Jeremia 1
1
Jeremia unoɗanwa naJehova kuʋa Muprofita wake.
1Mashoko aJeremia, mŋanakomana waHirkia, waiʋa worudzi rwaʋaprista ʋaiʋa paAnatoti panyika yaBenjamini: 2Shoko raJehova rakaʋuya kwaari pamazuʋa aJosia, mŋanakomana waAmoni, mambo waJuda, negore regumi namatatu rokuɓata kwake ʋushe. 3Rikaʋuya ʋo pamazuʋa aJehoiakimi, mŋanakomana waJosia, mambo waJuda, kuȿikira pakupera kwegore regumi nerimŋe raZedekia, mŋanakomana waJosia, mambo waJuda, kuȿikira pakutapxa kwaʋeJerusarema nomŋedzi wecishanu.
4Ɀino shoko raJehova rakaʋuya kwandiri, riciti: 5Ndakakuziʋa ndisati ndakuʋumba muɗumbu ramai, ndakakuita mutȿene usati waɓuɗa muciɀaro camai; ndakakugadza kuti uʋe muprofita wamarudzi aʋanhu. 6Ipapo ndikati: Haiwa, Ishe Mŋari, tarirai, handigoni kutaura, nokuti ndiri mŋanana haŋgu. 7Asi Jehova wakati kwandiri: Usati ndiri mŋanana; nokuti kunaaninani wandineŋge ndicikutuma, unofanira kuenda, necinhu cipi necipi candineŋge ndicikuraira, unofanira kucitaura. 8Usatya nokuɗa kwaʋo, nokuti ɀanzi naJehova: Ini ndinewe, kuti ndikurwire. 9Ipapo Jehova akatambanudza ruʋoko rwake, akaɓata muromo waŋgu; Jehova akati kwandiri: Tarira, ndaisa mashoko aŋgu mumuromo mako. 10Tarira, ndakugadza zuʋa ranhasi uʋe nesimba pamsoro pamarudzi noʋushe, kuti udzure nokukoromora, kuparadza nokuwisira pasi, kuʋaka nokurima.
Unoratidzwa ɗaʋi romuamanda negate rinoʋira.
11Ipapo shoko raJehova rakaʋuya ɀe kwandiri, riciti: Jeremia, unoʋonei? Ndikati: Ndinoʋona ɗaʋi romuamanda. 12Ipapo Jehova akati kwandiri: Waʋona ɀakanaka; nokuti ndinoȿinurira shoko raŋgu, kuti ndiriite. 13Ɀino shoko raJehova rakaʋuya kwandiri rwecipiri, riciti: Unoʋonei? Ndikati: Ndinoʋona gate rinoʋira, muromo waro unotarira kuno‐uri kurutiʋi rwokumsoro. 14Ipapo Jehova akati kwandiri: Kurutiʋi rwokumsoro ndiko kucaɓuɗa ɀakaipa ɀicawira ʋanhu ʋose ʋagere panyika ino. 15Nokuti ɀanzi naJehova: Tarirai, ndinoɗana marudzi ose oʋushe ari kurutiʋi rwokumsoro; acaʋuya, rumŋe norumŋe rucaisa cigaro carwo coʋushe paʋanopinda pamasuʋo eJerusarema, napamaȿiŋgo aro kumatiʋi ose napamaguta ose aJuda, kuzorwa nawo. 16Ndicareʋa ɀandakaʋatoŋgera pamsoro peɀakaipa ɀaʋo ɀose, ɀaʋakandirasha, ʋakapisira ʋamŋe ʋamŋari ɀinonhuwira, ʋakanamata maɓasa amaʋoko aʋo. 17Ɀino iwe, ciɀisuŋga ciʋuno, usimuke, uʋaparidzire ɀose ɀandakakuraira; usavunduka nokuɗa kwaʋo, kuti ndirege kukuvundusa pamberi paʋo. 18Nokuti tarira, ndakakuita zuʋa ranhasi guta rakakomberedzwa, nembiru yeɗare, namaȿiŋgo endarira, urwe nenyika yose, namadzimambo aJuda, namacinda aʋo, naʋaprista ʋaʋo, naʋanhu ʋenyika. 19Ʋacarwa newe, asi haʋaŋgakukundi, nokuti ini ndinewe, kuti ndikurwire — ndiɀo ɀinotaura Jehova.
Zvasarudzwa nguva ino
Jeremia 1: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018