Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Jeremia 11

11
1Shoko rakaʋuya kunaJeremia, ricibva kunaJehova, riciti: 2Inzwai mashoko esuŋgano iyi, mutaure naʋanhu ʋaJuda, naʋagere Jerusarema, 3uti kwaʋari: Ɀanzi naJehova, Mŋari waIsraeri: Munhu usiŋganzwi mashoko esuŋgano iyi, ŋgaatukwe, 4aya andakaraira madziɓaɓa enyu nezuʋa randakaʋaɓuɗisa munyika yeEgipita, mucoto camatare, ndiciti: Tererai inzwi raŋgu, muɀiite ɀose seɀandakakurairai; ipapo mucaʋa ʋanhu ʋaŋgu, neni ndicaʋa Mŋari wenyu; 5kuti ndisimbise kupika kwandakapikira madziɓaɓa enyu, kuti ndicaʋapa nyika inoyerera mukaka noʋuci, seɀaɀakaita zuʋa ranhasi. Ipapo ndakapindura, ndikati: Ameni, Jehova!
6Ɀino Jehova akati kwandiri: Paridza mashoko awa ose pamaguta aJuda, napanzira dzomuJerusarema, uciti: Inzwai mashoko esuŋgano iyi, muaite. 7Nokuti ndakarairira madziɓaɓa enyu kwaɀo nezuʋa randakaʋaɓuɗisa munyika yeEgipita, kuȿikira zuʋa ranhasi, ndicifumira maŋgwanani, ndicirairira, ndiciti: Tererai inzwi raŋgu. 8Asi haʋana‐kuterera, kana kurerekera nzeʋe dzaʋo, asi mumŋe nomumŋe waʋo wakaramba acifamba noʋukukutu bgomŋoyo wake wakaipa; naiɀoɀo ndakaʋuyisa pamsoro paʋo mashoko ose esuŋgano iyi, andakaʋaraira kuti ʋaaite, asi haʋana‐kuaita.
9Ɀino Jehova akati kwandiri: Raŋgano yakaipa yawanikwa pakati paʋanhu ʋaJuda, napakati paʋagere Jerusarema. 10Ʋakadzokera kuneɀakaipa ɀamadziteteguru aʋo, akaramba kunzwa mashoko aŋgu, ʋakateʋera ʋamŋe ʋamŋari kuti ʋaʋashumire; imba yaIsraeri neimba yaJuda ʋakaputsa suŋgano yaŋgu yandakaita namadziɓaɓa aʋo. 11Naiɀoɀo ɀanzi naJehova: Tarirai, ndicaʋuyisa ɀakaipa pamsoro paʋo, ɀaʋasiŋgagoni kutiza; ʋacaɗanidzira kwandiri, asi handiŋgaʋanzwi. 12Ipapo ʋamaguta aJuda naʋagere Jerusarema, ʋacandoɗanidzira kunaʋamŋari ʋaʋanopisira ɀinonhuwira; asi haʋaŋgatoŋgoʋaponesi paŋguʋa yokutambudzika kwaʋo. 13Nokuti iwe Juda, kuwanda kwaʋamŋari ʋako kwakafanana nokuwanda kwamaguta ako; ʋuye makaʋakira cinhu cinonyadzisa maartari, iwo maartari okupisira Baari ɀinonhuwira, akawanda senzira dzomuJerusarema. 14Saka iwe usanyeŋgeterera ʋanhu aʋa, kana kuɗana nokuɗa kwaʋo nenzwi rako kana munyeŋgetero wako; nokuti handiŋgaʋanzwi neŋguʋa yaʋanoɗanidzira kwandiri nokuɗa kwokutambudzika kwaʋo.
15Muɗikanwa waŋgu unotȿakeiko mumba maŋgu, ɀaakaita ɀinonyaŋgadza naʋazhinji? Mhiko nenyama tȿene ɀiŋgabvisa njodzi yako here? Ipapo uŋgafara kwaɀo. 16Jehova wakakutumidza zita rinonzi, Muorivi mutema, wakanaka neɀiɓereko ɀakanaka; asi wakazoʋesa mŋoto pamsoro pawo nomubvumo weɓope guru, mataʋi awo akavuniwa. 17Nokuti Jehova wehondo, iye wakakusima, wakareʋa ɀakaipa pamsoro pako, nokuɗa kweɀakaipa ɀeimba yaIsraeri, neimba yaJuda, ɀaʋakaita ʋacinditsamŋisa nokupisira kwaʋo Baari ɀinonhuwira.
Ʋanoraŋgana ɀakaipa pamsoro paJeremia.
18Jehova wakandiziʋisa iɀoɀo, ndikaɀiziʋa; ipapo mukandiratidza ɀaʋanoita. 19Asi ini ndakaŋga ndakafanana negwaiana nyoro rinoiswa kundoɓayiwa; ndakaŋga ndisiŋgaziʋi kuti ʋakaŋga ʋaraŋgana mano akaipa pamsoro paŋgu, ʋaciti: Ŋgatiparadze muti pamŋe cete neɀiɓereko ɀawo, ŋgatimubvise cose panyika yaʋapenyu, zita rake rirege kuzoraŋgarirwa. 20Asi imi Jehova wehondo, imi munotoŋga ɀakarurama, munoidza itȿo nomŋoyo, ndicaʋona kutsiʋa kwenyu kwaʋari, nokuti ndakakuzarurirai mhaka yaŋgu. 21Naiɀoɀo ɀanzi naJehova pamsoro paʋanhu ʋeAnatoti, ʋanotȿaka kukuʋuraya, ʋaciti: Haufaniri kuprofita nezita raJehova, kuti urege kuʋurawa namaʋoko eɗu; 22naiɀoɀo ɀanzi naJehova wehondo: Tarirai, ndicaʋaroʋa; majaya acaʋurawa nomunondo, ʋanakomana ʋaʋo naʋanasikana ʋaʋo ʋacaʋurawa nenzara; 23haʋaŋgasarirwi naʋanhu, nokuti ndicaʋuyisa ɀakaipa pamsoro paʋanhu ʋeAnatoti pagore rokurobga kwaʋo.

Zvasarudzwa nguva ino

Jeremia 11: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda