagoni kudziŋga ʋaJebusi ʋakaŋga ʋagere Jerusarema; asi ʋaJebusi ʋakagara Jerusarema pamŋe cete naʋana ʋaJuda kuȿikira nhasi.

Zvasarudzwa nguva ino

Joshua 15: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda