Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Jeremia 8

8
1Neŋguʋa iyo — ndiɀo ɀinotaura Jehova — ʋacabvisa pamabgiro aʋo mafupa amadzimambo aʋaJuda, namafupa amacinda aʋo, namafupa aʋaprista, namafupa aʋaprofita, namafupa aʋaigara paJerusarema; 2ʋacaaparadzira panopenya zuʋa nomŋedzi nehondo yose yokuɗeŋga, iɀo ɀaʋaiɗa, neɀaʋaishumira, neɀaʋaiteʋera, neɀaʋaiʋiŋga, neɀaʋainamata; haaŋgaʋuŋganidzwi, kana kuʋigwa, asi acaʋa mupfudze panyika. 3Rufu rucasanaŋgurwa kupfuʋura ʋupenyu naʋose ʋakasara ʋorudzi urwu rwakaipa, ʋakasara panɀimbo dzose kwandakaʋadziŋgira — ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo.
Kutsauka kwaʋanhu ʋaJehova nokurobga kwaʋo.
4Ɀino unofanira kuti kwaʋari: Ɀanzi naJehova: Ko ʋanhu ʋaŋgawa, ʋakasazomuka ɀe here? Munhu uŋgatsauka, akasazodzoka here? 5Ɀino ʋanhu aʋa ʋeJerusarema ʋakadzokereiko nokudzokera kusiŋgatoŋgoperi? Ʋanonamatira kunyeŋgera, ʋanoramba kudzoka. 6Ndakaterera, ndikanzwa, asi haʋana‐kutaura ɀakarurama; hakunomunhu unocema kuipa kwake, aciti: Ndaiteiko? Mumŋe nomumŋe unotsauka nenzira yake, sebiza rinomhanya kwaɀo pakurwa. 7Ɀirokwaɀo, ɀimudo, riri kuɗeŋga, rinoziʋa ŋguʋa dzaro dzakatarwa, nenjiʋa nenyeŋganyeŋga nekondo dzinoraŋgarira ŋguʋa yokuʋuya kwadzo, asi ʋanhu ʋaŋgu haʋaziʋi murairo waJehova. 8Munoreʋa seiko, muciti: Takacenjera, murairo waJehova tinawo? Asi tarirai, peni yenhema yaʋanyori inonyeŋgera. 9Ʋanhu ʋakacenjera ʋakanyadziswa, ʋakavunduka nokuɓatwa; tarirai, ʋakaramba shoko raJehova, ɀino ʋanenjere dzakaɗiniko? 10Naiɀoɀo ndicapa ʋamŋe ʋakadzi ʋaʋo, neminda yaʋo ndicaipa ʋamŋe ʋacaiita yaʋo; nokuti mumŋe nomumŋe waʋo, kubva kuʋaɗuku kuȿikira kuʋakuru, mumŋe nomumŋe unokarira fuma; kubva kuʋaprofita kuȿikira kuʋaprista mumŋe nomumŋe unoita nokunyeŋgera. 11Ʋakaŋgopodza ʋaŋga romukunda waʋanhu ʋaŋgu ɀishoma, ʋaciti: Rugare, rugare! iɀo hakunorugare. 12Ko ʋakanyadziswa ŋguʋa yaʋakaita ɀinonyaŋgadza here? Kwete, haʋana‐kutoŋgonyara, ʋakakoniwa kuceneruka; naiɀoɀo ʋacawa pakati paʋanowa; paŋguʋa yokurobga kwaʋo ʋacagumburwa — ndiɀo ɀinotaura Jehova. 13Ndicaʋapedza cose — ndiɀo ɀinotaura Jehova; hakuŋgaʋi namazambiriŋga pamuzambiriŋga, kana maʋonde pamuʋonde, namashizha acawoma ndakaraira ʋacaʋakukura. 14Tinogarireiko pasi? Ʋuŋganai, tipinde mumaguta akakomberedzwa, tifire’po; nokuti Jehova Mŋari weɗu wakatiʋuraya, akatipa mvura inoʋuraya kuti tiinwe; nokuti takatadzira Jehova. 15Takaŋga takatarira rugare, asi hakunecakanaka cakaȿika; takaŋga takatarira ŋguʋa yokuporeswa, asi tarirai, takavunduswa. 16Kufemhedza kwamabiza ake kwakanzwika aciri paDani; nyika yose yakaɗeɗera nenzwi rokurira kwaanesimba ake; nokuti aȿika, apedza nyika neɀose ɀiri’mo, neguta naʋose ʋagere’mo. 17Nokuti tarirai, ndicatuma pakati penyu nyoka nemvumbi, dzicaramba kuroyiwa; dzicakurumai — ndiɀo ɀinotaura Jehova.
18Haiwa, ɗai ndaigona haŋgu kuɀinyaradza pakucema kwaŋgu! Mŋoyo waŋgu waziya mukati maŋgu. 19Inzwai, inzwi rokucema kwomukunda waʋanhu ʋaŋgu, rinobva kunyika iri kure‐kure, riciti: Ko Jehova haazi muZioni here? Mambo waro haazi mukati maro here? Ʋakanditsamŋisireiko neɀifananidzo ɀaʋo ɀakaʋezwa, neɀaʋatorwa ɀisinamaturo? 20Kuceka kwapera, zhezha rapfuʋura, asi tigere kuponeswa. 21Ini ndinokuʋadzwa nokuɗa kwokukuʋadzwa kwomukunda waʋanhu ʋaŋgu; ndinocema, ndaɓatwa nokuvunduswa. 22Ko hakunomuti webarsami muGireadi here? Hakuneŋaŋga’ko here? Nokuti mukunda waʋanhu ʋaŋgu wakagoregerei kupodzwa?

Zvasarudzwa nguva ino

Jeremia 8: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda