Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Jeremia 3

3
1Ɀinonzi: Kana murume akaramba mukadzi wake, iye akabva kwaari, akandowanikwa nomumŋe murume, ko murume uŋgadzokera kwaari ɀe here? Ko nyika yakaɗai haiŋgaȿiɓiswi kwaɀo here? Asi iwe wakafeʋa naʋaɗikanwa ʋako ʋazhinji; ɀino woɗo‐kudzokera hako kwandiri — ndiɀo ɀinotaura Jehova. 2Riŋgira meso ako kuɀikomo ɀisinemiti, uʋone; paʋasina‐kupombora newe ndapapi? Wakaʋagarira panzira somuArabia parenje; waȿiɓisa nyika nokufeʋa kwako neɀakaipa ɀako. 3Naiɀoɀo wakanyimŋa mvura inopfunha, nemvura yokupedzisira yakaŋga isi’po; kunyaŋge ɀakaɗaro wakaŋga unehuma yecifeʋe, ukaramba kunyadziswa. 4Ko hauŋgataŋgi ɀino uciɗana kwandiri here, uciti: Ƃaɓa ʋaŋgu, ndimi muperekedzi woʋuɗuku bgaŋgu? 5Ko ucagara akatsamŋa nokusiŋgaperi here? Ucagara nako kuȿikira pakupedzisira here? Tarira, wakataura iɀoɀo ukaita ɀinhu ɀakaipa, ukaɀipedzisa.
Jehova unoɗana ʋanhu ʋake kuti ʋadzokere kwaari.
6Ɀino Jehova wakati ɀe kwandiri, namazuʋa amambo Josia: Waʋona here ɀakaitwa naIsraeri pakudzokera kwaʋo shure? Ʋakakwira pagomo rimŋe nerimŋe rakakwirira nokupinda pasi pomuti mumŋe nomumŋe mutema, ndokundofeʋa’po. 7Ɀino ʋakati ʋapedza kuita iɀoɀo ɀose, ini ndikati: Ʋacadzokera kwandiri, asi haʋana‐kudzokera; nomunuŋuna waʋo, Juda, ʋokusatendeka, ʋakaɀiʋona. 8Ɀino ndakaʋona kuti paŋguʋa yandakaramba Israeri, ʋokudzokera shure, ndikaʋapa rugwaro rwokuʋaramba nemhaka yokufeʋa kwaʋo, kunyaŋge ɀakaɗaro munuŋuna waʋo, iʋo ʋaJuda, ʋokusatendeka, haʋana‐kutya; asi naiʋo ʋakandofeʋa ʋo. 9Ɀino nokusaraŋgarira kwaʋo nyika yakaȿiɓiswa nokufeʋa kwaʋo, ʋakafeʋa namabge namatanda. 10Kunyaŋge ɀinhu iɀi ɀakaɗaro ɀose, munuŋuna waʋo, Juda, haʋana‐kudzokera kwandiri nomŋoyo waʋo wose, asi nokunyeŋgera — ndiɀo ɀinotaura Jehova. 11Ɀino Jehova akati kwandiri: Israeri ʋokudzokera shure, ʋakaita ɀakarurama kukunda Juda ʋokusatendeka. 12Enda undoparidza mashoko awa kurutiʋi rwokumsoro, uti: Dzokai, imi Israeri ʋokudzokera shure — ndiɀo ɀinotaura Jehova; handiŋgakutaririyi ndakatsamŋa, nokuti ndinenyasha, handiŋgarambi ndakatsamŋa nokusiŋgaperi — ndiɀo ɀinotaura Jehova. 13Asi muziʋe ɀakaipa ɀenyu ɓedzi, kuti makaɗarikira Jehova Mŋari wenyu, mukafambafamba muciteʋera ʋatorwa pasi pemiti yose mitema, mukasaterera inzwi raŋgu — ndiɀo ɀinotaura Jehova. 14Ɀanzi naJehova: Dzokai imi ʋana ʋokudzokera shure, nokuti ndiri murume wenyu; ndicakutorai, mumŋe paguta rimŋe, ʋaʋiri parudzi rumŋe, ndicikuisai Zioni. 15Ndicakupai ʋafudzi ʋanofadza mŋoyo waŋgu, ʋacakufudzai neziʋo nenjere. 16Ɀino kana mawanda nokuwedzerwa panyika pamazuʋa iwayo — ndiɀo ɀinotaura Jehova — haʋaŋgazoti: Areka yesuŋgano yaJehova; haʋaŋgaifuŋgi, haʋaŋgairaŋgariri, haʋaŋgaitȿaki, haʋaŋgaiiti ɀe. 17Paŋguʋa iyo ʋacatumidza Jerusarema cigaro coʋushe caJehova; marudzi ose acaʋuŋganidzirwa’po, paJerusarema, nokuɗa kwezita raJehova; haʋacazofambi noʋukukutu bgemŋoyo yaʋo yakashata. 18Namazuʋa iwayo imba yaJuda icafamba pamŋe cete neimba yaIsraeri, ʋacaʋuya pamŋe cete ʋacibva kunyika yokumsoro kunyika yandakapa madziɓaɓa enyu iʋe nhaka yaʋo. 19Asi ndakati: Ndicakuisai sei pakati paʋana ʋaŋgu, ndikupei nyika inofadza, nhaka yakaiȿo‐naka yamarudzi akawanda; ndikati: Imi mucanditumidza zita rokuti Ƃaɓa ʋaŋgu, hamuŋgazotsauki pakunditeʋera. 20Ɀanzi naJehova: Ɀirokwaɀo, mukadzi seɀaanosiya murume wake acinyeŋgera, saiɀoɀo imi makandinyeŋgera, imi imba yaIsraeri. 21Inzwi rinonzwika kuɀikomo ɀisinemiti, kucema nokunyeŋgetera kwaʋana ʋaIsraeri; nokuti ʋakaminamisa nzira dzaʋo, ʋakakaŋganwa Jehova Mŋari waʋo. 22Dzokai, imi ʋana ʋokudzokera shure, ndicapodza kudzokera kwenyu. Tarirai, taʋuya kwamuri, nokuti imi muri Jehova Mŋari weɗu. 23Ɀirokwaɀo, ɀinobva kuɀikomo nemhere‐mhere inobva kumakomo haɀinamaturo; ɀirokwaɀo kuponeswa kwaIsraeri kuri kunaJehova Mŋari weɗu. 24Asi cinhu cinonyaŋgadza cakaparadza ɓasa ramadziɓaɓa eɗu kubva paʋuɗuku bgeɗu, makwai aʋo neŋombe dzaʋo, ʋanakomana ʋaʋo naʋanasikana ʋaʋo. 25Ŋgatiʋatei pasi nokunyadziswa kweɗu, kunyara kweɗu ŋgakutifukidze; nokuti takatadzira Jehova Mŋari weɗu, isu namadziɓaɓa eɗu, kubva paʋuɗuku bgeɗu kuȿikira pazuʋa ranhasi; hatinakuterera inzwi raJehova Mŋari weɗu.

Zvasarudzwa nguva ino

Jeremia 3: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda