Jeremia 10
10
Ʋupenzi bgokunamata ɀifananidzo.
1Inzwai shoko rinotaura Jehova kwamuri, imi imba yaIsraeri: 2Ɀanzi naJehova: Regai kudzidza tsika dzamarudzi aʋanhu, musavunduswa neɀiratidzo ɀokuɗeŋga; nokuti marudzi aʋanhu anovunduswa naɀo. 3Nokuti tsika dzaʋanhu hadzinamaturo; nokuti mumŋe unotema muti muɗondo, riri ɓasa ramaʋoko omunhu unoʋeza neɗemo. 4Ʋanoushoŋgedza nesirveri nendarama, ʋanouroʋera nembambo nenyundo, kuti urege kuzunuŋguka. 5Ɀakafanana nembiru dzakaʋezwa, dzisiŋgatauri; ɀinofanira kutakurwa, nokuti haɀigoni kufamba. Musaɀitya, nokuti haɀigoni kuita ɀakaipa, kunyaŋge kuita ɀakanaka, haɀigoni. 6Hakuna‐wakafanana nemi Jehova; imi muri mukuru, zita renyu iguru nesimba raro. 7Ndianiko uŋgarega kukutyai, imi Mambo wamarudzi aʋanhu? Nokuti makafanira iɀoɀi; nokuti pakati paʋakacenjera ʋose ʋamarudzi aʋanhu, napaʋushe bgaʋo bgose, hakuna‐wakafanana nemi. 8Asi ʋose pamŋe cete haʋanenjere, mapenzi; dzidzo yeɀifananidzo iɗanda ɀaro. 9Isirveri yakapfurwa ikaita ɓape, yakatorwa Tarshishi, nendarama inobva Ufazi, riri ɓasa remhizha neramaʋoko omupfuri wendarama; ɀakafukidzwa ŋguʋo dzemiceka mitema nemitȿuku; ɀose iɓasa raʋanhu ʋenjere. 10Asi Jehova ndiye Mŋari waɀokwaɗi; ndiye Mŋari mupenyu, naMambo wokusiŋgaperi; kana iye atsamŋa nyika inoɗeɗera, marudzi aʋanhu haagoni kumira pahasha dzake.
11Itiyi kwaʋari: Ʋamŋari ʋasina‐kuita ɗeŋga nenyika, ndiʋo ʋacapera panyika napasi peɗeŋga rose.
12Ndiye wakaita nyika nesimba rake, wakateya nyika noʋucenjeri bgake, wakatatamura ɗeŋga rose nenjere dzake. 13Kana aciɓuɗisa inzwi rake, kunomubvumo wemvura zhinji kuɗeŋga; unokwidza makore pamigumo yenyika, unoita mheni kuʋuyisa mvura, unoɓuɗisa mhepo panoʋigwa fuma yake. 14Munhu mumŋe nomumŋe waʋa usinenjere, haaneziʋo; mupfuri mumŋe nomumŋe wendarama unonyadziswa necifananidzo cake caakaʋeza, nokuti cifananidzo cake caakaʋumba, ndecenhema; hakunomŋeya maɀiri. 15Haɀinamaturo, iɓasa rinonyeŋgera; paŋguʋa yokurobga kwaɀo ɀicapera. 16Mugoʋe waJakobo haufanani naiɀoɀo, nokuti ndiye muʋumbi waɀose; Israeri ndirwo rudzi rwenhaka yake; Jehova wehondo ndiro zita rake.
Njodzi icawira Israeri nokuti ʋakaputsa suŋgano yaJehova.
17Ʋuŋganidza nhumbi dzako, ubve panyika, iwe unogara wakakombga. 18Nokuti ɀanzi naJehova: Tarirai, ŋguʋa ino ndicaposhera kure ʋanhu ʋagere munyika ino, ndicaʋamanikidza, kuti ʋawanikwe. 19Ndinenhamo nokuɗa kwokurwadziwa kwaŋgu! Ʋaŋga raŋgu rakaipa kwaɀo; asi ndakati: Ɀirokwaɀo ndibgo ʋurwere bgaŋgu, ndinofanira kuʋutakura haŋgu. 20Tente raŋgu rakaputswa, mabote aŋgu ose akaɗamburwa; ʋana ʋaŋgu ʋabva kwandiri, haʋaciri’po; hakucina‐uŋgatatamura tente raŋgu, kana kumisa ɀe miceka yetente raŋgu. 21Nokuti ʋafudzi ʋaʋa ʋasinenjere, haʋana‐kubvunza Jehova; naiɀoɀo haʋana‐kuzofara, namapoka aʋo ose akapararira. 22Inzwai, mukurumbira! Tarirai, ɓope guru rinoʋuya ricibva kunyika yokumsoro, kushandura maguta aJuda aʋe matoŋgo, panogara makaʋa. 23Haiwa, Jehova, ndinoziʋa kuti nzira yomunhu haizi yake amene; munhu, unofamba, haagoni kururamisa nhano dzake. 24Haiwa, Jehova, ndiraŋgei henyu, asi muite nokururama; musaɀiita nokutsamŋa kwenyu, kuti murege kundipedza cose. 25Ƌururirai kutsamŋa kwenyu pamsoro pamarudzi aʋanhu ʋasiŋgakuziʋiyi, napamsoro pamarudzi asiŋgaɗani zita renyu; nokuti ʋakadya Jakobo, ɀirokwaɀo, ʋakamudya nokumupedza, ʋakaparadza ʋugaro bgake.
Zvasarudzwa nguva ino
Jeremia 10: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018