Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Jeremia 9

9
1Haiwa, ɗai musoro waŋgu waiʋa nemvura zhinji, nameso aŋgu riri tsime remisodzi, ndiŋgaɗai ndaicema masikati noʋusiku nokuɗa kwaʋakaʋurawa ʋomukunda waʋanhu ʋaŋgu! 2Haiwa, ɗai ndaiʋa neɗumba rinosigarwa naʋafambi murenje, ndiŋgaɗai ndaisiya ʋanhu ʋaŋgu, ndikabva kwaʋari! Nokuti ʋose imhombge, iʋuŋgano yaʋanhu ʋanonyeŋgera. 3Ʋanokuŋga marimi aʋo, seɀaʋanoita ʋuta bgaʋo, kuzoreʋa nhema; ʋasimba panyika, asi haʋaiti neɀokwaɗi; nokuti ʋanoramba ʋaciŋgoita ɀakaipa, haʋandiziʋi — ndiɀo ɀinotaura Jehova. 4Mumŋe nomumŋe ŋgaacenjerere wokwake, murege kutenda hama ipi neipi; nokuti hama imŋe neimŋe icanyeŋgera, nowokwake mumŋe nomumŋe ucapota‐pota anamakuhwa. 5Mumŋe nomumŋe ucanyeŋgera wokwake, haaŋgareʋi ɀokwaɗi; ʋakadzidzisa marimi aʋo kureʋa nhema, ʋanoɀinetsa nokuita ɀakaipa. 6Ʋugaro bgenyu ʋuri pakati pokunyeŋgera; ʋanoramba kundiziʋa nokunyeŋgera kwaʋo — ndiɀo ɀinotaura Jehova.
7Naiɀoɀo ɀanzi naJehova wehondo: Tarirai, ndicaʋanyausa nokuʋaidza; nokuti ndiŋgaita seiko pamsoro pomukunda waʋanhu ʋaŋgu? 8Marimi aʋo miseʋe inoʋuraya, anoreʋa ɀinonyeŋgera; munhu unoreʋa ɀorugare kunowokwake nomuromo wake, asi mumŋoyo make unomuʋandira. 9Ko handiŋgaʋaroʋi pamsoro peɀinhu iɀi here? — ndiɀo ɀinotaura Jehova. Ko mŋeya waŋgu hauŋgatsibgi parudzi rwakaɗai here?
10Ndicacema nokuwuŋgudza pamsoro pamakomo, ndicacema pamsoro pamafuro amarenje, nokuti ɀatȿa, hakuna‐unopfuʋura napo; ʋanhu haʋagoni kunzwa inzwi reɀipfuwo; shiri dzokuɗeŋga nemhuka dzose ɀatiza, ɀaenda haɀo. 11Ndicaita Jerusarema mirwi yamabge, panogara makaʋa; namaguta aJuda ndicaaita matoŋgo, asina‐unogara’mo. 12Munhu wakacenjera, unonzwisisa iɀoɀi, ndianiko? Muromo waJehova wakataura naniko, kuti aparidze iɀoɀi? Nyika yakapedzwa nokupiswa serenje neiko, pasina‐unopfuʋura napo?
13Jehova wakati: Ɀaʋakarasha murairo waŋgu wandakaisa pamberi paʋo, ʋakasaterera inzwi raŋgu, nokufamba naɀo, 14asi ʋakateʋera ʋukukutu bgemŋoyo yaʋo naʋaBaari, iɀo ɀaʋakadzidziswa namadziɓaɓa aʋo; 15naiɀoɀo ɀanzi naJehova wehondo, Mŋari waIsraeri: Tarirai, ndicadyisa ʋanhu aʋa gaʋakaʋa, nokuʋanwisa mvura yenduru. 16Ndicaʋaparadzira ʋo pakati pamarudzi, aʋakaŋga ʋasiŋgaziʋi iʋo kunyaŋge namadziɓaɓa aʋo; ndicatuma munondo uʋateʋere, kuȿikira ndaʋapedza.
17Ɀanzi naJehova wehondo: Raŋgarirai imi, muɗane ʋakadzi ʋaŋgacema, ʋaʋuye; tumai muɗane ʋakadzi mhizha, ʋaʋuye; 18ŋgaʋakurumidze ʋaceme pamsoro peɗu, kuti meso eɗu ayerere misodzi, namafuŋgiro eɗu aɗurure mvura. 19Nokuti inzwi rokucema rinonzwika ricibva Zioni, riciti: Haiwa, takaparadzwa seiko! Takanyadziswa kwaɀo, nokuti tabva panyika yeɗu, nokuti ʋakakoromora dzimba dzeɗu dzataigara. 20Asi inzwai shoko raJehova, imi ʋakadzi, nzeʋe dzenyu ŋgadzinzwe shoko romuromo wake; dzidzisai ʋakunda ʋenyu kucema, nomumŋe nomumŋe adzidzise wokwake kuwuŋgudza. 21Nokuti rufu rwakakwira pamawindi eɗu, rwakapinda mudzimba dzamadzimambo eɗu, kuti rupedze ʋana ʋari kunze, namajaya ari panzira dzomuguta. 22Taura, uti: Ɀanzi naJehova: Ɀitunha ɀaʋanhu ɀicawira pasi somupfudze kuɓundo, setsama yehura dzinosiyiwa nomuceki, dzisina‐unodziʋuŋganidza.
23Ɀanzi naJehova: Munhu wakacenjera ŋgaarege kuɀirumbidza pamsoro poʋucenjeri bgake, nomunhu wesimba ŋgaarege kuɀirumbidza pamsoro pesimba rake, nomunhu wakafuma ŋgaarege kuɀirumbidza pamsoro pefuma yake; 24asi unoɀirumbidza, ŋgaaɀirumbidze pamsoro pecinhu ici, kuti unondinzwisisa nokundiziʋa ini, kuti ndini Jehova, unoita ʋunyoro nokururamisira, nokururama panyika; nokuti ndinofarira ɀinhu iɀi — ndiɀo ɀinotaura Jehova. 25Tarirai, — ndiɀo ɀinotaura Jehova — mazuʋa anoʋuya, andicaroʋa ʋose ʋakadziŋgiswa pakati pokusadziŋgiswa kwaʋo; 26ʋanoti; Egipita, naJuda, naEdomi, naʋana ʋaAmoni, naMoabi, naʋose ʋakaʋeʋurwa vudzi raʋo kumatiʋi, ʋanogara kurenje; nokuti marudzi ose haana‐kudziŋgiswa, ʋuye ʋose ʋeimba yaIsraeri haʋana‐kudziŋgiswa pamŋoyo yaʋo.

Zvasarudzwa nguva ino

Jeremia 9: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda