Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Jemusi 3:2-12

Jemusi 3:2-12 SCLB

Nokuti tose tinokanganisa kakawanda. Kana munhu asinganganisi mune zvaanotaura, munhu iyeyo, munhu akakwana anogona kuita kuti muviri wake wose umuteerere. Kana tichiisa matomhu mukanwa memabhiza kuti atiteerere, tinotungamirira miviri yawo yose. Tarisai muonewo zvikepe. Kunyange zvakakura zvazvo kudaro uye zvichisundwa nemhepo dzine simba, zvinotungamirirwa nekadiki kokudzoresa chikepe kunenge kwadiwa nomutyairi. Saizvozvo rurimi kanhengo kadikidiki kanozvikudza nezvinhu zvikuru. Sango guru rinoririmiswa wani nakamoto kadikidiki. Rurimi moto. Rurumi inyikawo pachayo nokwayo youipi mukati menhengo dzomuviri wedu. Runosvibisa munhu wose sezvaari ruchingandutsa nomoto nzira youpenyu hwose hwomunhu. Irwowo runobatidzwa nomoto warwo negehena. Mhuka dzamarudzi ose neshiri nezvose zvinozvova napasi nezvinhu zvomugungwa zvinogona kupingudzwa uye zvinopingudzwa navanhu. Asi hapana munhu anogona kupingudza rurimi, rwakaipa uye haruna parwo uyezve rune chepfu. Tinorumbidza narwo Tenzi naBaba uye narwo tinorengerera vanhu rushambwa, vanhu vakasikwa vakafanana naMwari. Mukanwa mumwechetemo munobuda chikomborero nokurengerera rushambwa. Hama dzangu hazvifaniri kudaro. Chisipiti chingaburitse, napaburi rimwechete, mvura yakanaka nemvura inovava here? Muonde ungabereke maorivhi here, nhai hama dzangu, kana kuti mugirepisi ungabereke maonde here? Saizvozvowo mvura inovava haigoni kuburitsa mvura yakanaka.

Verenga chikamu Jemusi 3