Jeremia 2
2
Jehova unotuka Israeri.
1Ɀino shoko raJehova rakaʋuya kwandiri, riciti: 2Enda, undoɗana munzeʋe dzaʋeJerusarema, uti: Ɀanzi naJehova: Ndakaraŋgarira pamsoro pako ʋunyoro bgoʋuɗuku bgako noruɗo rweŋguʋa yokuwanikwa kwako, kuti wakanditeʋera murenje, munyika yakaŋga isina‐kudɀarwa. 3Israeri ʋakaŋga ʋari rudzi rutȿene kunaJehova, ɀiɓereko ɀitȿa ɀaakaɀiwanira; ʋose ʋanomudya ʋacaʋa nemhoȿa; ʋacawirwa neɀakaipa — ndiɀo ɀinotaura Jehova.
4Inzwai shoko raJehova, imi imba yaJakobo, nemhuri dzose dzeimba yaIsraeri: 5Ɀanzi naJehova: Madziɓaɓa enyu akawana ɀisakarurama ɀipiko kwandiri, ɀaʋakaenda kure neni, ɀaʋakateʋera ɀisinamaturo, iʋo ʋamene ʋakaʋa ʋasinamaturo? 6Ʋuye haʋana‐kureʋa, ʋaciti: Uripiko Jehova wakatiɓuɗisa panyika yeEgipita, akatifambisa murenje, munyika inamasaŋgo namakomba, munyika yakawoma neyomumvuri worufu, munyika isiŋgafambgi nomunhu acipfuʋura’po, musiŋgagari munhu? 7Ndakakuȿitsai munyika ineminda yakaʋorera, kuti mudye ɀiɓereko ɀayo neɀakanaka ɀayo; asi makati mapinda, mukaȿiɓisa nyika yaŋgu, mukaita nhaka yaŋgu cinhu cinonyaŋgadza. 8Ʋaprista haʋana‐kuti: Jehova uripiko? Ʋaifambisa mirairo ʋakaŋga ʋasiŋgandiziʋi, ʋafudzi ʋaindiɗarikira, ʋaprofita ʋaiprofitera Baari, ʋaciteʋera ɀinhu ɀisiŋgaɓatsiri. 9Saka ɀanzi naJehova: Ndicaramba ndicikakaʋara nemi, ndicakakaʋara naʋana ʋaʋana ʋenyu. 10Nokuti yambukirai kuɀiwi ɀeKitimi, muʋone; tumai ʋanhu Kedari, mufuŋgisise ɀakanaka, muʋone kana kwakamboʋa’po cinhu cakaɗai. 11Ko rudzi ruri’po rwakatsinhanhisa ʋamŋari ʋarwo, iʋo ʋasati ʋari ʋamŋari here? Asi ʋanhu ʋaŋgu ʋakatsinhanisa kukudzwa kwaʋo neɀinhu ɀisiŋgaɓatsiri. 12Shamiswa necinhu ici, iwe ɗeŋga rose, utye ɀikuru, uvunduswe kwaɀo — ndiɀo ɀinotaura Jehova. 13Nokuti ʋanhu ʋaŋgu ʋakaita ɀinhu ɀiʋiri ɀakaipa: Ʋakandisiya, ini tsime remvura mhenyu, ʋakaɀiʋezera ɀiroŋgo, ɀiroŋgo ɀakaputsika, ɀisiŋgagoni kuceŋgeta mvura. 14Israeri muranda here? Ko ndiye muranda wakaɓerekerwa mumba matenzi wake here? Ko ɀino wapambga seiko? 15Ʋana ʋeshumba ʋakamuʋombera, ʋakarira, nokuparadza nyika yake; maguta ake akapiswa, hakuna‐unogara’mo. 16Ʋana ʋeNofi naʋeTapanesi ʋakapedza vudzi romusoro wako. 17Ko haunakuɀitȿakira iɀoɀo, ɀawakasiya Jehova Mŋari wako paŋguʋa yaakakufambisa panzira yake here? 18Ɀino unondotȿakei panzira inoenda Egipita, kundonwa mvura yeSihori here? Unondotȿakei panzira inoenda Asiria, kundonwa mvura yoRwizi here? 19Ɀakaipa ɀako ɀinokuroʋa, kudzokera kwako shure kunokutuka; naiɀoɀo ɀanzi naShe Jehova wehondo: Ziʋa, uʋone kuti cinhu cakaipa cinoʋaʋa kuti wakasiya Jehova Mŋari wako, ʋuye kuti haundityi. 20Nokuti yatoʋa ŋguʋa huru yawakavuna joko rako, nokuɗambura ɀisuŋgo ɀako; ukati: Handiɗi kuɓatira; nokuti wakafugama pacikomo cipi necipi cakakwirira napasi pomuti upi noupi mutema ucifeʋa. 21Kunyaŋge ɀakaɗaro ndakaŋga ndakusima uri muzambiriŋga wakaiȿo‐naka, mbeu kwayo yaɀokwaɗi; ɀino wandishandukira sei ukaʋa mataʋi akaipa omuzambiriŋga worumŋe rudzi? 22Nokuti kunyaŋge ukashamba nesoda, ukatora sipo zhinji, kunyaŋge ɀakaɗaro ɀakaipa ɀako ɀakaita segwapa pamberi paŋgu — ndiɀo ɀinotaura Ishe Jehova. 23Uŋgareʋa seiko, uciti: Handina‐kuȿiɓiswa, handina‐kuteʋera ʋaBaari? Cerekedza nzira yako pamupata, uziʋe cawakaita; uri hadzi yekamera inomhanya, inofamba nenzira dzayo; 24uri hadzi yembizi yakaroʋera renje, inofembedza mhepo nokushuʋa kwayo; ndiani uŋgaidzora pakuʋiŋga kwayo? Dzose, dzinoitȿaka, hadziŋganeti; pamŋedzi wayo dzinoiwana. 25Usatendera rutsoka rwako kufamba usineshaŋgu, nehuro dzako kuʋa nenyota. Asi iwe wakati: Haɀinamaturo; kwete, nokuti ndakaɗa ʋatorwa, ndiʋo ʋandicateʋera. 26Mbava seɀainonyadziswa kana yaʋonekwa, saiɀoɀo imba yaIsraeri yanyadziswa, iʋo, namadzimambo aʋo, namacinda aʋo, naʋaprista ʋaʋo, naʋaprofita ʋaʋo; 27iʋo, ʋanoti kuɗanda: Uri ɓaɓa ʋaŋgu; nokubge: Ndiwe wakandiɓereka; nokuti ʋakandifuratira, haʋana‐kunditarira neɀiso ɀaʋo; asi paŋguʋa yokutambudzika kwaʋo ʋacati: Simukai, mutiponese. 28Ɀino ʋaripiko ʋamŋari ʋenyu ʋamakaɀiitira? Ŋgaʋasimuke kana ʋacigona kukuponesai paŋguʋa yokutambudzika; nokuti kuwanda kwaʋamŋari ʋako, iwe Jakobo, kwakaenzana namaguta ako.
29Munokakaʋara neni neiko? Imi mose makandiɗarikira — ndiɀo ɀinotaura Jehova. 30Ndakaroʋa ʋana ʋenyu pasina, haʋana‐kuterera kuraŋgwa; munondo wenyu ndiwo wakaʋuraya ʋaprofita ʋenyu, seshumba inoparadza. 31Haiwa, imi rudzi rwakaɗai! ʋonai shoko raJehova. Ko ini ndakaŋga ndiri renje kunaIsraeri here? Kana nyika yerima guru here? Ʋanhu ʋaŋgu ʋanoreʋereiko ʋaciti: Tinotekeshera heɗu, haticazoʋuyi ɀe kwamuri? 32Ko mhandara iŋgakaŋganwa ɀishoŋgo ɀayo, kana mŋeŋga mukonde wake here? Asi ʋanhu ʋaŋgu ʋakandikaŋganwa mazuʋa asiŋgaʋereŋgwi. 33Haiwa, unoziʋa ɀakanaka sei kunatsa nzira yako, kuti utȿake kuɗikanwa! Saka wakadzidzisa naʋakadzi ʋakaipa ʋo nzira dzako. 34Pamipendero yeŋguʋo dzako pakawanikwa ʋo ropa raʋarombo ʋasinemhaka; handina‐kuriwana pakapaziwa imba, asi paneɀiɀi ɀose. 35Kunyaŋge ɀakaɗaro iwe wakati: Handinemhaka; ɀirokwaɀo kutsamŋa kwake kwakadzorwa kwandiri. Tarira, ndicakutoŋga, ɀaunoti: Handina‐kutadza. 36Unofambireiko pose‐pose, ucishandura nzira yako? Ucanyadziswa neEgipita, seɀawakanyadziswa neAsiria. 37Naipapo ʋo ucabva wakaisa maʋoko ako pamusoro wako; nokuti Jehova wakaramba ʋaunoʋimba naʋo, newe hauŋgaɓatsirwi naʋo.
Zvasarudzwa nguva ino
Jeremia 2: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018