Jeremia 47
47
Cireʋo pamsoro paʋaFiristia.
1Shoko raJehova, rakaȿika kumuprofita Jeremia pamsoro paʋaFiristia, Farao acigere kukunda Gaza.
2Ɀanzi naJehova: Tarirai, mvura zhinji inokwira icibva kurutiʋi rwokumsoro, icaʋa rwizi runopafuma, icafukidza nyika neɀose ɀiri’mo, neguta naʋagere’mo; ʋanhu ʋacacema, naʋose ʋagere munyika ʋacawuŋgudza. 3Kana ʋacinzwa kutinhira kwokutsika kwamahwanda amabiza ake anesimba, nokumhanyisa kweŋgoro dzake, nokuʋirima kwamakumbo eŋgoro dzake, madziɓaɓa haaceukiri kuʋana ʋawo nokuneta kwamaʋoko aʋo; 4nemhaka yezuʋa iro, rinoʋuya kuparadza ʋaFiristia ʋose, nokuparadza paTire neSidoni muɓatsiri mumŋe nomumŋe wakasara; nokuti Jehova ucaparadza ʋaFiristia, iʋo ʋakasara ʋeciwi ceKaftori. 5Gaza raʋa nemhazha, Ashkeroni raparadzwa, iɀo ɀakaŋga ɀasara ɀomupata waʋo; ucaramba uciɀitema kuȿikira riniko? 6Haiwa, iwe munondo waJehova, ucashaiwa zororo kuȿikira riniko? Dzokera mumuhara wako, zorora, unyarare. 7Uŋganyarara seiko, Jehova ɀaakakuraira? Pamsoro peAshkeroni napamsoro pemhenderekedzo yeguŋgwa, ndi’po paakaɀiraira.
Zvasarudzwa nguva ino
Jeremia 47: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018