Jakobho 3:2-12
Jakobho 3:2-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Tose tinogumbuswa munzira dzakawanda. Kana pano munhu asingatongokanganisi pakutaura kwake, iye munhu akakwana, anogona kudzora muviri wake wose. Patinoisa matomu mumiromo yamabhiza tichiaita kuti atiteerere, tinogona kudzora muviri wose wechipfuwo. Kana kuti ngatitorei zvikepe somuenzaniso. Kunyange zvakakura sei uye zvichisundwa nemhepo ine simba, zvinofambiswa nechifambiso chiduku duku kwose kwose kunodiwa kuendwa nomuchairi. Saizvozvo, rurimi mutezo muduku womuviri, asi runozvikudza zvikuru. Cherechedzai kukura kwesango rinopiswa nebari duku romoto. Rurimi motowo, inyika yezvakaipa pakati pemitezo yomuviri. Runoodza muviri wose, runotungidza nzira yose youpenyu hwomunhu nomoto, uye irwo pacharwo runotungidzwa neGehena. Marudzi ose emhuka, eshiri, ezvinokambaira neezvisikwa zvomugungwa zvinopingudzwa uye zvakambopingudzwa navanhu, asi hakuna munhu anogona kupingudza rurimi. Ndirwo chinhu chakaipa chisingazorori, chizere nomuchetura unouraya. Narwo tinorumbidza Ishe wedu naBaba vedu, uye narwo tinotuka vanhu, vakaitwa nomufananidzo waMwari. Mumuromo mumwe chete imomo munobuda kurumbidza nokutuka. Hama dzangu, hazvifaniri kudaro. Ko, mvura yakanaka neinovava ingabuda mutsime rimwe chete here? Hama dzangu, muonde ungabereka maorivhi kana muzambiringa maonde here? Kunyange tsime rinovava haringabudisi mvura yakanaka.
Jakobho 3:2-12 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Nokuti tinogumburwa tose muzvinhu zvizhinji. Kana munhu asingagumburwi mukutaura, iye munhu akakwana, anogona kudzora muviri wosewo. Zvino kana tichiisa matare amabhiza mumiromo yawo, kuti atiteerere, tinodzorawo muviri wawo wose. Tarirai magwa makuru, kunyange ari makuru akadai, achidzingwa nemhepo dzine simba guru, anodzorwa nechidzoreso chidukuduku kwose-kwose nokuda kwomwoyo womufambisi wawo. Saizvozvowo rurimi mutezo muduku, runozvirumbidza zvikuru. Tarirai, moto muduku unotungidza huni zhinji sei! Rurimi moto, rwakaita senyika izere nezvisakarurama; ndizvo zvakaita rurimi pakati pemitezo yedu, runosvibisa muviri wose, runotungidza nzira yose youpenyu, runotungidza irwo neGehena. Nokuti marudzi ose emhuka, neeshiri, neezvinokambaira, neezviri mugungwa angapingudzwa, uye ukambopingudzwa navanhu; asi hakuna munhu angapingudza rurimi; ndicho chinhu chakaipa chinoshanduka-shanduka, chizere nomuti unouraya. Narwo tinorumbidza Ishe Baba; narwo tinotuka vanhu, vakaitwa nomufananidzo waMwari; mumuromo mumwe munobva kurumbidza nokutuka. Hama dzangu, hatifaniri kudaro. Tsime rinobudisa pachitubhu chimwe mvura inonaka neinovava here? Hama dzangu, muonde ungabereka maorivhi, kana muzambiringa maonde here? Kunyange nemvura inovava haingabudisi inonaka.
Jakobho 3:2-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Nokuti tose tinokanganisa kakawanda. Kana munhu asinganganisi mune zvaanotaura, munhu iyeyo, munhu akakwana anogona kuita kuti muviri wake wose umuteerere. Kana tichiisa matomhu mukanwa memabhiza kuti atiteerere, tinotungamirira miviri yawo yose. Tarisai muonewo zvikepe. Kunyange zvakakura zvazvo kudaro uye zvichisundwa nemhepo dzine simba, zvinotungamirirwa nekadiki kokudzoresa chikepe kunenge kwadiwa nomutyairi. Saizvozvo rurimi kanhengo kadikidiki kanozvikudza nezvinhu zvikuru. Sango guru rinoririmiswa wani nakamoto kadikidiki. Rurimi moto. Rurumi inyikawo pachayo nokwayo youipi mukati menhengo dzomuviri wedu. Runosvibisa munhu wose sezvaari ruchingandutsa nomoto nzira youpenyu hwose hwomunhu. Irwowo runobatidzwa nomoto warwo negehena. Mhuka dzamarudzi ose neshiri nezvose zvinozvova napasi nezvinhu zvomugungwa zvinogona kupingudzwa uye zvinopingudzwa navanhu. Asi hapana munhu anogona kupingudza rurimi, rwakaipa uye haruna parwo uyezve rune chepfu. Tinorumbidza narwo Tenzi naBaba uye narwo tinorengerera vanhu rushambwa, vanhu vakasikwa vakafanana naMwari. Mukanwa mumwechetemo munobuda chikomborero nokurengerera rushambwa. Hama dzangu hazvifaniri kudaro. Chisipiti chingaburitse, napaburi rimwechete, mvura yakanaka nemvura inovava here? Muonde ungabereke maorivhi here, nhai hama dzangu, kana kuti mugirepisi ungabereke maonde here? Saizvozvowo mvura inovava haigoni kuburitsa mvura yakanaka.
Jakobho 3:2-12 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Nokuti tinogumburwa tose paɀinhu ɀizhinji. Kana munhu asiŋgagumburwi pakutaura, iye munhu wakakwana, unogona kudzora muʋiri wose ʋo. Ɀino kana ticiisa matare amabiza mumiromo yawo, kuti atiterere, tinodzora ʋo muʋiri wawo wose. Tarirai magwa makuru, kunyaŋge ari makuru akaɗai, acidziŋgwa nemhepo dzinesimba guru, anodzorwa necidzoreso ciɗuku‐ɗuku kwose‐kwose nokuɗa kwomŋoyo womufambisi wawo. Saiɀoɀo ʋo rurimi mutezo muɗuku, runoɀirumbidza ɀikuru. Tarirai, mŋoto muɗuku unotuŋgidza huni zhinji sei! Rurimi mŋoto, rwakaita se nyika izere neɀisakarurama; ndiɀo ɀakaita rurimi pakati pemitezo yeɗu, runoȿiɓisa muʋiri wose, runotuŋgidza nzira yose yoʋupenyu, runotuŋgidzwa irwo neGehena. Nokuti marudzi ose emhuka, neeshiri, neeɀinokambaira, neeɀiri muguŋgwa aŋgapiŋgudzwa, ʋuye akambopiŋgudzwa naʋanhu; asi hakunomunhu uŋgapiŋgudza rurimi; ndico cinhu cakaipa cinoshanduka‐shanduka, cizere nomuti unoʋuraya. Narwo tinorumbidza Ishe Ƃaɓa; narwo tinotuka ʋanhu, ʋakaitwa nomufananidzo waMŋari; mumuromo mumŋe munobva kurumbidza nokutuka. Hama dzaŋgu, hatifaniri kuɗaro. Tsime rinoɓuɗisa pacituɓu cimŋe mvura inonaka neinoʋaʋa here? Hama dzaŋgu, muʋonde uŋgaɓereka maorivi, kana muzambiriŋga maʋonde here? Kunyaŋge nemvura inoʋaʋa haiŋgaɓuɗisi inonaka.
Jakobho 3:2-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)