Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Jeremia 42

42
Jeremia unonyeʋera ʋanhu kuti ʋarege kuenda Egipita.
1Ɀino ʋakuru ʋose ʋehondo, naJohanani mŋanakomana waKarea naJezania mŋanakomana waHoshaia, naʋanhu ʋose kubva kuʋaɗuku kuȿikira kuʋakuru, ʋakasweɗera, 2ʋakati kumuprofita Jeremia: Tinokumbira kuti munyeŋgetero weɗu uȿitswe pamberi penyu, mutinyeŋgeterere kunaJehova Mŋari wenyu, munyeŋgeterere aʋa ʋose ʋakasara (nokuti takasara tiri ʋashoma kunaʋaiʋa ʋazhinji, seɀamunotiʋona nameso enyu), 3kuti Jehova Mŋari wenyu atiratidze nzira yatinofanira kufamba nayo necinhu catinofanira kuita. 4Ipapo muprofita Jeremia akati kwaʋari: Ndakunzwai; tarirai, ndicanyeŋgetera kunaJehova Mŋari wenyu seɀamakareʋa namashoko enyu; ɀino cinhu cipi necipi camunopindurwa naJehova, ndicakuziʋisai ico, handiŋgatoŋgokuʋanziriyi cinhu. 5Ipapo ʋakati kunaJeremia: Jehova ŋgaaʋe capupu caɀokwaɗi cakatendeka pakati peɗu, kana tikarega kuita mashoko ose amunozotumŋa nawo kwatiri naJehova Mŋari wenyu. 6Kana riciŋge rakanaka, kana riciŋge rakaipa, ticaterera inzwi raJehova Mŋari weɗu, watinokutumirai kwaari; kuti tiʋe nomufaro, kana ticiterera inzwi raJehova Mŋari weɗu.
7Ɀino mazuʋa anegumi akati apera, shoko raJehova rikaȿika kunaJeremia. 8Ipapo akaɗana Johanani mŋanakomana waKarea naʋakuru ʋose ʋehondo ʋaiʋa naye naʋanhu ʋose, kubva kuʋaɗuku kuȿikira kuʋakuru, 9akati kwaʋari: Ɀanzi naJehova Mŋari waIsraeri, wamakanditumira kwaari kuti ndiȿitse munyeŋgetero wenyu pamberi pake: 10Kana muciŋge mucaɗa kugara munyika ino, ini ndicakuʋakai, handiŋgakukoromoriyi, ndicakusimai, handiŋgakudzuriyi; nokuti ndinoɀiɗemba pamsoro peɀakaipa ɀandakakuitirai. 11Musatya henyu mambo weBabironi, iye wamunotya; musamutya henyu — ndiɀo ɀinotaura Jehova; nokuti ndinemi, kuti ndikuponesei nokukurwirai paruʋoko rwake. 12Ndicakunzwirai nyasha, kuti iye aʋe nenyasha nemi, akudzosei kunyika yenyu. 13Asi kana mukati: Hatiɗi kugara munyika ino, saiɀoɀo musiŋgatereri inzwi raJehova Mŋari wenyu, 14muciti: Kwete, ticaenda kunyika yeEgipita, kwatisiŋgazoʋoni kurwa, kana kunzwa inzwi rehwamanda, kana kunzwa nzara yeɀokudya, ticandogara’ko; 15naiɀoɀo ɀino cinzwai shoko raJehova, imi ʋakasara ʋaJuda: Ɀanzi naJehova wehondo, Mŋari waIsraeri: Kana muciramba makarinzira ɀiso ɀenyu kuti muende Egipita, kundogara’ko muri ʋatorwa; 16ipapo munondo wamunotya ucakuɓatai’po panyika yeEgipita; nenzara yamunotya icakuteʋererai kwaɀo paEgipita, ndipapo pamucandofira. 17Ndiɀo ɀicaitirwa ʋarume ʋose ʋanorinzira ɀiso ɀaʋo kuti ʋaende Egipita, kundogara’ko ʋari ʋatorwa; ʋacafa nomunondo, nenzara, ʋuye nehosha; hakunomumŋe waʋo ucasara kana kupukunyuka paɀakaipa ɀandicaʋuyisa pamsoro paʋo. 18Nokuti ɀanzi naJehova wehondo, Mŋari waIsraeri: Kutsamŋa kwaŋgu nehasha dzaŋgu seɀaɀakaɗururwa pamsoro paʋagere Jerusarema, saiɀoɀo hasha dzaŋgu dzicaɗururwa pamsoro penyu, kana mucipinda Egipita; mucaʋa cinhu cinotukwa, necishamiso, necinomhurwa, necinoshoʋorwa; nenɀimbo ino hamuŋgazoiʋoni ɀe. 19Jehova wakataura pamsoro penyu, imi ʋakasara ʋaJuda, aciti: Regai kuenda Egipita; ziʋai kwaɀo kuti ndakakupupurirai nhasi. 20Nokuti makanyeŋgera mŋeya yenyu; nokuti makanditumira kunaJehova Mŋari wenyu, muciti: Tinyeŋgetererei kunaJehova Mŋari weɗu, ɀose ɀicarebga naJehova Mŋari weɗu, mutiziʋise iɀoɀo, ticaɀiita. 21Ɀino nhasi ndakuziʋisai iɀoɀo, asi hamuna‐kuterera inzwi raJehova Mŋari wenyu pacinhu cimŋe caakanditumira naco kwamuri. 22Naiɀoɀo ɀino ziʋai kwaɀo kuti mucafa nomunondo, nenzara, ʋuye nehosha yakaipa panɀimbo iyo yamunoɗa kuenda kwairi kundogara’ko muri ʋatorwa.

Zvasarudzwa nguva ino

Jeremia 42: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda