Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Jeremia 40

40
Jeremia unondogara naGedaria.
1Shoko rakabva kunaJehova, rikaȿika kunaJeremia, asunuŋgurwa paRama naNebuzaradani mukuru waʋarindi, ŋguʋa yaakaŋga amuɓata akasuŋgwa namaketani pakati paʋatapxa ʋose ʋeJerusarema naʋaJuda, ʋakaŋga ʋotapxa ʋaciiswa Babironi. 2Mukuru waʋarindi akatora Jeremia, akati kwaari: Jehova Mŋari wako wakareʋa ɀakaipa iɀi pamsoro penɀimbo ino; 3ɀino Jehova waɀiȿitsa, akaita seɀaakataura; ɀamakatadzira Jehova, mukasaterera inzwi rake, nemhaka iyo cinhu ici cakaʋuya pamsoro penyu. 4Ɀino tarira, ndinokusunuŋgurira nhasi maketani ari paruʋoko rwako. Kana uciti ɀakanaka kuenda neni Babironi, ciʋuya, ini ndicakuceŋgeta ɀakanaka; asi kana uciti ɀakaipa kuenda neni Babironi, cirega hako; tarira, nyika yose iri pamberi pako; cienda hako kwaunoti ɀakanaka neɀakarurama kuti uende. 5Ɀino wakati acigere kuenda, akati: Dzokera kunaGedaria mŋanakomana waAhikami, mŋanakomana waShafani, wakagadzwa namambo weBabironi aʋe muɓati wamaguta aJuda, undogara naye pakati paʋanhu; kana cienda hako kwaunoti ɀakanaka kuti uende. Naiɀoɀo mukuru waʋarindi akamupa ɀokudya necipo, akamuendisa. 6Ipapo Jeremia akaenda kunaGedaria mŋanakomana waAhikami paMizpa, akagara naye pakati paʋanhu ʋakaŋga ʋakasiyiwa munyika.
7Ɀino ʋakuru ʋose ʋehondo, ʋakaŋga ʋari kumasaŋgo, iʋo naʋanhu ʋaʋo, ʋakati ʋacinzwa kuti mambo weBabironi wakaŋga agadza Gedaria mŋanakomana waAhikami aʋe muɓati munyika iyo, akaisa pamaʋoko ake ʋarume naʋakadzi naʋana, naʋaiʋa ʋarombo kwaɀo panyika, ʋakaŋga ʋasina‐kutapirwa Babironi, 8ʋakaʋuya kunaGedaria paMizpa, ʋaiti, Ishmaeri mŋanakomana waNetania, naJohanani naJonatani ʋanakomana ʋaKarea, naSeraia mŋanakomana waTanhumeti, naʋanakomana ʋaEfai muNetofati, naJezania mŋanakomana womuMaakatiti, iʋo naʋanhu ʋaʋo. 9Gedaria mŋanakomana waAhikami, mŋanakomana waShafani, akaʋapikira, iʋo naʋanhu ʋaʋo, aciti: Musatya kushumira ʋaKardea; garai henyu panyika, mushumire mambo weBabironi, mugoʋa nomufaro. 10Kana ndirini, tarirai, ndicagara paMizpa, kuti ndimire pamberi paʋaKardea, ʋacaʋuya kwatiri; asi imi, ʋuŋganidzai waini neɀiɓereko ɀezhezha namafuta, muɀiise mumidziyo yenyu, mugare mumaguta enyu amakakunda. 11Saiɀoɀo ʋo, ʋaJuda ʋose, ʋaiʋa paMoabi, naʋaiʋa pakati paʋana ʋaAmoni, napaEdomi, naʋaiʋa panyika dzose, ʋakati ʋacinzwa kuti mambo weBabironi wakaŋga asiya ʋamŋe ʋaJuda, akagadza Gedaria mŋanakomana waAhikami, mŋanakomana waShafani aʋe muɓati waʋo; 12ipapo ʋaJuda ʋose ʋakadzoka pose paʋakaŋga ʋadziŋgirwa, ʋakaʋuya kunyika yaJuda, kunaGedaria paMizpa, ʋakaʋuŋganidza waini neɀiɓereko ɀizhinji kwaɀo ɀezhezha.
13NaJohanani ʋo, mŋanakomana waKarea, naʋakuru ʋose ʋehondo ʋaiʋa kumasaŋgo, ʋakaʋuya kunaGedaria paMizpa, 14ʋakati kwaari: Munoziʋa here kuti Baarisi, mambo waʋana ʋaAmoni, wakatuma Ishmaeri mŋanakomana waNetania kuzokuʋurayai? Asi Gedaria mŋanakomana waAhikami haana‐kuʋatenda. 15Ipapo Johanani mŋanakomana waKarea akataura naGedaria paMizpa cinyerere, akati: Nditenderei henyu kuenda ndindoʋuraya Ishmaeri mŋanakomana waNetania, hakuŋgaʋi nomunhu ucaɀiziʋa; ko iye uŋgakuʋurayirei, kuti ʋaJuda ʋose ʋakaʋuŋgana kwamuri ʋapararire, naʋakasara ʋaJuda ʋaparare? 16Asi Gedaria mŋanakomana waAhikami akati kunaJohanani mŋanakomana waKarea: Usaita cinhu ici, nokuti unoreʋa nhema pamsoro paIshmaeri.

Zvasarudzwa nguva ino

Jeremia 40: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda