Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Jeremia 41

41
Ishmaeri unoʋuraya Gedaria naʋamŋe.
1Ɀino nomŋedzi wecinomŋe Ishmaeri mŋanakomana waNetania, mŋanakomana waErishama worudzi rwamambo, mumŋe waʋanyai ʋakuru ʋamambo, wakaʋuya anaʋarume ʋanegumi naye kunaGedaria mŋanakomana waAhikami paMizpa, ʋakadya’po ɀokudya pamŋe cete paMizpa. 2Ipapo Ishmaeri mŋanakomana waNetania naʋarume ʋanegumi ʋaiʋa naye ʋakasimuka, ʋakaɓaya Gedaria mŋanakomana waAhikami, mŋanakomana waShafani, nomunondo, ʋakamuʋuraya, iye wakaŋga agadzwa namambo weBabironi aʋe muɓati wenyika iyo. 3Ishmaeri akaʋuraya ʋo ʋaJuda ʋose ʋaiʋa naye, naiye Gedaria paMizpa, naʋaKardea ʋakawanikwa’po, ʋaiʋa ʋarwi. 4Ɀino nezuʋa recipiri rokuʋuraya kwake Gedaria, kusisinomunhu wakaɀiziʋa, 5ʋamŋe ʋarume ʋakaȿika’po ʋacibva Shekemi neShiro neSamaria, ʋarume ʋanamakumi masere, ndebvu dzaʋo dzakaʋeʋurwa neŋguʋo dzaʋo dzakabvarurwa, ʋakaŋga ʋaɀiceka‐ceka ʋo, ʋakaɓata mumaʋoko aʋo ɀipiriso ɀoʋupfu neɀinonhuwira, kuti ʋaɀiise mumba maJehova. 6Ipapo Ishmaeri mŋanakomana waNetania wakaɓuɗa paMizpa kundoʋaciŋgamidza, akafamba aciŋgocema; ɀino wakati acisoŋgana naʋo, akati kwaʋari: Ʋuyai kunaGedaria mŋanakomana waAhikami. 7Ɀino ʋakati ʋaciȿika pakati peguta, Ishmaeri mŋanakomana waNetania akaʋaʋuraya, ndokuʋakanda mukati megomba, iye naʋarume ʋaakaŋga anaʋo. 8Asi pakati paʋo pakaŋga panaʋarume ʋanegumi ʋakati kunaIshmaeri: Musatiʋuraya, nokuti tineɀimŋe ɀatakaʋiga kusaŋgo, ɀinoti, ɀiyo nebari namafuta noʋuci. Naiɀoɀo akarega, akasaʋaʋuraya pakati pehama dzaʋo. 9Ɀino gomba iro makakandira Ishmaeri ɀitunha ɀaʋanhu ʋaakaŋga aʋuraya, pamŋe cete naGedaria (ndiro rakaŋga raitwa namambo Asa nemhaka yokutya Baasha mambo waIsraeri), Ishmaeri mŋanakomana waNetania wakarizadza naʋakaʋurawa. 10Ipapo Ishmaeri akatapa ʋanhu ʋose ʋakaŋga ʋasara paMizpa, ʋakaiswa naNebuzaradani mukuru waʋarindi kunaGedaria mŋanakomana waAhikami, iʋo ʋakunda ʋamambo, naʋanhu ʋose ʋakaŋga ʋasara paMizpa; Ishmaeri mŋanakomana waNetania wakaʋatapa, akabva’po aciɗa kuenda kuʋana ʋaAmoni.
11Asi Johanani mŋanakomana waKarea, naʋakuru ʋose ʋehondo ʋaiʋa naye, ʋakati ʋacinzwa ɀakaipa ɀose ɀakaitwa naIshmaeri mŋanakomana waNetania, 12ʋakatora ʋarume ʋose, ʋakandorwa naIshmaeri mŋanakomana waNetania, ʋakamuwana ari pamvura zhinji iri paGibeoni. 13Ɀino ʋanhu ʋose ʋaiʋa naIshmaeri ʋakati ʋaciʋona Johanani mŋanakomana waKarea, naʋakuru ʋose ʋehondo ʋaiʋa naye, ʋakafara. 14Naiɀoɀo ʋanhu ʋose ʋakaŋga ʋatapxa naIshmaeri paMizpa ʋakatendeʋuka ʋakadzoka, ʋakaenda kunaJohanani mŋanakomana waKarea. 15Asi Ishmaeri mŋanakomana waNetania wakatiza Johanani anaʋarume ʋasere, akaenda kuʋana ʋaAmoni. 16Ipapo Johanani mŋanakomana waKarea naʋakuru ʋose ʋehondo ʋaiʋa naye ʋakatora ʋanhu ʋose ʋakaŋga ʋasara, ʋaakaŋga arwira kunaIshmaeri mŋanakomana waNetania paMizpa, amboʋuraya Gedaria mŋanakomana waAhikami, ʋaiti, ʋarume ʋarwi naʋakadzi naʋana naʋaranda, ʋaakaŋga adzosa paGibeoni. 17Ʋakabva, ʋakandogara paGeruti‐Kimhami, riri paBeti‐rehema, ʋaciti ʋagozoenda Egipita, 18nokuɗa kwaʋaKardea, nokuti ʋakaŋga ʋaciʋatya, Ishmaeri mŋanakomana waNetania ɀaakaʋuraya Gedaria mŋanakomana waAhikami, wakaŋga aitwa muɓati wenyika iyo namambo weBabironi.

Zvasarudzwa nguva ino

Jeremia 41: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda