Nokuti tinogumburwa tose paɀinhu ɀizhinji. Kana munhu asiŋgagumburwi pakutaura, iye munhu wakakwana, unogona kudzora muʋiri wose ʋo. Ɀino kana ticiisa matare amabiza mumiromo yawo, kuti atiterere, tinodzora ʋo muʋiri wawo wose. Tarirai magwa makuru, kunyaŋge ari makuru akaɗai, acidziŋgwa nemhepo dzinesimba guru, anodzorwa necidzoreso ciɗuku‐ɗuku kwose‐kwose nokuɗa kwomŋoyo womufambisi wawo. Saiɀoɀo ʋo rurimi mutezo muɗuku, runoɀirumbidza ɀikuru. Tarirai, mŋoto muɗuku unotuŋgidza huni zhinji sei! Rurimi mŋoto, rwakaita se nyika izere neɀisakarurama; ndiɀo ɀakaita rurimi pakati pemitezo yeɗu, runoȿiɓisa muʋiri wose, runotuŋgidza nzira yose yoʋupenyu, runotuŋgidzwa irwo neGehena. Nokuti marudzi ose emhuka, neeshiri, neeɀinokambaira, neeɀiri muguŋgwa aŋgapiŋgudzwa, ʋuye akambopiŋgudzwa naʋanhu; asi hakunomunhu uŋgapiŋgudza rurimi; ndico cinhu cakaipa cinoshanduka‐shanduka, cizere nomuti unoʋuraya. Narwo tinorumbidza Ishe Ƃaɓa; narwo tinotuka ʋanhu, ʋakaitwa nomufananidzo waMŋari; mumuromo mumŋe munobva kurumbidza nokutuka. Hama dzaŋgu, hatifaniri kuɗaro. Tsime rinoɓuɗisa pacituɓu cimŋe mvura inonaka neinoʋaʋa here? Hama dzaŋgu, muʋonde uŋgaɓereka maorivi, kana muzambiriŋga maʋonde here? Kunyaŋge nemvura inoʋaʋa haiŋgaɓuɗisi inonaka.
Verenga chikamu Jakobo 3
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Jakobo 3:2-12
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo